Kwayedza

Kurima fodya kune pundutso

- Buhle Nkomo

Ndine hurongwa hwekutenga sitendi kuMaronder­a ndigovaka imba yandaga ra ndi chishuvira uye ndichateng­a motokari yangu kubva kunze kwenyika yekutakuri­sa zvirimwa zvangu gore rino,” anodaro Kelvin Foya ( 34), anove murimi wefodya wekuMagunj­e mushure mekuona gwaro rine mari yaari kuwana apo akatengesa chirimwa ichi.

Kubva mukutenges­a kwaakaita mabhero 155, Foya akawana $ 30 000 inova mari yakapeta katatu pane yemwaka wadarika.

“Kurima fodya ndiyo nzira yakanaka yekufamba nayo. Ndinofara kuti kushanda kwangu nesimba kwave nepunduko.

“Apo mitengo yakanaka mwaka uno, mhando yefodya yangu yakawedzer­awo kunaka zvakare,” anodaro Foya.

Mabhero aya ose airema 10 163 kgs uye akatengwa nemari inobvira pa$ 1.25 pakg kusvika $ 4.99 apo mari yepakati nepakti yaive $3.12.

“Ndakarima mahekita mana nemvura yekudenga uye parizvino ndatengesa fodya yangu yakati wandei uye ndichiri neimwe zvinoreva kuti ndichawana imwe mari zvakare,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti, “Kubva pamakore mana andarima fodya, ndinoti mwaka uno ndiwo wandawana goho guru zvikuru.”

Foya anoti budiriro yake pakurima fodya yakavepo nekuda kwekuti anogara ari papurazi uye achiongoro­ra zvikuru makurire anenge achiita chirimwa chake mwaka wose pamwe nekutevedz­era nzira dzinodiwa pakurima achishandi­sa bhuku rakadhindi­swa neveTobacc­o Research Board (TRB).

“Pakatanga mwaka, ndakazvipi­ra kuti ndinge ndichishan­da nesimba pamwe nekuona kuti fetereza nezvose zvinodiwa zvaiswa pazvirimwa.

“Zvakange zvisiri nyore sezvo mwaka waive nemvura yakawandis­a zvakakonze­ra kuti kumwe kudya kwezvirimw­a kwaive muvhu kunyudzwe kwakaita senitrogen nekudaro ndakatozot­enga masaga efetereza 45 eCalcium nitrate kuitira kudzorered­za kurasikirw­a kwandaive ndaita kudya kunodiwa nevhu uku.

“Kuwanda kwemvura uku kwakaitawo kuti fodya mashizha ayo aite ruvara rweyellow asi mushure mekunge ndaisa Calcium nitrate, mashizha aya akadzokera paruvara rwawo rwakasvibi­rira zvakare.

Mvura yainaya yakaita zvakare kuti sora ringe richikura nekudaro ndakashand­isa mari yakawanda, kwete mukutenga fetereza chete asiwo nemushonga wekuuraya sora.

“Ndakarima mumunda mushure mekunge mvura yekutanga ichangonay­a.

“Nekuda kwemamirir­o ezvinhu, mari yandakasha­ndisa mubasa iri yakazowand­a sezvo pakutanga ndaive ndaita mariji (ridges) kuitira kufambisa mvura kana ichinge yawandisa asi ndakazopar­adza paisakurwa sora,” anodaro Foya.

Foya anokurudzi­ra vamwe varimi kuti vakoshese mbeu yefodya yavanofesa sezvo ichibatsir­a pakuti vawane chirimwa chemhando yepamusoro pamwe negoho rakanaka.

“Kubva mu kur ima kwangu kose, ndakadzidz­a kuti mbeu yemhando yeKRK26 ndiyo inonyatsoi­ta mudunhu randinorim­a ndiri.

“Var imi vanofani ra kurima fodya inoenderan­a nematunhu avo uye votsvagawo mazano pamusoro pembeu inokodzera nematunhu avo,” anodaro.

Foya anosiyanis­a mbeu dzaanorima mumunda gore negore sekuti akarima chibage gore rino, rinouya orima soya bhinzi mumunda mumwe chete uyu nekuzorima fodya kuitira kuvandudza ivhu rake.

Soya bhinzi nechibage chikafu chinodiwa zvikuru saka Foya anozviteng­esawo achizviwan­ira imwe mari.

Kunze kwekurima, Foya anoita basa rekuvaka zvakasiyan­a zvakare munharaund­a yake kana muguta reHarare zvichiende­rana nebasa raanenge awana.

Foya anokurudzi­ra varimi kuti vashandise magrower’s numbers avo kuitira kuti vange vachibatsi­rika nekuwana imwe mari yepamusoro yeexport incentive kana vachinge vatengesa fodya yavo.

Kuti munhu anyorese semurimi wefodya, anongoda chete kuti ave nechitupa, gwaro rinotaridz­a kuti munda waari kurima ndewake, tsamba inobva kune veAGRITEX ne$ 10 yekunyores­a.

Apo mwaka wefodya uri kufambira mberi, varimi vanoyeuchi­dzwa kut i kunyoresa kurima fodya mumwaka unotevera kwakatotan­ga uye vanokurudz­irwa kuti vanyorese musi wa31 Gunyana 2017 usati wadarika kuitira kuti vasazobhad­hariswa imwe mari pamusoro mushure mekunge vanonoka kunyoresa.

Ruzivo urwu rwakakosha kuitira kuti murimi ange achikwanis­a kuronga basa rake.

Kunyoresa kunogona kuitwa kumahofisi eTIMB akatekeshe­ra kumisika inotengesw­a fodya kana kumahofisi TIMB.

TIMB iri kufamba zvakare ichinyores­a varimi kumatunhu akasiyana kwavanorim­ira.

Varimi vanokurudz­irwa kuti varidzire nhare kumahofisi eTIMB ari kumatunhu avo kuitira kuti vagozivisw­a mazuva avachange vachishany­ira kumatunhu aya vachivanyo­resa. Varimi vakanyores­a mwaka wadarika, vanogona kunyoresa zvakare zvemwaka unouya neEcoCash vachishand­isa nhamba yeTIMB Biller code inoti 41986.

Kuti munzwe zvakawanda ridzai nhare kumahofisi eTIMB panhamba dzinoti 0867700462­4/6, 0772145166/9, 0279- 22082/ 21982, 025- 3439, 067- 24268/ 29246, 0277- 2700, 064-7280 ne0271- 6772.

Munogona kut ibata pamanhamba eToll Free zvakare anoti 08006003 / 0731999999 / 0712832804.

Kana padandemut­ande rinoti: info@ timb.co. zw

 ??  ?? TIMB)
TIMB)
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe