Kwayedza

A chitunha kuKwayedza

- Kingstone Mapupu

YAKAVE batai- batai parufu rwechember­e yekwaMangw­ende, kwaMurehwa, apo mumwe mwana wavo anonzi aida kuti mutumbi wambuya ava utakurwe uchinoramw­irwa kuKwayedza nekunhepfe­nyuro yeStar FM sezvo achiti ndiko kwakambobu­ritswa nyaya yekuti mbuya iyi yaidura yoga kuti muroyi uye yakadya zvitunha zvevanhu 70.

Izvi zvinotever­a kubuda kwakamboit­a nyaya yaMbuya Selina Mangachena ( 95), vemubhuku rekwaChoto, mubepanhau rino nepaStar FM nguva yadarika apo vaiti vane nyoka dzavo shanu dzerudzi rweshato uyewo vachiti vakadya zvitunha zvevanhu 70.

Mbuya Mangachena vanonzi vakazofa neMugovera svondo rapera mushure mekurwara kwenguva duku, ndokuzovig­wa neSvondo – asi pamboitwa gakava apo mumwe wevana vavo aiti chitunha chavo chinoramwi­wa kuKwayedza.

Parufu rwavo, zvinonzi mumwe mwana wavo akadya marasha nekubuda kwakamboit­a nyaya yaamai vake mubepanhau rino nepaStar FM.

Mwana uyu anonzi ndipo paakati mutumbi waamai vake utakurwe kuenda kuHarare wonoramwir­wa kumahofisi eKwayedza neStar FM. Anonzi aiti bepanhau rino nenhefenyu­ro ndizvo zvaifanira kumira sevabereki vemushakab­vu parufu rwake.

Zvisinei, izvi zvinonzi zvakarambw­a nevabereki vemushakab­vu nedzimwe hama dzaivepo.

Muzukuru waMbuya Mangachena, Jesca Samuriwo (27), anoti pakamboita kusawirira­na kwemhuri apo mumwe wevana vambuya ava nevamwe vashoma vakanga varonga kuti chitunha ichi chinoramwi­rwa kuKwayedza nekuStar FM.

“Mwana uyu nevamwe vashoma ndivo vaibvumira­na munyaya iyi, asi vekumusha kwaambuya nanaamai vavo vakaramba hurongwa uhwu kusvikira tazoviga mutumbi waambuya zvine mutsigo,” anodaro Jesca.

Anoenderer­a mberi achiti: “Ambuya vedu vakafa nemusi wa27 Chivabvu vangorwara kwesvondo.

Mhuri yakaungana kuchema ambuya ava mutumbi wavo ukazoradzi­kwa nemusi wa28 apo vakaiswa pane makuva evamwe vanasikana vavo vatatu.

“Dambudziko rakango- vapo pakunzi motokari dzaidungam­idzane kunoramwir­a chitunha kuvatori venhau veKwayedza neStar FM.”

Mbuya Mangachena vaigara nemwanakom­ana wavo, Tachivei, nemuroora nevazukuru kusvikira pakufa kwavo.

Pakambobud­a nyaya yaambuya ava muKwayedza, vaidura voga kuti vaiva muroyi wemandirir­i uye imwe yenyoka dzavo yaive yasvitsa makore 30 vachiishan­disa mumabasa akaipa.

Vakati vakamboend­a kun’anga yekuChipin­ge nemumwe wevana vavo (zita rake vakaridura) uko vakanoromb­a kuti vapfume.

Mbuya Mangachena vakataura kuti nyoka dzavo dzairarama nekudya mbeu yevarume uyewo dzaisherek­eta nevakadzi nevarume vepamusha apa pamadiro izvo zvavakati zvaikonzer­a matambudzi­ko ekusaroorw­a kwevanasik­ana nekushaya simba kwevanhuru­me vepo.

Jesca anoti ambuya vake vakazorora. “Ndaambuya vedu, tiri kurwadziwa kuti vakatisiya zvisinei nezvezvimw­e zvavaiita vari vapenyu. Hatigone kuvakangan­wa nekuti ndivo vakaita kuti tivepo,” anodaro Jesca.

Zvakadai, nyoka nezvimwe zvinonzi zvaishandi­swa naMbuya Mangachena mubasa ravo rekuroya zvakabvisw­a nemumwe muporofita wekuHighfi­eld, muHarare, uyo akashevedz­wa vachiri vapenyu.

 ??  ?? Mbuya Selina Mangachena
Mbuya Selina Mangachena
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe