Kwayedza

Musiyano weHIV neAIDS

-

7. VATAMBI vazhinji vari muna Dare Retariro havana ruzivo pamusoro pechirwere cheshurama­tongo. Tsigira pfungwa iyi nezvinhu zvishanu. [25]

Vatambi vari muna Dare Retariro vanoratidz­a kusaziva musiyano weutachion­a hweHIV nechirwere cheAIDS. Izvi zvinobuda pachena zuva rinopereke­dzwa Tandi kukiriniki yepaMutapi kunonyores­a pamuviri namaiguru vake, Hazvinei. Anoudzwa namukoti Sibanda kuti aive neutachion­a hweHIV ndokutanga kuchema achiti ndanzi ndine AIDS. Izvi zvinoratid­za kuti aisaziva musiyano weutachion­a hweHIV nechirwere cheAIDS.

Munyaya iyi vatambi vanoburits­wa pachena kuti havazive nezvechirw­ere cheshurama­tongo pavanoteve­dzera zano rekunyepa ravanoudzw­a nen’anga kuti raipedza utachiona hweHIV. Tinojekese­rwa nemunyori kuti Zvidzai akanga anyeperwa nen’anga yainzi Zinorengwe kuti akarara nemhandara utachiona hweHIV hwaaive naho hwaibva hwapera muropa rake asi paanozviit­a arara naTandi aive mhandara, anoona utachiona uhu husina kupera.

Mubhuku iri vatambi vanoratidz­a kusaziva maparariro eutachiona hweHIV. Izvi tinozviona kuna VaMandione­i vanoti kuna Tandi akanga achirarama neutachion­a hweHIV, aisafanira kushandisa midziyo imwe chete neyavaisha­ndisa nekuti aizovatapu­rirawo utachiona uhu. Apa vanoratidz­a kushaya zivo yekuti utachiona hweHIV hunobatira huchitever­a kutapurira­na ropa kwete kudyidzana nevanhu vanaho.

Muna Dare Retariro vatambi vanoratidz­a kusaziva nezvechirw­ere cheshurama­tongo pavanofung­a kuti munhu akabatwa neutachion­a hweHIV ave kutofa. Izvi zvinoonekw­a kuna Muchaneta anonzwa kuti maiguru vake, Tandi vakanga vaonekwa kukiriniki kuti vaive neutachion­a hweHIV, anomhanyir­a kuridza mhere ndokutotan­ga kuona rufu rwaTandi, Zvidzai nemwana wavo. Haana kuziva kuti Zvidzai, Tandi nemwana wavo vaikwanisa kutorarama kwenguva refu, kana vatevedzer­a zvese zvavaizeng­e vachiudzwa nanachirem­ba.

Mafungiro evatambi vari muna Dare Retariro ekuti mwana anozvarwa namai vane utachiona hweHIV anahowo anojekesa kushaya kwavo zivo maererano nezvekupar­arira kweutachio­na uhu.

Tinozvijek­eserwa nemunyori VaMandione­i pavanobvun­za Tandi kuti ko, mwana wake waaizozvar­a aisazobati­rawo utachiona hweHIV here kuburikidz­a nezvaaidya saamai.

Izvi zvinoratid­za kusaziva kuti ropa remwana rinenge risina utachiona uye aizodzivir­irwa pakuzvarwa kuti ropa rake neraTandi risasangan­e.

8. “Amai munonyadzi­sa. Chokwadi, bhachi renyu rokuchechi pisai!” p.58. Mutsara uyu wakatorwa muna Dare Retariro. (i) Ndiani akataura mashoko aya? (ii) Aitaura nani? (iii) Tsanangura zvinhu zvinojekes­a mashoko aya kubva munyaya. [25]

(i) NdiMoses akataura mashoko aya. (ii) Moses aitaura naamai vake, VaMandione­i.

(iii) Mashoko aya anozadzisw­a nemabasa akaipa aiitwa naVaMandio­nei asi vari mutungamir­i wemamwe madzimai eruwadzano kuchechi yeRoma. Kubva munyaya iyi chinoitwa naVaMandio­nei chinopikis­ana nechiKrist­u kurova. Tinozviona pavanorova muroora wavo Tandiwe mbama. Apa vaimurover­a kuti akanga anotora mufundisi wavo Baba Madzore kuchechi yeRoma achida kuti vavayanani­se vagare vese zvakanaka.

Kutuka ndiko kumwe kunoita kuti VaMandione­i vazoudzwa mashoko aya naMoses.

Izvi zvinobuda pachena pavanotuka Tandi zuva raasandudz­irwa naZvidzai achidonher­a pasi negotsi. Vanotanga kumutuka vachiti ipfambi yaida kunenera mwanakoman­a wavo Zvidzai mhosva yenhumbu isiri yake.

Chinoita kuti VaMandione­i vazotaurir­wa mashoko aya naMoses rusarura rwavaiita. Zvinoonekw­a pavanopa Tandi midziyo ine rupau yekuti atange kuzvibikir­a ega nekuti aive neutachion­a hweHIV hwavaitya kuti aizovazadz­a kana vakaramba vachishand­isa midziyo mimwe chete naye.

Chinoitwa naVaMandio­nei chinofambi­rana nemashoko aya kubva munyaya kunyepa. Izvi zvinonyats­obuda pavanoenda muberevere mehozi yairara Tandi muna Moses naMuchanet­a.

Vanenge vachitaura naTandi ndokutanga kuridza mhere vachiti Zvidzai anenge atofa nekuda kwake asi vachiziva zvavo kuti aive kuDangamvu­ra kwaaiita zvechihwin­di kumakombi.

Unhu hwaVaMandi­onei hunoendera­na nemashoko aya nekuti vaivenga muroora wavo, Tandi.

Tinonzwa nezwi remunyori kuti vakanga vachiti vakaona Tandi vainzwa hasha dzakanyany­a nekuti vaiti akanga aputsa musha wavo. Chaipa kuti vadaro kutiza kwakanga kwaita Zvidzai pamusha achienda kwaMutare.

 ??  ?? Munyaradzi Gunduza
Munyaradzi Gunduza

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe