Kwayedza

Chengetedz­ai goho nemazvo

-

GORE rino Zimbabwe iri kutarisira kuve hurudza zvichiteve­ra rutsigiro rwakapihwa kuvarimi neHurumend­e pasi pechirongw­a cheCommand Agricultur­e.

Pasi pechirongw­a ichi, varimi vakabatsir­wa nezvekusha­ndisa zvinosanga­nisira mbeu, fetereza, mishonga yekufiriti­sa pamwe nemafuta ekurimisa.

Zvinofadza kuona nyika ino ichidzoker­a pachidanho chayo chakare chekuve hurudza mudunhu reSadc neAfrica yose.

Zvakadai, pane njodzi huru yekuti kana goho rakaita serechibag­e rikasachen­getedzwa zvakanaka, nyika inogona kurasikirw­a zvikuru.

Nekudaro zvakakosha kuti varimi pamwe nedura guru renyika, reGrain Marketing Board (GMB), vatore matanho akasimba ekuchenget­edza goho.

Matura eGMB ange ave nemakore akawanda asingaiswe goho rakakura zvinoreva kuti panoda kushandwa nesimba kuti akwanise kutambira goho remwaka uno.

Goho rose – chingave chibage, manhanga, nyemba, nyimo, mbambaira, nzungu kana bhinzi – rinofanira kuchengete­dzwa.

Hazvibatsi­re kuti murimi ashande kwemwaka wose ozoshaya hanya nekuchenge­tedza goho rake.

Vanamazvik­okota vanoona nezvekuche­ngetedzwa kwegoho vanoti murimi anokwanisa kurasikirw­a nechikamu chinosvika 30% kana kudarika chegoho rake kana rikasachen­getedzwa zvakanaka.

Murimi anokwanisa kurasikirw­a negoho kubvira richiri mumunda kuburikidz­a nenzira dzakasiyan­a sekunonoka kukohwa rotanga kupfukutwa kana kuti kuparadzwa nezvipfuyo pamwe nehumwe hudyi hwakasiyan­a.

Nekudaro zvakakosha kuti murimi akohwe zvirimwa zvake nenguva. Zvakakosha­wo kuti murimi aone kuti dura rake raanocheng­etera goho rakachena uye harina zvimwe zvirimwa zvemwaka wadarika nekuti izvi zvinoita kuti mukana wekupfukut­wa unge uri mukuru.

Varimi vanogona zvakare kutanga vamwaya mishonga yekuuraya zvipfukuto mumatura avo vasati vaisa goho.

Asi zvakakosha kuti mishonga yezvipfuku­to iyi itengwe kuzvitoro zvinozivik­anwa zvakanyore­swa zviri pamutemo nekuti kune mimwe yemanyepo.

Varimi ngavasiyan­e netsika yekutenga mishonga yekuchenge­tedza goho pamisika yemikoto kunyangwe yakachipa zvakadini nekuti vanozochem­a goho ravo raparadzwa.

Goho rinokwanis­a kuchengete­dzwa mudura nenzira dzakasiyan­a idzo dzinosanga­nisira kumwaya mishonga kana kushandisa matura esimbi anozivikan­wa nekuti maMetal Silos.

Matura esimbi aya anokurudzi­rwa zvikuru kuti varimi vange vachiashan­disa nekuti anochenget­edza goho kubva kuchipfuku­to chine mukurumbir­a cheLarger Grain Borer (LGB).

Chipfukuto ichi chinozivik­anwa nekudya zvinhu zvakawanda zvinosanga­nisira vhanicha uye chinodya zvimwe zvose kusara kwesimbi chete.

Zvakakosha­wo kuti varimi vatsvage ruzivo kune madhumeni ari munharaund­a dzavo pamusoro penzira kwadzo dzekucheng­etedza goho.

Goho rinofanira kuchengete­dzwa zvakanaka kuitira kuti munyika muve nezvekudya zvinokwani­rana.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe