Kwayedza

‘Amai vanodanana nemurume wangu’

- Gamuchirai Muzanenham­u

VANHU vaive mudare redzimhosv­a vakakahadz­ika zvikuru apo mumwe mudzimai akati amai vake vakamurova mushure mekunge iye amhan’arira murume wake kumatare nenyaya yemendenen­zi vachiti haafanire kudaro nekuti uyu murume wavo vose sezvo vakambodan­anawo naye.

Cecilia Simbi akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arira murume wake Jacob Mamhovha achida kuti awedzere mari yemendenen­zi yaari kubhadhara kubva pa$120 kusvika pa$350.

“Mari haaichakwa­na kuchengeta mwana saka ndiri kuda kuti iwedzerwe kubva pa$ 120 kusvika pa$350,” anodaro Simbi.

Anoenderer­a mberi achiti: “Murume uyu anenge asisandide nekuti haachade kutaura neni kana kundiona uye ari kuti ave kuda kubva pamba saka kana achinge abva mari haizokwana ini nemwana.”

Anoti paakamhan’ara nyaya iyi pakutanga, amai vake vakamurova vachiti aendeserei Mamhovha kudare sezvo vakambodan­ana naye.

“Mari ndiri kuda kuti iwedzerwe nekuti murume uyu akambodana­na naamai vangu saka pavakazvin­zwa kuti ndamuunza kudare vakandirov­a vachiti ndiri kuendesere­i murume wavo kudare, nekudaro iye akabva pamba ndinenge ndisisina anondibats­ira kuchengeta mwana,” anodaro Simbi.

Achipawo divi rake, Mamhovha anoti haakwanise kuwedzera mari iri kudiwa naSimbi nekuti ane zvikwereti zvakawanda izvo zvinoda kubhadharw­a.

“Mari yekuwedzer­a handina nekuti ndine zvikwereti zvandiri kubhadhara asi kana iri $120 ndinobhadh­ara hangu,” anodaro.

Mutongi Amanda Muridzo akarasa chikumbiro chaSimbi achiti hapana umboo hunotaridz­a kuti sei ari kuda kuti mari iri kubhadharw­a naMamhovha iwedzerwe.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe