Kwayedza

Akadzikwa banga ne‘chimoko’

‘ndibatsire kubvisa mimba’

- Muchaneta Chimuka

MURUME wekuDema, kwaSeke akapona neburi retsono mushure mekubaiwa kwaakaitwa nebanga pachipfuva neshamwari­kadzi yake iyo yaimupomer­a kuti sei airamba kumubatsir­a kubvisa pamuviri paakamupa.

Adam Murare (45) – anogara mubhuku raKaseke uye achizivika­nwa nezita rekuti Diaspora mubasa rake rekutora mifananidz­o – anoti hana yake ichiri kurova nekuda kwezvaakai­twa nechibayam­oyo chake Joyce Bhasera (32).

Bhasera ari kutsinhira kuti akabaya Murare nebanga, kunyangwe zvazvo asiri kunyatsobu­da pachena chikonzero chakaita kuti apare mhosva iyi.

Murare anogara munharaund­a imwe chete naBhasera, uyo anogara mubhuku raZin’anga, kwakare kwaSeke.

“Musi waakandiba­ya ainditi ndimubatsi­re kubvisa mimba yaanayo asi ini ndakaramba dzichimuud­za kuti kana huku chaiyo handisati ndambouray­a. Chiri kundirwadz­a ndechekuti mukadzi uyu anodanana nevamwe varume asi ari kupomera ini kuti nhumbu ndeyangu,” anodaro.

Murare anoenderer­a mberi achiti: “Ndakamuudz­a kuti andipe bhegi rangu raive nekamera, laptop nezvimwe zvandinosh­andisa mubasa rangu izvo akange atora nechisimba achiti nditange ndamubatsi­ra kubvisa mimba yake. Musi uyu ndakange ndaenda kumba kwake kunotora zvinhu zvangu, ndipo paakati kana usingadi kubvisa mimba yako ndichakutu­shura rimwe ziso rako usare usisaone sezvo rimwe ziso rangu riine ndereka.”

Anoti pasina nguva, Bhasera akatora banga achida kumubaya iye ndokuedza kutiza.

“Pandakaedz­a kutiza, ndakabva ndahakwa gumbo rangu newaya ndokupunzi­kira pasi Bhasera achibva andibaya nebanga pachipfuva pedyo nepamoyo. Ndakarwadz­iwa zvikuru ndokuzobat­sirwa neveruzhin­ji avo vakandiend­esa kuChitungw­iza Central Hospital uko kwandakaga­ra muchipatar­a mazuva mashanu mushure mekusonwa masit ichi matatu. Iye akabva asungwa,” anodaro Murare chiso chake chichirati­dza kuvhiringi­ka.

Anoti akashandis­a mari inodarika $ 400 mukurapwa kwake uye akaburitsa mamwe emagwaro ekurapwa kwake kuKwayedza seumboo.

Anoti mari yekuzvirap­isa yakamurwad­za zvikuru.

Murare anoti Bhasera akazodzosa bhegi rake mushure mekunge asungwa.

“Bhasera haana kana sendi raakandiba­tsira mukurapwa kwangu zvisinei nekuti ndiye akakonzera. Ndakashand­isa mari inodarika $400 apa iye akatongerw­a kubvisa faindi ye$50 kana kugara mujeri kwemazuva 25,” anodaro.

Murume uyu anoti nyaya yake yakatongwa paChitungw­iza Magistrate’s Courts nomusi wa29 Chivabvu gore rino.

Murare anotizve Bhasera aitomborar­a akaisa banga pasi pepiro mumazuva avaipenges­ana murudo.

“Ndakambeng­e ndakaroora ndikasiyan­a nemudzimai saka ndaida kuzorooran­a naBhasera. Asi ndaida kutanga ndazvipa nguva yekumudzid­za kuti ndisazoita dambudziko rekuroora ndichiramb­ana nemukadzi sezvandaka­mboita pakutanga.

“Ndiri panguva yekumudzid­za, ndipo paakandivh­iringa. Aifonerwa nevarume tirere, kusanganis­ira anonzi Eddie.

“Hand ichadi kana kumuuona muupenyu hwangu nokuti akandirwad­zisa. Ndakapotsa ndafa uye ndichiri kurwadziwa,” anodaro Murare.

Murume uyu ari kurambisis­a kuti mimba iri kunzi ina Bhasera ndeyake.

“Mimba haisi yangu uye mukadzi uyu anodanana nevarume vakawanda, ane vana vaakaita nevarume vakasiyana. Aigara achindiny’omba achiti handizvare.

“Kumba kwangu akangotizi­ra kwesvondo rimwe chete nechidimbu mushure mekunetsan­a nasisi vake nenhau yekutiza vana kwaaiita achiuya kuzorara kumba kwangu,” anodaro Murare.

“Asi akazobva achienda kunoroja kwake oga. Pane nguva yaakambond­itema nebadza pabendeket­e ndikakuvar­a asi ndakamureg­erera sevanhu taive murudo. Akatema zvakare motokari yangu yerudzi rweMark II nebadza ikapwanyik­a hwindo mushure mekunge ndapunza kadhishi kake kekugezera mawoko.”

Anotizve pese paanoita izvi, Bhasera anoti anovimba neimwe hama yake “mupurisa ane nyembe”.

“Mudzimai uyu anoita kunge akagarwa nemweya yetsvina. Kunyangwe kuenda kumba kwake, aitoti nditange ndabhukisa kana kumuzivisa kuti ndiri kuuya. Kumba kwemudikan­i kunoitwawo ‘appointmen­t’ here?” anodaro Murare.

Achitaura panhare, Bhasera anoti: “Anoziva nyaya yake yandakamub­aira nebanga. Ehe, airegerei kuuya kumba, ngaarege kuita masitayera. Iko zvino ndiri kuChiredzi. Nhumbu yandinayo ndeyake.”

Kwayedza haina kuzokwanis­a kuramba ichitaura nemukadzi uyu sezvo nhare yake yakabva yadzima uye yakange isisabatik­e apo yakaridzwa­zve.

 ??  ?? Adam naJoyce vachipanan­a rudo
Adam naJoyce vachipanan­a rudo
 ??  ?? Adam Murare achitaridz­a vanga raakabaiwa nebanga
Adam Murare achitaridz­a vanga raakabaiwa nebanga
 ??  ??
 ??  ?? Banga rinonzi rakabaiswa Murare naBhasera
Banga rinonzi rakabaiswa Murare naBhasera
 ??  ?? Adam Murare achitaridz­a ropa raibuda mushure mekunge abaiwa nebanga
Adam Murare achitaridz­a ropa raibuda mushure mekunge abaiwa nebanga
 ??  ?? Joyce Bhasera
Joyce Bhasera
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe