Vanobaiwa netsono vakarara
MHURI inogara kwaMambo Chireya, kuGokwe, mudunhu reMidlands inoti iri kuoneswa pfumvu netsono dzinovabaya miviri yavo panguva yehusiku asi pasina munhu wavanoona achiita izvi uye vanoti vakaunganidza tsono idzi dzinofuma dzisipo.
Aya ndiwo mashura akatarisana nemhuri yaVaPaka Manyanganya avo vanogara mubhuku raKarivanda avo vanoti vashaya zano rekuita nekuda kwemaminimini aya.
Vanoti vana vavo vave nenguva inokwana gore vachinzwa kubaiwa netsono panguva dzehusiku apo vanenge varere izvo zvinoita kuti vazhambe kuchema nekuda kwekurwadziwa.
Mune rimwe shura kuitika kumhuri iyi, VaManyanganya vanoti vane mwana wavo gotwe uyo akafa nguva yadarika mushura mekunge atungwa nemombe apo aiyamwa mukaka pana amai vake ndokufira pakarepo.
“Mwana wangu Evelyn (13) ndiye akatanga kubaiwa netsono idzi zvikazopera anamatirwa nemumwewo muporofita wekuHarare,” vanodaro VaManyanganya.
Vanoti vakazoshamiswa kuona mwanasikana wavo wechipiri, Chipo, ave kugara achichema husiku hwoga- hwoga apo anoti anenge achibaiwa netsono dzinokwana sere kana gumi panguva imwe chete.
“Takamboshanyira muporofita wekuHarare gore rapera, uyo akanamatira mwanasikana wangu kuti dambudziko iri ripere. Takambova nerugare asi takazokahadzika tonzwa mudiki wacho Chipo, oti ava kubaiwawo netsono avete. Tikaunganidza tsono dzacho, dzinonyangarika,” vanodaro VaManyanganya.
Vanoti chimwe chiri kunyanya kuvadya moyo ndechekuti Chipo akatomira kuenda kuchikoro nekuda kwemashiripiti aya sezvo zviri kumushaisa chimiro pane vamwe.
Vanotizve vari kuedza zvose zvavanokwanisa kuti dambudziko iri ripere asi zvichiramba. “Semhuri, taedza zvose zvatinokwanisa asi hapana chiri kusanduka. Iye zvino tongoisa tariro yedu kunaNyadenga,” vanodaro.
Mambo Chireya, VaHenry Chidziva, vanoti vanoziva dambudziko rakatarisana nemhuri yekwaManyanganya.
“Hongu pane mhuri iri kuti yaoneswa ndondo nezvikwambo, izvo zviri kubaya vana vemusha uyu netsono vavete. Zvava nenguva refu zvichiitika.
“Zvakambopera tikatonzwa kuti mukuru wacho haachabaiwa asi takarohwa nehana tonzwa kuti mudiki wacho ave kudaro zvakare,” vanodaro mambo ava.
Mambo Chireya vanoenderera