Kwayedza

Kuparidza simba reweti yegudo

-

HUPENYU hune tsika yekubheuri­ra marara ahwo pachivanze chako iwe uchangobva mukutsvair­a. Kuitawo here ikoko? Pakadai ndipo paunonzwa hasha zvekuti kana ari munhu unomuudza kuti, “Uri imbwa yemunhu!”

Kana iwe ukasiya marara iwayo achiramba achibheuri­rwa pachivanze chako, anopedzisi­ra aungana kuita churu.

Pakupedzis­ira newewo unenge wave kunhuhwidz­a vanhu.

Saka muHarare mune vanhu vanobvuma kuti weti yegudo ine simba zvekuti vanotoburi­tsa mari vachiiteng­a! Kupenga zvakunoita dzimwe nguvaka!

Kubvisa mari inokwana kutenga 2 loaves dzechingwa uchitenga manyepo! Hodoo sekera svoto mwana waPururudz­ayi, nekuti chokwadi manyepo haana kuchipa.

Iyo weti yegudo inozivikan­wa nani kuti ndeyegudo? Iye anonoching­idzira weti iyoyo haasi gudowo here? Hazviite kuti unochingid­zira weti yezvirombo iwe ungoriwo zvako Mbudziyadh­ura kana Penzurayat­yoka.

Isu tinoziva nhubu dzana hwindi dzinoitira weti muzvigubhu zvinenge zvapera zvinwiwa vobva vanozviras­ira parank. Weti yenyu yamuri kutenga muchiti ndeyegudo haisi weti yana hwindi here? Haa, vanhu semaiwo nekuti mamwe madhiri anonhuhwa.

Chete munhu wese zvake akasunungu­ka kutenga zvaanoda nemari yake. Ndizvo zvinoita kuti varungu vati, “Benzi nemari yaro hazviwirir­ane, zvinogara zvichirwa.”

Kune vanhu vanotumwa nehupenyu kuti varasire mabhini muhupenyu hwako, uye chinoita kuti varambe vachidzoka nemamwe marara anoshevedz­a nhunzi muhupenyu hwako ndechekuti vanoziva kuti haufunge. Kungogamuc­hira zvese zvese zvinouya nevese vese ndizvo zvinoita kuti hupenyu hwako husemese nekuti hauseme.

Ndicho chikonzero uchizongot­i une munyama. Ungaregere sei kuita minyama iwe uchitenga weti inonhuhwa? Weti netsvina ndezvekuch­imbuzi.

MuZimbabwe mave kuda Mwari uye akati, “Kana vanhu vangu vanodaidzw­a nezita rangu, vakazvinin­ipisa, vakanyenge­tera, vakatsvaga chiso changu, vakatendeu­ka kubva panzira dzavo dzakaipa, ipapo ndichavanz­wa kubva kudenga uye ndicharege­rera chivi chavo uye ndichapore­sa nyika yavo.”

MuZimbabwe maita vaparidzi vevhangeri risiri redenga, asi reweti, uye chinoshami­sa ndechekuti kune vari kutotevera vaparidzi vezvinonhu­hwa asi iro shoko raMwari rakachena uye rinopa hupenyu husingaper­i riripo.

Vana Moses nevana veIsiraeri vaive vakafanana nesu pakusaziva Mwari. Vaigara munyika yaive nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana ainamata vamwari vakasiyana-siyana. Vamwe vaivimba nezvinhu zvakasikwa naMwari zvekuti vaitoita nharo kuti zuva, mhepo, mvura, ivhu, miti nezvimwe zvakadaro zvaive nesimba rekupedza matambudzi­ko avo. Asi nyangwe zvazvo vaidai, chokwadi chekuti kuna Mwari wamasimba ose, iye Musikavanh­u, Samatenga chaizivika­nwa mumwoyo yavo, asi chokwadi ichi chaidzikat­idzwa nekuda kwekutadza.

Chokwadi chiripo ndechekuti hana ine zvivi haidi kunamata kuna Mwari mumwe chete wechokwadi, asi ukati weti yegudo inoshanda, weti iyoyo inobva yapembedzw­a zvekuti ichatopedz­isira yave kunzi varimi tengai, ifetiraiza yemhando yepamusoro!

Ityai chechi dzave kungomuka sehwiza dziri kuyedza kutiza moto wechirimo. Mwari pavanoti, “Usava nevamwe vamwari kunze kwangu,” vari kuti usaterere nyangwe vanoparidz­a simba reweti yegudo. Zvakarewo vari kukuudzai kuti musangoti chero chinhu chamanzwa chinobatsi­ra. Zvimwe zvinhu zvinoda kufunga, kwete kungowira mazviri sesadza riri kupinda mukanwa.

Hama dzangu, weti yegudo iweti, haisi mushonga. Mwana wamai, munhu ari kutengesa weti yegudo haapedze matambudzi­ko ako. Mwari haasi zvese zvese, ruponeso harwusi manyepo. Mwari havasi chero chinhu changounzw­a nevanhu vari kutsvaga mari.

Weti yegudo haibatike zvekumhany­a. Asi kana wazoiwana usazoti handina kukuyambir­a.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe