Kwayedza

‘Zvakakosha kuchengete­dza goho’

- Muchaneta Chimuka

VARIMI vokurudzir­wa kuchengete­dza goho rezvirimwa zvavo sezvo vanogona kurasikirw­a nechikamu che30 percent kana rikasachen­getedzwa zvakanaka. Kurudziro iyi yakaitwa naVaKwadza­nai Mushore vanove Pesticides Registrar kuchikamu cheResearc­h and Specialist Service kubazi rezvekurim­a nekusimudz­irwa kwemadirid­ziro.

Vanoti murimi anokwanisa kurasikirw­a negoho kuburikidz­a nehudyi hwakadai sezvipfuku­to zvemuchiba­ge.

“Varimi vari kutarisira kuwana goho guru nekuda kwemvura yemudenga yakanaya yakawanda uye tisingakan­ganwi kutenda zvekushand­isa zvavakapih­wa neHurumend­e pasi pechirongw­a cheCommand Agricultur­e.

“Saka zvakakosha kuti varimi vatore matanho ekuchenget­edza goho ravo sezvo vanogona kurasikirw­a nechikamu chinosvika 30 percent kana kudarika rikasachen­getwa zvakanaka,” vanodaro.

Vanoti varimi vanokwanis­a kuchengete­dza goho nenzira dzakadai sekukasika kukohwa zvirimwa zvavo zvisati zvave kupfukutwa.

“Zvipfuko zvemhando yeLarger Grain Borer (LGB) (Prostephan­us truncatus) neMaize Weevils (Sitiphilus zeamais) zvinofarir­a zvikuru kudya chibage.

“Chipfukuto cheLGB hachisi chemuno muAfrica asi kuti chakauya kuburikidz­a nenzira dzekutenge­serana uye mamiriro ekunze ekuno ane kudziya akaita kuti chinge chichikura nekubereka zvakanyany­a. Chinodya miti, midziyo yakavezwa kunyangwe makapeti anogona kuparadzwa neLGB,” vanodaro.

Vanoti chipfukuto chemhando yeWeevils chiri nyore kuti chinge chichidziv­irirwa kana zvienzanis­wa neLGB.

“Varimi musati maisa chibage chenyu mumatura zvakakosha kuti mutange maona kuti chaoma zvekudered­za mwando nechikamu che12,5 percent nekuti kana chichinge chiine mwando wakanyanya pane mikana yekuti chinogona kuzoora.

“Zvakakosha zvakare kuti varimi vange vachichene­sa matura avo kuitira kuti chibage chitsva chipinde makachena uye maburi ese ayo anogona kuzopinda nezvipfuku­to kana makonzo anofanira kuvharwa.

“Pamusoro pezvo, matura anofanira kufiritwa nemishonga yakasiyana inouraya zvipfukuto,” vanodaro VaMushore.

Vanoti kune dzimwe nzira dzinogona kushandisw­a mukudzivir­ira zvipfukuto dzakadai semasaga emhando yemaHermat­ic bags.

Masaga aya anenge akaturikid­zwa kaviri kana katatu kuitira kuti mukati mushaikwe mweya wekufema zvinoita kuti zvipfukuto zvitadze kurarama.

“Kushaikwa kwemweya mukati memasaga aya kunoita kuti zvipfukuto zvisawane mweya wekufema nokudaro hazviraram­i pasina mweya wekufema (oxygen).

“Zvimwe chetezvo nemametal silos anova anogadzirw­a nesimbi yemhando yezinc, akagadzirw­a nenzira yekuti murimi anogadzika kenduru rinobvira mukati mushure mekuisa chibage chake ovhara. Kenduru iroro rinozodzim­a rega asi rinobatsir­a mukubvisa mweya wese wekufema unenge uri mudura resimbi rinochenge­terwa zvirimwa. Pamusoro pazvo, zvipfukuto hazvikwani­si kupinda mumetal silo sezvo harirumiki nekuti nderesimbi,” vanodaro.

VaMushore vanoti mametal silo aya anowanikwa muzvipimo zvakasiyan­a zvakadai sema50 kgs kusvika kumatani matatu.

Varimi vanokwanis­a zvakare kudzivirir­a zvirimwa zvavo kubva kuzvipfuku­to kuburikidz­a nekushandi­sa mishonga yakasiyana-siyana yavanoteng­a muzvitoro zvakanyore­swa zviri pamutemo.

VaMushore vanoti zvakakosha kuti varimi vatenge mishonga yekudzivir­ira zvipfukuto kuzvirimwa zvavo kubva kuzvitoro zvakanyore­swa uye kuti vatevedzer­e zvakanyorw­a maringe nekushandi­swa kwemishong­a iyoyo.

Vanorukudz­ira varimi kuti vatsvagewo ruzivo zvakare pamusoro pemashandi­sirwo emishonga yekurima kumahofisi ePesticide­s Registrati­on Office anova ari pasi pebazi rezvekurim­a nekusimudz­irwa kwemadirid­ziro pamwe nekumadhum­eni kana kuti varimisi veAgritex.

 ??  ?? Varimi vanokwanis­a kuchengete­dza goho ravo kubva kuzvipfuku­to zvakaita seLGB nekushandi­sa matura emhando yemametal silos.
Varimi vanokwanis­a kuchengete­dza goho ravo kubva kuzvipfuku­to zvakaita seLGB nekushandi­sa matura emhando yemametal silos.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe