Kwayedza

Ndinonamat­ira pfambi, mhondi – Muporofita

- Kingstone Mapupu

PANE muporofita ari kuti muchechi yake anonamatir­a nekutendeu­tsa pfambi, mhondi mbavha kana kuti makororo.

Chechi yemuporofi­ta uyu ine muzinda wayo kuKadoma, kuMashonal­and West.

Prophet Trymore Bizari (29) wechechi yeVictory in Christ Internatio­nal Ministries anoti nguva yadarika akazarukir­wa nemweya mutsvene apo akaita mazuva achinamata achinzwa izwi raiti anofanira kubatsira madzimai nevarume vanoita zvechipfam­bi kuti vasiyane nehunzenza.

Anoti mweya wakamuudza zvakare kuti anamatire matsotsi nemhondi kuti vadzikinur­we mumabasa akaipa avanoita.

“Mwedzi minomwe inotevera tichange tichinamat­ira nekudzikin­ura pfambi munzvimbo dzose dzenyika. Takatotang­a kare uye madhimoni echipfambi ari kubuda achienda.

“Haisi mhosva yavo vanoita chipfambi ava, mweya inovapfeka uyewo mhondi nemakororo tiri kudzikinur­a mweya yemadzinza inovatuma. Kune mumwe anongopond­a pasina chaanoda kumunhu, kungonzwa kuvenga munhu – idhimoni iroro. Mumwe anoba chikorobho chaicho, ishavi rekuba,” anodaro.

Prophet Bizari anoti ari kushanyira nzvimbo dzakasiyan­a dzemafaro uko ari kutambirwa zvakanaka – zvikuru nepfambi dzechirume nedzechika­dzi – dzimwe dzacho dzinenge dzichiti hadzidi kuita mabasa aya asi kuti dzinoshand­iswa nemweya yakaipa.

“Tashanyira nzvimbo dzinosanga­nisira Marondera, Mutare, Harare, Chegutu neMacheke tichisanga­na nepfambi dzemakoko nemhondi dzinozivik­anwa. Vamwe vacho vanonyara nekutya kubuda pachena saka tinovanama­tira munzvimbo dzakavandi­ka,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti: “Vamwe vanobuda pachena kuti vakatomboe­nda kumajeri nemhosva dzakasiyan­a sekuponda nekuba. Vanhu ava tinovaudza kuti haisi mhosva yavo, asi kuti zvinokonze­rwa nemweya yetsvina.”

Prophet Bizari anoti mukubatsir­a kwake anoshandis­a sauti nemafuta eanointing oil.

Chechi iyi yakavambwa mugore ra2013 uye Prophet Bizari anoti ane vateveri vanodarika 10 000.

“Ndinofara zvikuru, kuMacheke tine pfambi 6 dzatakanam­atira dzikadziki­nurwa, dzikapupur­a ndokusiya mabasa erima. Tine donzvo rekudzikis­a chipfambi, humhondi nehumbavha munyika nechikamu chepakati nepakati (50%) patinopedz­a makore maviri tiine hurongwa uhu,” anodaro Prophet Bizari.

 ??  ?? Prophet Trymore Bizari achiratidz­a tumapurasi­tiki twaanoisir­a anointing oil.
Prophet Trymore Bizari achiratidz­a tumapurasi­tiki twaanoisir­a anointing oil.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe