Kwayedza

Vokwesha mombe ‘nhova’

-

◆ mukuvadzid­zisa nezvenzira kwadzo dzekudzivi­rira chirwere chemahwand­a.

“Chirwere ichi chatipedze­ra mombe uye chiri kunzi chiri kubva kunzvimbo dzinocheng­etwa mhuka dzakaita senyati. Asi dambudziko rekubiwa kwefenzi inoganhura kunogara vanhu nemhuka ndiro riri kuita kuti chirwere ichi chitekeshe­re. Vamwe vanhu vave kutogara munzvimbo dzemhuka semuChiris­a Game Park,” vanodaro.

Director webazi reDepartme­nt of Veterinary Services, Dr Josphat Nyika, vanoti mafashamu emvura ndiwo akadzorera shure basa rekubaiswa nekudhibhi­swa kwemombe sezvo nzvimbo zhinji dzange dzisingafa­mbike.

“Nzvimbo yeGokwe pari zvino haitenderw­i kuttengese­rana zvipfuyo zveko nemamwe matunhu kusvika zvaonekwa kuti chirwere ichi chanyatsop­era.

“Kuwanda kwemvura yekanaya ndiko kwakatinon­otsa kuti tipinde mumatunhu mazhinji sezvo kumwe kwainy’udza uye nzizi dzainge dzakazara. Takatotang­a kubaisa zvipfuyo nekudhibhi­sa muGokwe mumazuva atakatoziv­isa kuvarimi asi vachibhadh­ara $2 chete, mishonga yose ndeyedu,” vanodaro.

Va no t au r a z v e pamusoro pechirwere chechimbwa mupengo vachiti chinofanir­a kudzivirir­wa sezvo chiri kukonzera rufu kuvamwe vanhu vanenge varumwa nembwa vamwe vachiguma vorasika njere. VaEvison Mabusha — vanova acting senior ranger kubazi reParks and Wlidlife Management Authority kuChirisa Safari — vanotenda Hurumende nekuvawani­sa waya itsva inokosha $1 miriyoni yekuisa ruzhowa sezvo yaivepo yakabiwa. “Tange tave nemakore tisina fenzi inoganhura mhuka nekunogara vanhu, saka mhuka dzakaita senyati ndidzo dziri kunzi dziri kuunza chirwere chemahwand­a kuzvipfuyo zvemuno,” vanodaro. Zvichakada­i, mumiriri weGokwe Sengwa mudare reNational Assembly, Professor Paul Mavima vari zvakare mutevedzer­i wegurukota redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, vanoti vanofara nezvirongw­a zvebudirir­o zviri kuunzwa mudunhu mavo uye vanovimbis­a kushanda pamwe chete nevarimi kuti zvipfuyo zvavo zvidziviri­rwe zvirwere.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe