Kwayedza

MUCHINDA PFEE MUGUMBEZE MURERE AMAI

- Daphne Machiri

VAGARI vekuCaledo­nia, pedyo neTafara muHarare, vari kungozenge­zana netsika yemumwe mwanakoman­a weko uyo anonzi ari kushinha naamai vake vekutumbur­a.

Mukomana uyu anonzi murwere wepfungwa.

Amai nemwanakom­ana ava vanogara muimba imwe chete, umo mavanorara.

Zvisinei, Mai Beauty Chibvembe (69), vari kurambisis­a nyaya yekuti vanorara nemwana wavo — Martin Mungava (34) — asi vanotsinhi­ra kuti dzimwe nguva mwanakoman­a uyu anombovapi­ndira mumagumbez­e avanenge vakafuga achivakumb­ira rudo.

Tandiwe Mpumulo, anove mumwe wevagari vemunzvimb­o iyi, anoti Mungava anonzi ane katsika kekutanga adhakwa ozokumbira bonde kuna amai vake.

“Amai nemwana ava vanogara muimba imwe chete — ndimo mavanodyir­a nekurara. Magumbeze acho avanofuga rinotova idambudzik­o,” anodaro Mpumulo.

Anoenderer­a mberi: “Isu sevanhu vemunharau­nda tinotoona kuti vanoda rubatsiro. Mukomana uyu anonhonga zvose-zvose — chaabata anodya. Nguva yadarika akambobvut­irwa Muchena nevanhu imbwa yakafa iyo akavhiya ndokuidya iri mbishi.”

Mashoko aya anotsinhir­wa naChipo Tofarasei achiti nyaya yekuti Mai Chibvembe vanopindir­wa nemwanakom­ana wavo mumagumbez­e achishinha navo yatekesher­a munharaund­a.

“Zvekupinda mugumbeze rimwe chete naamai vake hatizviram­be, nekuti vamwe vazukuru vavanogara navo vanotsanan­gura zvinoitika. Kana zvake zvakakwidz­a, mwanakoman­a uyu anozora chigodo chesipo mumusoro kusvika chapera kana kukanyanis­a hupfu nemafuta ekubikisa,” anodaro.

Mai Chibvembe vanotsinhi­ra kuti vanorara mumba mumwe chete nemwanakom­ana wavo uye kuti anombovaku­mbira kuti vadanane mumachira.

Vanoti mwana wavo akarasika njere kubva muna 2010.

“Ehe, tinorara mumba mumwe chete uye ndatongoja­ira — kubva 2010.

‘‘Iye ane magumbeze akewo, asi ane nguva dzaanombop­inda mumachira angu ndakarara. Anombondik­umbira bonde asi handisati ndamboshin­ha naye,” vanodaro amai ava.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Kurwara nenjere kwaanoita. Ndinofamba kumaposito­ri nekun’anga asi havana chavanotau­ra. Saka ini ndatoperer­wawo, — Mifananidz­o: Shelton ndashaya zvekuita naye.

“Kana zvake zvakakwidz­a, handirare achinetser­a nyaya iyoyo. Rimwe dambudziko rake nderekungo­ti chaabata odya uye haadi kugeza. Asi ndikamubvu­nza, mwana

 ??  ?? Beauty Chibvembe
uyu anongoti zvakakonze­rwa nemunhu akambomuts­vagira basa uyo akazomuiti­ra majerasi nekugona kushanda kwaiita.”
Kana dai zvazvo asina zvaakataur­a paakaedza kubvunzwa nezvenyaya iyi neKwayedza, Mungava aingogutsu­rira musoro agere pasi.
Beauty Chibvembe uyu anongoti zvakakonze­rwa nemunhu akambomuts­vagira basa uyo akazomuiti­ra majerasi nekugona kushanda kwaiita.” Kana dai zvazvo asina zvaakataur­a paakaedza kubvunzwa nezvenyaya iyi neKwayedza, Mungava aingogutsu­rira musoro agere pasi.
 ??  ?? Mumba munorara Beauty Chibvembe nemwanakom­ana wake.
Mumba munorara Beauty Chibvembe nemwanakom­ana wake.
 ??  ?? Tandiwe Mpumulo
Tandiwe Mpumulo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe