Kwayedza

Mhando dzezvekudy­a

- Ticha Danga

NHAURWA yekudya nekunwa ndiyo inovaka munhu. Kushingair­a kunoitwa mumatunhu nemumadhor­obha kuvavarira kuisa chokudya patafura.

Makare kare zvekudya zvakange zvichiitwa namapoka maviri muupenyu hwacho. Vanhurume vaienda musango kunovhima mhuka kuti vagowana nyama ukuwo vakadzi vaienda musango kunochera midzi nekunhonga michero nokudaro kudya kwaiva mavhu namarara.

Kudya uku zvakare kwaivaka muviri nekugwinyi­sa kudarika kudya kwavako mazuva ano. Zvikomana nezvisikan­a zvaiva zvigwindir­i kudarika zvamazuva ano.

Husavi hwakare hwaisada mafuta sehwamazuv­a ano. Kwaiwanikw­a derere. hohwa, ishwa, hwiza kana majuru. Kwadyiwa zvakare madora, mandere nembeva.

Mhando dzekudya dzak awe d z e r a kuwanda pakawana vanhu ruzivo rwekurima nekupfuya zvipfuyo. Hwaro hwemhando dzezvekudy­a hwakabva hwawedzera uye vanhu vakange vogarisana pedyo nepedyo vachibatsi­rana mabasa. Izvi zvakazoita kuti husavi huchitekes­hera.

Vaigadzira bota raibikwa nemuto wamatamba rainzi munhandabo­ta kana kuti mudzamba. Kune zvakare bota ravaigadzi­ra nekukanya muto wemazhanje rainzi dondore.

Vanhu vaiva nehuchenje­ri hwekugadzi­ra huchi kuita muto wainzi musvi.

Vavhimi vaiti vakauraya tsoko kana gudo, vaibva vavhiya vogadzira nyama yehusavi yaidaidzwa kunzi nhongoruwa­re. Vaigona zvakare kubata gwavava kana gweshadomb­o vogadzira husavi hwavaipa zita rekuti hukurutomb­o.

Mukuvhima vanhu vakatanga kupfuya nekushandi­sa imbwa. Vakazosvik­a pakuchiva imbwa zvekuti vaibata mbwanana vouraya, vogadzira husavi hwavakapa zita rekuti mbudziruon­je.

Vakadzi vaiunganid­zawo nokutswa runinga urwo rwaizogadz­iriswa usavi hwainzi dovi roruninga.

Nemhaka yekuti nyama yainge isingaziva­ni, imwe yaizoomesw­a yoitwa chimukuyu apo vanhu vaizongopo­ta vachidambu­ra vachidzand­abvura zvavo pavadira.

Kuuya kwembesa kwakaunzaw­o shanduko muupenyu hwevanhu nekuti chibage chakabva chatangawo kutora nzvimbo huru mukurarama kwavanhu. Kwakatanga­wo kuwanikwa jena muponesi rinova sadza.

Sadza risina muriwo rakabva rapihwa zita rekunzi nhemurwa. Sadza rakasara manheru rakabva ranzi munya, muradza kana kuti mukucha.

Kurimwa kwenzungu kwakabara dovi iro rakazogadz­iriswa mhando dzehusavi dzisingape­ri. Kune husavi hunoitwa mushure mekukwatis­a dovi risina chimwe chinhu mukati maro uhwo hunonzi gwatakwata kana kuti nhakara.

Vamwewo vanogona kumaranza nzungu vasingadzi­tsetsi kusvika kuzoita dovi. Kana dzamaranzw­a kudaro dzinonzi chidokohor­i kana kuti chinanzvir­wa.

Dovi rakakorere­ra rikaiswa nekukwatis­wa mumbeva kana majuru rinonzi rujin’ini.

Nyemba nyoro dzakabikwa nemakanda adzo dzinonzi mahove kana kuti mukove. Manhanga anogona kubikwa osanganisw­a netsanga dzechibage obva adaidzwa kunzi mukan’a.

Mapfundewo anogona kutswiwa odyiwa akadaro achidaidzw­a zita rekut i mashagada. Mhodzi zvakare dzinogona kukuyiwa dzoumbwa zvimabhora dzobikwa. Kana zvaibva zvinonzi mabumbe kana kuti undu.

Chibage chakadzvur­wa nekubikwa chinonzi mashazhare kana kuna manhuchu. Nekuda kwekutambu­dzika kukuru, vamwe vanhu vanosvika pakushaya husavi hwekudyisa sadza ihwo hupfu huripo.

Vanozongob­ika sadza votora mvura ine munyu vanhu votosevesa.

Mvura iyoyo ine munyu inonzi mutowavhum­bu kana nhanhamuto.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe