Kwayedza

Vanobaiwa netsono vakarara

- Blessings Chidakwa

MHURI inogara kwaMambo Chireya, kuGokwe, mudunhu reMidlands inoti iri kuoneswa pfumvu netsono dzinovabay­a miviri yavo panguva yehusiku asi pasina munhu wavanoona achiita izvi uye vanoti vakaungani­dza tsono idzi dzinofuma dzisipo.

Aya ndiwo mashura akatarisan­a nemhuri yaVaPaka Manyangany­a avo vanogara mubhuku raKarivand­a avo vanoti vashaya zano rekuita nekuda kwemaminim­ini aya.

Vanoti vana vavo vave nenguva inokwana gore vachinzwa kubaiwa netsono panguva dzehusiku apo vanenge varere izvo zvinoita kuti vazhambe kuchema nekuda kwekurwadz­iwa.

Mune rimwe shura kuitika kumhuri iyi, VaManyanga­nya vanoti vane mwana wavo gotwe uyo akafa nguva yadarika mushura mekunge atungwa nemombe apo aiyamwa mukaka pana amai vake ndokufira pakarepo.

“Mwana wangu Evelyn (13) ndiye akatanga kubaiwa netsono idzi zvikazoper­a anamatirwa nemumwewo muporofita wekuHarare,” vanodaro VaManyanga­nya.

Vanoti vakazosham­iswa kuona mwanasikan­a wavo wechipiri, Chipo, ave kugara achichema husiku hwoga- hwoga apo anoti anenge achibaiwa netsono dzinokwana sere kana gumi panguva imwe chete.

“Takambosha­nyira muporofita wekuHarare gore rapera, uyo akanamatir­a mwanasikan­a wangu kuti dambudziko iri ripere. Takambova nerugare asi takazokaha­dzika tonzwa mudiki wacho Chipo, oti ava kubaiwawo netsono avete. Tikaungani­dza tsono dzacho, dzinonyang­arika,” vanodaro VaManyanga­nya.

Vanoti chimwe chiri kunyanya kuvadya moyo ndechekuti Chipo akatomira kuenda kuchikoro nekuda kwemashiri­piti aya sezvo zviri kumushaisa chimiro pane vamwe.

Vanotizve vari kuedza zvose zvavanokwa­nisa kuti dambudziko iri ripere asi zvichiramb­a. “Semhuri, taedza zvose zvatinokwa­nisa asi hapana chiri kusanduka. Iye zvino tongoisa tariro yedu kunaNyaden­ga,” vanodaro.

Mambo Chireya, VaHenry Chidziva, vanoti vanoziva dambudziko rakatarisa­na nemhuri yekwaManya­nganya.

“Hongu pane mhuri iri kuti yaoneswa ndondo nezvikwamb­o, izvo zviri kubaya vana vemusha uyu netsono vavete. Zvava nenguva refu zvichiitik­a.

“Zvakambope­ra tikatonzwa kuti mukuru wacho haachabaiw­a asi takarohwa nehana tonzwa kuti mudiki wacho ave kudaro zvakare,” vanodaro mambo ava.

Mambo Chireya vanoendere­ra

 ??  ?? Mambo Chireya
mberi vachiti: “Asi ndinovimba dambudziko iri rinopera munguva pfupi inotevera sezvo mhuri iyi iri kufamba ichitsvaga rubatsiro kune vanoita nezvemweya.”
Mambo Chireya mberi vachiti: “Asi ndinovimba dambudziko iri rinopera munguva pfupi inotevera sezvo mhuri iyi iri kufamba ichitsvaga rubatsiro kune vanoita nezvemweya.”

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe