Kwayedza

Kuti mutambo uendeke

-

Munyaradzi Gunduza

. KUPERA kunoita basa raRuvengo kunoita kuti azove rovha otanga kuchengetw­a naCindy.

. Kuramba kuteerera kunoitwa naRuvengo kuti adzinge amai vake, VaHaruna vadzokere kumusha kuDharuwen­i.

. Kupomerwa huroyi kunoitwa VaHaruna naCindy achida kuti vadzokere kumusha kwavo kuDharuwen­i.

. Kusatsvair­wa kunoitwa mumba yekurara yaCindy naRuvengo nemusikana webasa, Tsitsi pamwe chete nekusageza chimbuzi chemumba umu.

. Kurambidzw­a kugara mumasofa nekuona chivhitivh­iti chakanaka kunoitwa VaHaruna naCindy achiti vanozadza masofa bute.

. Tsamba inonyorerw­a Ruvengo nemukuru wenyika achimushev­edza kuti adzokere pabasa.

. Kushanya kwaRegina kumba kwaCindy kuBraeside achida kunomuona.

. Zano raCindy naLaiza rekuti vauraye VaHaruna nekeke rine muchetura wemakonzo.

. Kunhongwa kwekeke naKumbie achidya asina kumirira kupihwa.

. Kurwara kunoita Kumbie nemudumbu achingogom­era mushure mekudya keke.

. Kurohwa netsvimbo kunoitwa Regina naCindy achiedza kurova amai vake, Laiza.

. Kumhanya kunosheved­za mapurisa kunoitwa naMaggie.

. Kusungwa kwaCindy naLaiza nemapurisa.

Matambudzi­ko anowira vatambi:

. Mbuya Haruna vanosangan­a nedambudzi­ko rekupomerw­a huroyi.

. Mbuya Haruna vanowirwa nedambudzi­ko rekurambid­zwa kugara pamasofa akanaka nekuona chivhitivh­iti chakanaka nekuti vanoputa bute (rusarura).

. Kumbie anosangana nedambudzi­ko reurwere hwemudumbu.

. Ruvengo anowirwa nedambudzi­ko rekupererw­a nebasa zvinoita kuti ave rovha.

. Laiza naCindy vanosangan­a nematambud­ziko ekusungwa.

. Regina anosangana nedambudzi­ko rekurohwa pamhanza netsvimbo naCindy.

. Maggie anowirwa nedambudzi­ko rekufirwa naamai vake zvinoita kuti azotange kugara naCindy achishungu­rudzwa.

. Tsitsi anosangana nedambudzi­ko rekutukwa naCindy nenyaya yekusatsva­ira muimba yake yekurara pamwe chete nekugeza chimbuzi.

. Laiza anosangana nedambudzi­ko rekushorwa pamwe chete nekutukwa nemwana.

. VaHaruna vanosangan­a nematambud­ziko ekurera vanaRuveng­o naRozi kuti vakure mushure mekunge murume wavo afa vachisiiwa vave shirikadzi.

Zvidzidzo zvinobuda mumutambo: Mumwe anokwanisa kuti akadzidza zvidzidzo zvinotever­a:

Ane marengenya haachariki moto – kubva kuna Cindy anoshungur­udza vamwe vanhu asi kumagumo anozopinda mumaoko emapurisa nekuda kweunhu nemabasa ake.

Rina manyanga hariputirw­e mumushunje – Cindy anovanzira Ruvengo kuti aive nemwana kunze asi anozongomu­udza – anotaura kuti aisada kuzvara achitya kuchembera ndosaka aishandisa dhepo.

Hukama haugezwi nesipo – Ruvengo anoramba kudzinga amai vake, VaHaruna pamba pake nekuti vakatambur­a kumuchenge­ta kukura kwake kwese.

Mhandu yemukadzi mukadzi – Cindy anenge achishungu­rudza vamwe vanhukadzi sezvaanoit­a paanenge achirambid­za VaHaruna kuti vagara mumasofa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe