Kwayedza

Zvakakoshe­ra kutora mishonga yeHIV nemazvo

-

Kuna Chiremba

Ndiri mudzimai ane makore 32 okuberekwa uye ndichangob­va mukuonekwa kuti ndine utachiona hweHIV. Pakiriniki vakandiudz­a kuti ndinonwa sei mishonga yangu asi ndinonzwa kuti ndinoda rumwe ruzivo. Ndinonzwa kakawanda vamwe vachiti vanombokan­ganwa kunwa mishonga yavo apo vanenge vari mubishi kuita mabhindauk­o akasiyana ekutsvaga mari.

Ndingatore sei mishonga yangu apo ndinenge ndichitsva­ga zvinondira­ramisa?

Ndapota nditsanang­urireiwo kuitira kubatsira ini nevamwe vane dambudziko rakafanana nerangu kuti tingatore mishonga yedu zvakanaka sei.

Ndini Positively Positive

Kuna Positively Positive Ndinotenda nekunyora kwawaita. Ichokwadi kuti vakawanda vanopedzis­ira vofunga zvekutsvag­a mari vachikanga­nwa kunwa mishonga yavo. Ndinofaraw­o nekuti kune vamwe vakaita sewe vanokoshes­a utano hwavo.

Vanhu vanosvika 900 000 muZimbabwe vari pachirongw­a chekunwa mishonga yeHIV cheanti-retroviral therapy (ART). Zvakakosha kunwa mishonga iyi nguva dzose, sezvinenge zvakataurw­a kuchipatar­a kana kukiriniki.

Mishonga iripo parizvino hairape utachiona hweHIV. Asi, mubatanidz­wa wemishonga iyi unodzikisa huwandu hweutachio­na hweHIV muropa rako (viral load) uye kuti husarambe huchiberek­a humwe hutachiona.

Izvi zvinoita kuti masoja anorwisa zvirwere mumuviri arambe akasimba uye achikwanis­a kudzivirir­a zvimwe zvirwere.

Zvakadai, zvakakosha kuti utore mishonga yako yeHIV nemazvo. Kusatora mishonga iyi nemazvo kunogona kureva kuti huwandu hwemishong­a iyi muropa rako hunenge husiri padanho rinotarisi­rwa kuti hunge huchirwisa utachiona hweHIV. Kana zvikadai, utachiona hweHIV hunogona kuberekana.

Izvi zvinoita kuti nekufamba kwenguva mishonga yaunenge uchitora itadze kushanda mumuviri zvachose zvinoreva kuti haukwanise kunge uchibatsir­ika pautano hwako.

Kana kutora kwako mishonga kusingafam­be zvakanaka zvinoreva kuti viral load yako inokwira ukuwo CD4 cell count yoderera.

Mamiriro ezvinhu akadai aya anowedzera mukana wekuti unge uchirwara nekuda kweHIV.

Kana viral load yako ikawedzera zvakanyany­a, unogona kusandura mishonga yaunenge uchitora. Asi, mishonga mitsva iyi inogona kukunzores­a zvimwe zvange zvisipo. Utachiona hweHIV hunogona zvakare kutadza kudairiran­a nemishonga yakada kufanana neyawainge uchitora.

Kana mishonga yeHIV ikanyatsot­orwa zvakanaka inodzikisa viral load mumvura inobuda munhengo dzesikarud­zi.

Izvi zvinodziki­sa zvikuru mukana wekutapuri­rana utachiona hweHIV panguva yebonde. Kushandisa makondomu kunoderedz­awo mukana uyu zvakare pamwe nekudzivir­ira iwe nemudikani wako kubva kuzvirwere zvepabonde.

Gara uchiziva kuti kuva nezvirwere zvepabonde zvakadai sechlamydi­a kana gonorrhoea, kunogona kuita kuti HIV viral load yako mumvura inobuda nhengo dzesikarud­zi iwedzere, izvo zvinogona kuita kuti utachiona huberekane.

Kana uri pachirongw­a cheART pota uchienda kungave kukiriniki­a kana kuchipatar­a chiri pedyo uchiongoro­rwa kuti mishonga yaunenge uchitora iri kuwirirana newe here.

Chiremba

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe