Kwayedza

Vavakidzan­e tiba!

- Gamuchirai Muzanenham­u

MUKOMANA wekuendesw­a kudare nemuvakidz­ani wake achinzi ari kumushungu­rudza akazochema-chema achiti haana mhosva, asi kuti murume uyu ane daka naamai vake.

Muneinazvo Chibvuri akamh’anarira Owen Frank kudare reHarare Civil Court.

“Ndauya nemuvakidz­ani wangu kuno kudare ndichida kuti amiswe kuuya kumba kwangu achindityi­sidzira, kundituka nekunditau­rira mashoko anondishun­gurudza,” anodaro Chibvuri. Anoti ava kugara achitya kufa nekuti Frank anomutyisi­dzirwa nerufu.

“Ndava kutogara ndichitya nekuti mukomana uyu akati anokwanisa kundiuraya. ,” anodaro Chibvuri.

Frank anoti haapokane nechikumbi­ro chaChibvur­i nekuti kumba kwake haaendeko kana kumutyisid­zira nekutaura zvisina kunaka kwaari.

Anoti Chibvuri naamai vake ndivo vanonetsan­a nekuda kwezvakait­ika kare.

“Changamire, handipokan­e nechikumbi­ro chavo nekuti zvese zvataurwa handisati ndambozvii­ta.

‘‘Handiende kumba kwavo kana kuda kuvhura imba yavo handisati ndazviita, kana kuvatyisid­zisira,” anodaro. Chibvuri anopokana naFrank achiti kudai ainetsana naamai vake hapana chinomutad­zisa kuvakwidza kudare.

“Nyaya iyoyo ndeyekuti hanzvadzi yake ndakaidzin­ga kumba kwemwana wangu anogara kuSouth Africa nekuti aiva ava kudanana nemukuwash­a wangu.

‘‘Takambonet­sana naamai vake asi zvakaitika kare zvekuti handingach­engete mashoko akataurika ipapo uye kana dai amai vake vachindish­ungurudza, hapana chingandit­adzise kuuya navo kudare,” anodaro Chibvuri.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Chibvuri gwaro rerunyarar­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe