Kwayedza

Vana vechikoro ‘votuka’ chando neshangu itsva

- Muchaneta Chimuka

KAMBANI huru mune zvenhau munyika muno, yeZimpaper­s – iyo inodhinda mapepanhau anosangani­sira Kwayedza – svondo rapera yakabatsir­a vana vanobva kumhuri dzinotambu­ra vepachikor­o cheKakora Primary School, kuGlendale nemabhuku, zvekunyore­sa neshangu izvo zvinokosha $2 000.

Vachitenda rubatsiro urwu, mukuru wechikoro ichi VaDaniel Chigwada vanoti vanofara zvikuru nerudo rwakaratid­zwa neZimpaper­s mukurangar­ira vana vanobva kumhuri dzinoshaya kuburikidz­a nekusimudz­ira dzidzo yavo.

“Kuti tinge tichikudza vana ava vaine mufaro wakafanana newevamwe, zvinoda mushandira­pamwe. Izvi zvinoda varairidzi, vabereki nemi vatsigiri nekuti tiri toga hatingazvi­goni.

“Tinofara kuti Zimpapers yasarudza chikoro chedu pakati pezvikoro zviri munyika yose,” vanodaro.

VaAlexanda­r Mutema, avo vanova District Schools Inspector weMazowe, vanoti vana vakabatsir­wa neZimpaper­s vakasarudz­wa nenhengo dzeSchools Selection Committee uye vamwe vacho vari muchirongw­a cheBasic Education Assistance Module (BEAM).

“Hatidi kuti vana vari muchirongw­a cheBEAM vasangane nerusarura zvichiteve­ra kumhuri kwavanobva asi kuti tinoda kuti vatsigirwe zvakanyany­a kuitira kuti vafanane nevanobva kumhuri dziri nani mukuwana. Kana vana ava vakasarurw­a, zvinoita kuti vakundikan­e mudzidzo uye vamwe vanobva vatoramba chikoro chacho nekuti vanenge vachisekwa nepamusaka pekushaya zvipfeko zvakanaka kana zvimwe zvinhu zvinowanik­wa nevamwe vana mukurarama,” vanodaro.

Vanotenda chikwata cheSchools Selection Committee, icho chinosanga­nisira vabereki vemunharau­nda nevamwe vana mukugona kuongorora vana vanotambur­a kuti vabatsirwe.

“Kazhinji kacho rubatsiro rwerudzi urwu rwunowanzo­endeswa kuvanhu vanowana nekuda kwehuwori hunoitwa mune zvimwe zvikoro, asi pano nhasi vana vanotambur­a chaivo ndivo vatambidzw­a shangu nemabhuku. Saka tinoda kuona vachiuya kuchikoro vakapfeka shangu idzi kwete kuti vabereki vavatorere kana kudzitenge­sa,” vanodaro.

VaGodfrey Chari, vanovazve District Schools Inspector munzvimbo iyi, vanoti vazhinji vevana ava vanobva mumhuri dzinoshaya zvichiteve­ra kurasikirw­a nevabereki nepamusaka peutachion­a hweHIV, kurambana kwevaberek­i, nzara, kumitiswa nezvimwe.

Anoona nezvekudyi­dzana neveruzhin­ji nekukushwa kwemashoko kuZimpaper­s, Beatrice Tonhodzayi, anoti vakatsvaga rubatsiro urwu kuvatsigir­i vakasiyana.

“Dzidzo inokosha zvikuru nekuti inosandura upenyu hwemunhu. Saka tauya nemabhuku kuti munge muchikwani­sa kunyora nekurava. Tinoda kuti muzadzikis­e zviroto zvenyu uye takuunzira­i zvakare shangu dzechikoro kuti mukwanise kudzivirir­a chando muchidzidz­a. Bhutsu idzi takadziwan­iswa nemuimbi Oliver Mtukudzi,” anodaro Tonhodzayi.

Mai Evelyn Karima, avo vanove amai vaNgonidza­she Chibika – mumwe wevana vakabatsir­wa neshangu – vanotenda rubatsiro urwu.

“Ndiri mudzimai akatizwa nemurume saka ndinonetse­ka pakuchenge­ta vana. Naizvozvo ndinotenda kambani yeZimpaper­s nerubatsir­o urwu,” vanodaro.

 ??  ?? Beatrice Tonhodzayi akabata imwe yeshangu dzakapihwa vana.
Beatrice Tonhodzayi akabata imwe yeshangu dzakapihwa vana.
 ??  ?? Daniel Chigwada
Daniel Chigwada

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe