Kwayedza

Syngenta yosimudzir­a varimi vekuChiwes­he

- Muchaneta Chimuka

KAMBANI yeSyngenta iri kubatsira zvikuru varimi vadiki kuti vange vachipundu­ka mubasa ravo nezvirimwa zvakadai sechibage nemuriwo.

Munguva pfupi yadarika, kambani iyi yakashanyi­ra mumwe murimi mukuru wechibage kuChiweshe uyo akapunduka mushure mekushandi­sa mbesa dzeSyngnet­a akabura matani manomwe echibage pahekita imwe chete. Hurudza idzi ndaVaMusho­riwa Kurasha nemudzimai wavo, Mai Constance Mutize.

Vachitaura pazuva rekumemwa kwegoho revarimi ava, munyori mukuru kubazi rezvekurim­a nekusimudz­irwa kwemadirid­ziro - VaRingson Chitsiko - mumashoko avo akaverengw­a naVaMuseki­wa Murisi vanove District Extension Officer weMazowe District, vakatenda zvikuru kambani yeSyngenta mukutsigir­a varimi.

“Ndinofara zvikuru nekuparura chirongwa chevarimi vadiki muno mudunhu reMazowe cheSyngent­a Reference Farmer Network (SRFN). Kana varimi vakaumba zvikwata zvakadai zvinovabat­sira mukufambis­wa kwemashoko angava ezvinetso zvavanosan­gana nazvo mukurima kana zvine chekuita nebudiriro. Zvakare madhumeni anokwanisa kuvabatsir­a nenguva nekuti mashoko anenge achifambis­wa pamwe chete,” vanodaro.

Vanoti Syngenta iri pamberi pasi rose mukushanda nevarimi uye inowanisa varimi vanodarika 28 000 mabasa munyika dzinodarik­a 90.

“Kambani yeSyngenta inozivikan­wa zvikuru nekuita mabasa eongororo dziri maringe nekusimudz­irwa nenyaya dzekurima pamwe nekuchenge­tedzwa kwaro. Zvimwe zvezvirimw­a zviri kutsigirwa nekambani iyi zvinosanga­nisira mbeu dzechibage, maringazuv­a, muriwo uye barley. Kambani iyi inokoshesa kusimudzir­wa kwevarimi munyaya dzebudirir­o uye upfumi, zvikuru sei vagari vekumaruwa kuti vange vachirima zvirimwa zvinovabat­sira muno pamwe nezvekuten­gesa kunze kwenyika,” vanodaro.

Mambo Negomo, VaLucious Chitsinde vekuChiwes­he vanoti vanofara nezvirongw­a zvinobatsi­ra mukudzinga nzara mudunhu ravo.

“Ndinofara zvikuru nechirongw­a chakaunzwa mudunhu mangu neveSyngen­ta, tichada kurima mbeu dzavo muchirongw­a cheZunde RaMambo nekuti tava nenherera uye chirikadzi dzakawanda dzinoda kuriritirw­a muno. Mbeu yavo taona yakanaka zvikuru, haikasi kuparadzwa nezvipfuku­to,” vanodaro.

VaJoe Mkahla vanove mumiriri wekambani yeSyngenta muZimbabwe vanoti donzvo ravo ndere kusimudzir­a varimi vemuAfrica, zvikuru sei vekumaruwa kuti vange vachiwana goho guru mushure mekurima ndima diki.

“Huwandu hwevanhu huri kuwanda munyika muno nokudaro goho rinofanira kuwandawo kuitira kuti nyika isaite nzara. Tinofundis­a varimi kurima kwakanaka kunovapa goho guru pasina kushandisa mari yakawanda. Tinovakuru­dzira zvakare kuti varime zvirimwa zvinoender­ana nematunhu avanogara kuti vasarasiki­rwe.

Varimi vanofanira kusakura zvirimwa zvavo nekudiridz­ira uye kuzviwanis­a fetereza yakakwana kuti vasarasiki­rwe negoho,” vanodaro.

Zvisinei, vanochema-chema nenhau yekukurwa kuri kuitwa ivhu munyika muno zvichikonz­erwa nekurima mumahombe-kombe enzizi nekusachen­getedzwa kwemasango.

VaMkahla vanoti mhando yembeu yavo haidi fetereza yakawanda uye vari mushishi yekudzidzi­sa varimi marimirwo ayo.

“Kubvira gore rapera kusvika parizvino, takakwanis­a kudzidzisa varimi 35 000 uye tiri kutarisira kudarika apa. Tinokurudz­ira varimi kuti vachengete­dze magwaro maringe nembesa dzavanorim­a,” vanodaro.

Zvakadai, VaKurasha vanove murimi mukuru wembesa dzeSyngent­a kuMazowe vanotenda zvikuru rutsigiro rwavanopih­wa nekambani iyi.“Tinofara zvikuru nekuti takawana goho ratakange tisingatar­isiri pahekita imwe chete yatakarima yechibage tichishand­isa mbeu yeSygnenta takabura matani manomwe. Tinotenda zvikuru mvura yemudenga yakanaya mwaka uno uye ruzivo rwatakapak­urirwa nevarimisi vemuno,” vanodaro.

Syngenta iri kuita mabhindauk­o erudzi urwu kunyika dzinosanga­nisira Tanzania, Kenya neZambia achidaidzw­a kunzi “eShamba”.

 ??  ?? VaJoe Mkahla
VaJoe Mkahla

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe