Kwayedza

Hello Papa God, sei sei kuHevhalo?

-

NDINODA nyika yangu zvekupenga. Ndicho chikonzero chinoita kuti ndinyore zvinyorwa zvangu nerurimi rwamai. Ndizvo zvinoita kuti ndichenget­edze tsika nehunhu.

Ndakamboga­rawo kunyika dzevarungu ndikaona kuti havasisina tsika, hunhu, hukama nemhuri. Asi ndave kutya kuti nesuwo tave kupepetwa nerusero rweHarare nekutsvaga mari.

Saka maporofita aye apinda mumagiya ekumberi zvekuti nyangwe akaona roadblock havachamir­a nekuti havasisina mabhureki. Chii ichocho chinotaurw­a nemuporofi­ta kuti anofonera Mwari?

Hama dzangu, Mwari haasi coach wenyu saLloyd Mutasa wamunotuka nekuudza madhaka emashoko, asi imi musingatoz­iva kuti bhora racho rinorongwa sei. Ndakamuona muporofita iyeye achifonera Mwari. Kutonyatso­ti, “Hello Papa God!”

Vakomana jee ijee zvaro, dzihwa harigochwe! Mwari mweya, uye havasi papa vemashura.

Solomon akati apedza kutaura mashoko ehuchenjer­i kubhuku raMuparidz­i akati, “Zvino zvose zvanzwikwa; . . . Itya Mwari uchengete mirayiro yake . . . Nokuti Mwari achatonga basa rimwe nerimwe kusanganis­ira nezvakavan­zika zvose, zvakanaka kana zvakaipa.”

Saka itai zvenyu varume, asi isu vamwe takafanana naNathanie­l, tinotya kukurumidz­a kubvuma kuti Mwari vave kubatika pafoni dzenyu dzinosviki­ra majokosi aKapfupi nemapikich­a evanhu vasina kupfeka.

Mwari vanoyera, vanoti tive vatsvene nekuda kwekuti ivo vatsvene. Mwari vakafonera Jonah pasina hendiseti akavanzwa ari mudumbu rehove. Vakafonera Sauro achienda kuDamasiko akawira pasi. Bvunzai Sauro kuti kana chiyedza chaMwari chakurova unoswera uchirasa kabhachi uchifamba kastep kekuonerer­wa here uchiti, “Hello Papa God!” Vakomana Mwari ndiMwari, ndiye akabvunza Jobho kuti, “Wakanga uri kupi pandakatey­a nheyo dzenyika?”

Mumwe muporofita ndiyewo akabuda achiti ndiye ari panhamba 4 yaMwari. Anoti nhamba 1 ndiMwari, nhamba 2 ndiJesu, nhamba 3 ndiMweya Mutsvene, kozouya iye panhamba 4.

Ndinocheme­ra vana vaMwari vasisavere­nge kana kutsvaga Mwari muBhaibher­i asi vachida kuvimba nevanhu vanozviti maporofita. Mazuva akadarika ayo ndakaona imwe vhidhiyo yemuporofi­ta ari pamasowe nemukweshw­a wenyoka achifamba pagwanza repamasowe achiti, “Anga achirwara uye ari kupi. Ngaauya ndimuyeres­e.”

Kuyeresa munhu nenyoka?

Satani anoshanda nekupinda muvanhu kuti avavhiring­idze kuti vasazive chokwadi. Dai vanhu vachinyats­oziva Bhaibheri ravo, Satani aisavakoro­bhesa nekuvawach­isa sezvaari kuita nhasi muZimbabwe.

Ndinonzwa tsitsi kwazvo kana vanhu vachiita sevachache­ma nekufara kuti muporofita avaudza zvakaitika kumashure kana kuti zvichazoit­ika. Asika, mweya yetsvina inoziva zvichaitik­a. Musikana akanyorwa nezvake kuna Mabasa aVapostori 16 anotevera Pauro naSairasi anotoporof­ita pamwe chete nekupupura kuti Pauro naSairasi vanhu vaMwari wekumusoro­soro uye kuti vanhu vanofanirw­a kuvateerer­a nekuti vari kuvaunzira nzira yeruponeso.

Asi musikana uyu aiporofita nedhimoni rakazodzin­gwa naPauro. Dhimoni radzingwa, vanhu vaishandir­wa nemusikana uyu vachiwana mari vakasungis­a Pauro naSairasi nekuda kwekuti vakanga vabvisa dhimoni rakanga richivapa mari.

Satani haazorore. Bhaibheri rinoti anofamba-famba achidzvova seshumba achitsvaga waangapara­dze.

Tikasangwa­rira, Satani anotevedze­ra izwi raMwari mupfungwa dzedu achitiudza zvinhu zvinoita kuti tinzwe kuve nemhosva kuti agotiita nhapwa dzake. Satani ukamupa mukana, unopedzisi­ra wave kuenda kunobvunza mweya iyoyi chero chinhu chipi zvacho. Kana zvadaro unenge wabatwa seshiri nehurimbo.

Kune mumwe mufundisi akanga abvumira mweya waimuita kuti anyore mharidzo dzinotyisa. Pakutanga, mharidzo dzake dzaive nehutsvene uye dzakanyorw­a nezvirunga­mutauro zvinoshami­sa. Asi nekufamba kwenguva, akatanga kunyadzisi­ra. Iye ndokutanga kunzwa mazwi zvekuti akapedzisi­ra akanganisi­ka pfungwa akapinda muchipatar­a. Akazofa mushure memwedzi mitatu ave mupengo unenge Rigiyoni.

Musadaire foni dzaSatani. Musamupe mukana.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe