Kuti mutambo uendeke
Munyaradzi Gunduza
. KUPERA kunoita basa raRuvengo kunoita kuti azove rovha otanga kuchengetwa naCindy.
. Kuramba kuteerera kunoitwa naRuvengo kuti adzinge amai vake, VaHaruna vadzokere kumusha kuDharuweni.
. Kupomerwa huroyi kunoitwa VaHaruna naCindy achida kuti vadzokere kumusha kwavo kuDharuweni.
. Kusatsvairwa kunoitwa mumba yekurara yaCindy naRuvengo nemusikana webasa, Tsitsi pamwe chete nekusageza chimbuzi chemumba umu.
. Kurambidzwa kugara mumasofa nekuona chivhitivhiti chakanaka kunoitwa VaHaruna naCindy achiti vanozadza masofa bute.
. Tsamba inonyorerwa Ruvengo nemukuru wenyika achimushevedza kuti adzokere pabasa.
. Kushanya kwaRegina kumba kwaCindy kuBraeside achida kunomuona.
. Zano raCindy naLaiza rekuti vauraye VaHaruna nekeke rine muchetura wemakonzo.
. Kunhongwa kwekeke naKumbie achidya asina kumirira kupihwa.
. Kurwara kunoita Kumbie nemudumbu achingogomera mushure mekudya keke.
. Kurohwa netsvimbo kunoitwa Regina naCindy achiedza kurova amai vake, Laiza.
. Kumhanya kunoshevedza mapurisa kunoitwa naMaggie.
. Kusungwa kwaCindy naLaiza nemapurisa.
Matambudziko anowira vatambi:
. Mbuya Haruna vanosangana nedambudziko rekupomerwa huroyi.
. Mbuya Haruna vanowirwa nedambudziko rekurambidzwa kugara pamasofa akanaka nekuona chivhitivhiti chakanaka nekuti vanoputa bute (rusarura).
. Kumbie anosangana nedambudziko reurwere hwemudumbu.
. Ruvengo anowirwa nedambudziko rekupererwa nebasa zvinoita kuti ave rovha.
. Laiza naCindy vanosangana nematambudziko ekusungwa.
. Regina anosangana nedambudziko rekurohwa pamhanza netsvimbo naCindy.
. Maggie anowirwa nedambudziko rekufirwa naamai vake zvinoita kuti azotange kugara naCindy achishungurudzwa.
. Tsitsi anosangana nedambudziko rekutukwa naCindy nenyaya yekusatsvaira muimba yake yekurara pamwe chete nekugeza chimbuzi.
. Laiza anosangana nedambudziko rekushorwa pamwe chete nekutukwa nemwana.
. VaHaruna vanosangana nematambudziko ekurera vanaRuvengo naRozi kuti vakure mushure mekunge murume wavo afa vachisiiwa vave shirikadzi.
Zvidzidzo zvinobuda mumutambo: Mumwe anokwanisa kuti akadzidza zvidzidzo zvinotevera:
Ane marengenya haachariki moto – kubva kuna Cindy anoshungurudza vamwe vanhu asi kumagumo anozopinda mumaoko emapurisa nekuda kweunhu nemabasa ake.
Rina manyanga hariputirwe mumushunje – Cindy anovanzira Ruvengo kuti aive nemwana kunze asi anozongomuudza – anotaura kuti aisada kuzvara achitya kuchembera ndosaka aishandisa dhepo.
Hukama haugezwi nesipo – Ruvengo anoramba kudzinga amai vake, VaHaruna pamba pake nekuti vakatambura kumuchengeta kukura kwake kwese.
Mhandu yemukadzi mukadzi – Cindy anenge achishungurudza vamwe vanhukadzi sezvaanoita paanenge achirambidza VaHaruna kuti vagara mumasofa