Bhadharai mari nenguva: Kateera
‘Vana ngavadzidze mabasa emawoko’
VABEREKI vokurudzirwa kuti vadhadhare mari dzevana dzechikoro nenguva sezvo kunonoka kuibhadhara kuchikanganisa budiriro yedzidzo.
Kurudziro iyi yakaitwa svondo rapera nemukuru wedzidzo mudunhu reHarare, VaChristopher Kateera, apo vaive muenzi anoremekedzwa pamhemberero dzekupihwa mibairo kuvana vakabudirira muzvidzidzo zvakasiyana, eGlen View-Mufakose Merit Awards.
“Vabereki ndinovatenda zvakanyanya nebasa ravanoita rekutitsigira nekuunza kwavanoita vana kuzvikoro pamwe chete nekupa mazano mukuvandudzwa kwezvikoro kuburikidza nemaSchool Developments Committees (SDC). Zvisinei, kune vamwe vabereki vanononoka kubhadharira vana mari dzechikoro.
“Ndinopa yambiro kuvabereki vakadai kuti vanofanira kubhadhara nekuti kusabhadhara kwavo kana kunonoka kunoita kuti zvirongwa zvinenge zvichida kuitwa nezvikoro zvekuvandudza magariro nemadzidziro evana zvidzokere kumashure. Mubereki anofanira kuziva kukosha kwedzidzo yemwana wake,” vanodaro VaKateera. VaKateera vanoenderera mberi vachiti zvikoro zvinofanira kudzidzisa vana zvidzidzo zvinofambirana nenguva zvinoita kuti vazova nehunyanzvi hwezvakasiyana-siyana.
“Nguva yatiri kurarama haichangodi kuti munhu aendere kuchikoro kuva neruzivo chete, asi nekugona kurwushandisa. Vana ndavadzidziswe zvekuti vanokwanisa kukasira kushandisa ruzivo rwavo VaKateera VaNyambuya
kana vawirwa nematambudziko kana mazano anoita kuti nyika isimukire,” vanodaro.
Mashoko avo anotsinhirwa naVaCloud Nyambuya, avo vanova VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana patrick.shamba@zimpapers. co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
***
MHINDURO DZESVONDO RAPERA: Tipewo mazita ezvinotevera:
1. Vhudzi jena remunhu mukuru – imvi
2. Mwana anozvarwa nguva yake yakwana – gavamwedzi
3. Murume adarika zera rekuroora – tsvimborume
4. Munhu anotaura ngano – sarungano
5. Zvimiti zvinokandwa nen’anga ichishopera – hakata
***
ZVAKABVA KUVANA:
Aaron Makombe, Savanna Primary School, isati
District Schools Inspector (DSI) kudunhu reGlen View-Mufakose vachiti vari kufara nekufambira mberi kwechirongwa cheNew Curriculum. Mvuma – Tsumo: 1. Kuipa kuipa zvaro bveni haridyi chakafa choga; 2. Kuzeza chati kwati hunge une chawaturika; 3. Kamoto kamberevere kakapisa matanda mberi; 4. Kutaurirwa hunyimwa mbare dzokumusana; 5. Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara.
***
0777 758 039 – 1. choga; 2. katurike; 3. mberi;
4. dzokumusana; 5. ari kurwara
***
0776 409 071 – 1. choga; 2. katurikwa; 3. mberi; 4. dzokumusana; 5. anorwara
***
Ruvarashe Zuze, Form 1, Gienridge College, Epworth – 1. choga; 2. katurike; 3. mberi; 4. dzekumusana; 5. anorwara
***
Lucia Aaron, Alaska, Chinhoyi – 1. choga; 2. katurike; 3. mberi; 4. dzekumusana; 5. anorwara
***
0772 672 396 – 1. chakafa chega; 2. une katurikwa; 3. matanda mberi; 4. mbare dzekumusana
“Vadzidzisi vemudunhu rangu vari kuratidza kufarira New Curriculum kuburikidza nekudzidzisa kwavari kuita zvidzidzo zvakanangana nechirongwa ichi. Vana muzvikoro
***
Loveness Nyamundanda, Grade 7, Pafiwa Primary School – 1. choga; 2. katurike; 3. mberi; 4. dzekumusana; 5. anorwara.
***
Mrs Jaulani, Chinhoyi – 1. chega; 2. katurikwa; 3. mberi; 4. dzekumusana
***
Peter Dimikira, 3 Bridgade, Mutare – 1. chega; 2. katurike; 3. mberi; 4. dzekumusana; 5. anorwara
***
Delight Gonye, Miles Academy, Highfield – 1. chakafa chega; 2. katurike; 3. mberi; 4. dzekumusana; 5. anorwara
***
Precious Rakabopa, Mutare – 1. Kuipa kuipa zvaro bveni haridyi chakafa chega; 2. Kuzeza chati kwati hunge uine chaturike; 3. Kamoto kambeverere kakapisa matanda mberi; 4. Kutaurirwa hunyimwa sembare dzekumusana;
vava kupinda mumitambo yakasiyana vachiratidza zvipo zvavo rinova danho rakanangana nekutevedzera hurongwa uhu,” vanodaro.