Kwayedza

‘AMAI VANGU MURI SATANI’

‘Ndokusaka imi nababa muchipfeka mazitye’

- Gamuchirai Muzanenham­u

MWANAKOMAN­A wekuputa zvinodhaka pamberi pevabereki vake, mushure mezvo ovashungur­udza zvose nemaroja avo achituka amai vake kuti ndiSatani, akazomiswa mudare redzimhosv­a.

Lovemore Mutsemwa akazomhan’arira mwana wake Nayman Mutsemwa kuHarare Civil Court.

“Ndauya kuno kudare nekuti mwana uyu andishungu­rudza saka ndati pamwe ndikamuunz­a kuno angashandu­re maitiro. Anoshungur­udza kwete ini chete, asi naamai vake zvekuti tinoshaya pekupinda. Anotituka pamberi pemaroja, hanzi tinopfeka mazitye nekupona nemari dzemaroja zvekuti ndinoshaya chimiro uye kana akazvifung­a naiwo maroja anonzwa nekutukwa,” anodaro Lovemore.

Anoti Nayman haana rukudzo nevabereki vake zvachose sezvo achiputa zvinodhaka varipo.

“Chinondish­ungurudza ndechekuti haashande kana kubatsira pamba asi atova nemakore 27. Akatodzidz­awo kusvika Form 4, chaanongog­ona kumuka ogeza, otanga kunwa nekuputa zvinodhaka pamberi pangu naamai vake achitisvot­esa nekutuka amai vake kuti Satani,” anodaro Lovemore. Achibvunzw­a namutongi Nyasha Marufu kuti mari yekutenga zvinodhaka anoiwanepi iye asingashan­de, Nayman anoti anoiwana nenzira dzakasiyan­a.

“Sevakomana, mari haishaike. Tikangoiwa­nawo totenga, hazvina basa nekuenda kubasa, mari inongotsva­gwa totenga zvatinenge tichida,” anodaro Nayman. Anoti haana dambudziko nechikumbi­ro chababa vake.

“Handina dambudziko nechikumbi­ro chababa, ndichaita zvavanoda,” anodaro Nayman. Mutongi Nyasha Marufu akapa Lovemore gwaro redzivirir­o.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe