Kwayedza

32 YEARS . . . ‘HANDIPFEKE BHURUGWA’

‘Ndashinha nevarume ‘Imhiko dzekuti ndiite upfumi’

- Kingstone Mapupu

MUKADZI wechidiki anova chizvarwa chekuMozam­bique — uyo anoita zvekutsvet­sva varume mumabhawa — anoti iye nemumwe wake varara nevarume vanodarika 1 000 pamumwe wavo, uye iye asvitsa makore 32 asingapfek­e chipfeko chemukati semhiko yaakapihwa nababa vake n’anga.

Mhiko iyi inonzi ndeyekuti aite mari nehumwe upfumi.

Achishanda nemumwewo mukadzi wechidiki anobva kuPlumtree, anoti vose vakapihwa mishonga yekutora mari mumabhawa nemuzvitor­o vachiita zvechipfam­bi uyewo pane nguva dzavanombo­nosangana nenjuzu mumvura.

Anotizve dzimwe mhiko dzavakapih­wa ndedzekuti vanofanirw­a kudya matatya mapenyu, hove mbishi neivhu mushure memazuva maviri oga-oga kuti vawane zvavaida.

Vakadzi vaviri ava vane chuma chakawanda nemachira izvo vakapihwa nen’anga iyi zvekushand­isa nemishonga pavanoita zvechipfam­bi.

Vanoti mumwe nemumwe wavo akarara nevarume vanodarika chiuru pakurarama kwavo.

Asi zvisinei nekutorera kwavanoita vanhu mari dzavo, mukadzi uyu anoti havana chavakaita nayo kunze kwekungoip­fachira vachitenge­ra vamwe vanhu doro mumabhawa, ivo ndokusara vachingova varombo.

Keketso Arunaldo Magaisa (32) — uyo anozviti mambokadzi wemumvura nenjuzu — anobva kudunhu reNyamiswa, kuBeira uye anoshanda neshamwari yake Nobuhle Bhebhe (36) wekuPlumtr­ee. Keketso anoti ane simba guru raakapihwa nababa vake n’anga kuMozambiq­ue, VaArunaldo Mutongiwa (72), avo anoti vane madzimai 31 nevana vanodarika 150.

“Ndasvitsa makore 32 ndisina kumbopfeka bhurugwa mushure mekupihwa mhiko nababa vangu. Ndakanzi ndikapfeka bhurugwa ndinenge ndichivhar­a maropafadz­o neraki rekuwana mari nekuwanahu­mweupfumi. Kubva ndichizvar­wa, handina kumbopfeka bhurugwa, ndakatotan­ga svondo rakapera apo ndakabatsi­rwa,” anodaro Keketso.

Anoti akambobvun­za baba vake kuti sei vaimuti asapfeke bhurugwa vakamuti ichi chibvumira­no pakati pake navo.

Keketso anotizve nekufamba kwenguva, akazosanga­na neshamwari yake Nobuhle — vose ndokupihwa “masimba emumvura” nebaba vake.

Vaviri ava, avo svondo rapera vakapotera kuna Madzibaba Steven Mugariri (33) vechechi yeJohaneMa­soweZambuk­o,yekuChitun­gwiza, apo muporofita uyu aive kuBulawayo svondo rapera, vanoti vaneta nemhiko idzi.

Keketso anoti vakavimbis­wa nababa n’anga ava kuzotenga mabhazi kana vakatevedz­a mhiko idzi.

“Taipihwa mari yemaUS dollar nababa iyo yainge yakasangan­iswa nemushonga toenda kumabhawa ekuMozambi­que kana kuno kuZimbabwe, kana kune dzimwe nyika, iyo taitengesa doro kana zvimwe zvinhu. Tikapa munhu mari yedu, aidzosa chenji yakawanda zvakapetwa kana kashanu.

“Taigara tiine mari yakawanda, asi mushure memasvondo maviri taifanirwa kunodzoser­a mari iyi yawanda kunababa n’anga kuMoza,” anodaro Keketso.

Kuti vazobatsir­wa, vaviri ava vakadarika nepaiva negungano raMadzibab­a Steven kuTshabala­la, kuBulawayo vachibva kudoro apo vakatanga kutukirira muporofita uyu nevamwe vake.

“Queen of Mermaid Keketso vakati hatiendei pamaposito­ri ayo ndinovarat­idza simbaremum­vura randakapih­wa nababa. Takasvika tichinwa doro ndokubva tazotanga kuporofitw­a upenyu hwedu. Takanamati­rwa ndokutanga kurutsa matatya mapenyu, hove mbishi nevhu zvataidyis­wa — ndizvo zvinoitwa nevanhu vane mashavi enjuzu,” anodaro Nobuhle.

Panguva yavainamat­irwa iyi, vanoti chuma chavainge vakapfeka muchiuno chakadonha choga.

Keketso anoti akadzikinu­rwa kuti achikwanis­a kupfeka chipfeko chemukati. Anotizve pakerepo, baba vake vakabva vamuridzir­a nhare vari kuMozambiq­ue vachimuti akanga apfekerei bhurugwa.

“Baba vakabva vandifoner­a ndichangop­feka bhurugwa idzva vachinditi handisisir­imwanawavo nekuda kwekuti ndapfeka bhurugwa. Ndave kutotya kudzokera kumusha nekuti ndinouraiw­a,” anodaro Keketso.

Vaviri ava vanoti vaienda kunzizi kunosangan­a nenjuzu kugungwa kunzvimbo yePrynover, kuMozambiq­ue, vachitunga­mirirwa nen’anga iyi, vachinoped­za mazuva vari pasi pemvura nenjuzu.

“Takapihwa machira nechuma zvekushand­isa mumvura. Ndakanzind­itsvagesha­mwari yekunze izvo ndakaita ndikanzizv­e ndiye aizoiswamw­eyanekupih­wamhiko yekuti aregewo kupfeka bhurugwa. Ndakanzi kana zvadaro, ini ndaizoroor­wa nekuitawo vana,” anodaro Keketso.

Keketso anonzi ari kugara achida kuzvidzipa, mweya uri kubuda paariuchit­i unodakumuu­raya. Nobuhleano­tiakaita varume vatatu asi vose vaingofa pamazuva a9 na10 Ndira uye vasina kurwara.

“Handibvumi­rwe kuita murume – anofa. Ndine vana vaviri vakafa ne4 vapenyu. Njuzu nemweya yakaiswa patiri inoda kuti tiite zvechipfam­bi nekunwa doro. Nyayainond­inetsandey­ekuti amai vangu ndipastor kune imwe chechi asi havazive dambudziko rangu iri. Mumwe mweya uri pandiri ndewe zvibhakera, ndinorova varume zvekupedze­rana navo – beyond repair. Mukabvunza vanondiziv­a vanokuudza­i kuti ndinorova,” anodaroNob­uhle.

Anoenderer­a mberi: “Isu takarara nevarume vakawanda zvikuru, vamwe vane mari zhinji. Mumwe nemumwe wedu akashinha nevarume vanodarika 1 000.”

Vakadzi ava vanoti vaitorwa nevarume vachiendwa navo mumahotera umo vaitiza varume vachakarar­a vachienda kurwizi kunogezaku­ma3dzemang­wanani.

Vanoti pose pavari, vanogara nemvurayek­unyanza iyovanozos­anganisa neimwe yavanoshan­disa kana vogeza.

Pakasvika Kwayedza, vaviri ava vakawanikw­a vakabatwa nemweya. Keketso aitaura nechiPutuk­ezi paine aiturikira achinzi aiti mweya uyu waida kumuuraya. Ukuwo Nobuhle aitaura nechiRungu mweya waiva wakamubata uchiti waida mbatya dzawo dzawakator­erwa.

 ??  ?? Keketso Arunaldo Magaisa (ari pakati akabatiran­wa)
Keketso Arunaldo Magaisa (ari pakati akabatiran­wa)
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe