Kwayedza

Akayedzerw­a ari musvo

- Blessings Chidakwa

VAGARI vekwaMambo Mapanzure, kuZvishava­ne, vakasara vasina nechekutau­ra svondo rapera zvichiteve­ra nyaya yemukadzi akafumoone­kwa ari musvo pane rimwe sowe reko.

Mukadzi uyu – uyo asina kuzivikanw­a zita rake pamwe nemakore ake ekuberekwa – akaonekwa ari pasowe iri apo aingomiriz­ika zuva richangobu­da.

Mambo Mapanzure, VaCollen Chimhofu, vanotsinhi­ra nyaya iyi vachiti: “Musi weMugovera chaunga chevanhu chakauya kwandiri nemukadzi wavaiti muroyi wavabata ari musvo. Ndakazodzi­nga veruzhinji ava ndikasara nemudzimai uyo wandakazop­a nhumbi nezvekudya ndikawana nguva yekukuruku­ra naye.”

Mambo Mapanzure vanoti chakavasha­misa ndechekuti paivataura nemukadzu uyu, aiita seanorasik­a njere.

“Vanhu vakauya naye vaiti munhu ane dzakakwana sezvo vaiti vanomuziva achitombof­amba nedzimotok­ari dzemuchovh­a asi ini ndakaona seanorasa njere,” vanodaro mambo ava. Mambo Mapanzure vanoendere­ra mberi vachiti, “Ndakazonzw­a kuti mota yakakwira mudzimai uyu ave kuendeswa kumba kwake yakamiswa pamapurisa iye akaburuka achidya marasha zvekuti vachengete­dzi vemutemo ava vakasara vasina mate mukanwa.”

Kwayedza yakatauraw­o nevamwe vanhu vemunharau­nda iyi avo vanoti vakaona mashura aya.

Tinarwo Marufu – uyo aivepo pakawanikw­a mukadzi uyu ari musvo – anoti mudzimai uyu akapona neburi retsono sezvo vamwe, kunyanya vechidiki, vaida kumuita kanyama-kanyama asi ndokuzoran­dutsirwa nevechikur­u.

Vanotaura vanoti mukadzi uyu anogona kunge ari muroyi akadonha kana kudonhedzw­a nevamwe vake vari pabasa.

Marufu anoti mukadzi uyu hapana zvaakataur­a apo akabvunzwa kuti aitsvagei uye chii chakange chaitika kuti azowanikwa ari musvo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe