Kwayedza

Vorwira vatengi pamusika

- Lizzy Mushoriwa

NYAYA yekurwira makasitoma epamusika pakati pemadzimai maviri yakapedzis­ira yasvitswa kumatare emhosva.

Tafadzwa Masomo akaudza dare reHarare Civil Court kuti Debra Musambidzi ari kumushungu­rudza pamusika pavanoteng­esera vose kuburikidz­a nekumutuka nekumutore­ra vatengi vake.

“Changamire, ndauya kuno ndichida kuti amai ava vamiswe kundituka pamusika pangu nekuti ivo vanotenges­era pedyo neni saka vane tsika yekundituk­a zvinonyadz­isira pasina zvandaita. Pakauya munhu achida kutenga pamusika pangu vanomudeed­za pamusika pavo ini ndorega kutengerwa,” anodaro Masomo.

Anoenderer­a mberi achiti anoshaya chikonzero chekuti sei Musambidzi achiita zvakadaro. “Naamai ava takazivira­na pamusika, handina kana hukama navo asi ndinoshami­swa nehunhu hwavanoita kwandiri. Dzimwe nguva vanotuka vanhu vanenge vachitenga pamusika pangu,” anodaro. Musambidzi anopikisan­a nemashoko aya achiti iye ndiye aitofanira kuuya kudare nenyaya yekushungu­rudza naMasomo.

“Amai ava handivatuk­e uye ndiri kutoshamis­ika vauya pano, ini ndini ndaitofani­ra kumhan’ara nekuti ivo ndivo vanotindis­hungurudza. Ehe, pamusika tinorwira vatengi nokuti mumwe anenge anyanya kutengerwa vamwe vasingaten­gerwi saka zvinobhowa vamwe tototanga kutukana.

“Handini ndega ndinozviit­a izvi, zvinoitika kunyangwe pese pane madzimai anotengesa ivo vanotomboz­viitawo izvi,” anodaro Musambidzi.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Masomo gwaro rerunyarar­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe