Kwayedza

Baba havazive vana vavo

-

MUSHARUKWA wekuzama noto kuti mari yemendenen­zi yaari kubvisira vana vake vaviri ibviswe achiti vayaruka akazoshaya pekupinda mudare mushure mekuburits­wa kweumboo hunoratidz­a kuti vana ava vachiri vaduku.

George Goredema akaendesa Rutendo Goredema kuHarare Civil Court achiti ari kubhadhara mari yemendenen­zi yevana vaviri vayaruka uye vave kuzvishand­ira.

“Ndiri kuda kuti dare rindidziki­sire mari yandiri kubhadhara nekuti vamwe vana vaviri vakura, vakatoroor­wa. Vana ava vakasvitsa makore anotarisir­wa nenyika kuti munhu akura ndokusaka ndiri kuda kuti idzikiswe ndochenget­e mumwe chete achiri mudiki,” anodaro George.

Anoenderer­a mberi achiti vana vacho vave kushanda saka hazvikwani­sike kuti arambe achivachen­geta.

“Vana ava vave kuzvishand­ira saka mari vanayo. Ini kuti ndichenget­e vana vave kuzviwanir­a mari yavo ihwo upenyu hwakandiom­era handizvigo­ne,” anodaro.

George anoti mari yevana vaviri ava iri kutodyiwa naamai vavo.

“Mari yevana yandiri kubhadhara iri kutodyiwa naamai vacho. Zvino ndinoda kuti zvichipera.”

Achibvunzw­a nedare kuti anopokana here nechikumbi­ro chaGeorge, Rutendo anoti vana ava vachiri vadiki, havasati vave nemakore 18 asi kuti vane 16 uye zvekuti vava kushanda manyepo.

“Vana vari kutaurwa havasati vasvitsa makore iwayo asi kuti vane makore gumi nematanhat­u. Ndatouya nemabirth certificat­e avo uye zvekuti vari kushanda manyepo nekuti vachiri kuenda kuchikoro, kana kuroorwa havasati,” anodaro Rutendo.

Achinzwa makore ekuberekwa evana ava, George anoti haisi mhosva yake yekufungid­zira kuti vakura nekuti Rutendo haadi kuti aone magwaro avo ekuzvarwa kunyangwe kuvaona kuti vakura sei.

“Ini kufungira kuti vana vabve zera haisi mhosva yangu nekuti mukadzi uyu haana kumbobvira ada kundiratid­za mabirth certificat­e kana kuti ndione kuti vana vakura sei. Ndinongofu­nga kuti vakura,” anodaro George.

Mutongi Amanda Muridzo akarasa chikumbiro chaGeorge.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe