Kwayedza

NHAKA YEHUROYI YAPANDUKA

‘Akasiirwa naamai vake’ Otiza nyoka pamusha

- Munyori weKwayedza

MUKADZI wekuNyanya­dzi —uyo anonzi akagara nhaka yehuroyi hwaamai vake — ave kutambudzw­a nezvinhu zvaishandi­swa mukuroya zvinosanga­nisira hari nenyoka, izvo zvave kugara zvichimurw­isa.

Zvinhu zvehuroyi izvi zvinonzi zvakamuka chibhebhen­enga nguva pfupi yadarika sezvo Basey Nkomo ave kutadza kutevedza mhiko dzinodiwa pakuzvisha­ndisa nekuzviche­ngeta.

Amai vake, Elizabeth, vanonzi vaizivikan­wa munharaund­a iyi nekuroya uye vakafa zvisinganz­wisisike kutanga kwegore rino.

Mashoko ari kubuda anoti Basey akagara nhaka yaamai vake yekuroya asi haana kuzombobvi­ra awana rugare.

Anonzi akatanga kuoneswa chitsvuku nezvinhu izvi mushure mekunge atadza kutevedzer­a mhiko dzinodiwa nehari mbiri dzakasvibi­rira idzo dzakamoner­wa nemachira matsvuku.

Mukati meimwe yehari idzi munonzi mune nyoka hombe nenyanga inoratidza kuti ichangobva kunyikwa muropa.

Mushure mekushungu­rudzwa nezvinhu izvi, Basey anonzi akazviburi­tsa mumba ndokuzviki­ira panze asi akashamisi­ka apo akazviona zvadzokera mumba.

Pachivanze pemusha waanogara pakazara nezvinhu zvisinganz­wisisike.

“Hatisati tamboona zvakadai munzvimbo ino. Zuva rakacheka nyika unoona hari idzi nenyanga zvichifamb­a-famba pachivanze,” anodaro mumwe muvakidzan­i uyo akakumbiri­sa kuti zita rake risaburits­we mubepanhau.

Tawanda Nkomo, uyo anova hama yaBasey, anoti zvinhu zvehuroyi izvi zvaishandi­swa naambuya vavo.

“Zvinhu izvi zvaishandi­swa naambuya vedu kuti vanhu vemumhuri medu vasabudiri­re. Pakafa ambuya vedu, tete Basey ndivo vakagara nhaka yehuroyi uhu muchivande. Asi pari zvino zvinhu izvi zviri kugara zvakavarwi­sa nekuti vaita mutete kwazvo kuti vazvishand­ise. Takaudza sabhuku wedu nyaya iyi uye Basey akabvuma kuti akakiira zvinhu izvi mumba mushure mekunge amboedza kuzvikanda murwizi rwaNyanyad­zi asi zvikaramba kuenda.”

Basey anonzi akatiza ndokuenda kunogara kumba kwemwana wake ave kutyira upenyu hwake. Hanzvadzi dzake nevamwe vehukama vanonzi vakatsvaga n’anga idzo dzisati dzanochenu­ra musha uyu.

Basey haana kukwanisa kutaurwa naye nevatori venhau sezvo nhare yake yakange isingabati­ke kusvikira pakunodhin­dwa kwebepanha­u rino. — The Manica Post

 ??  ??
 ??  ?? Hari yakamonerw­a nejira dzvuku inonzi ine nyoka hombe mukati.
Hari yakamonerw­a nejira dzvuku inonzi ine nyoka hombe mukati.
 ??  ?? Nyanga ine mvere inonzi yakanyikwa muropa iri pamusowo wemba yaBasey.
Nyanga ine mvere inonzi yakanyikwa muropa iri pamusowo wemba yaBasey.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe