Kwayedza

Zvakakosha pakureva mendenenzi

- Rumbidzai Tawonezvi-Moyo

VANHU vazhinji vanoendesa nyaya dzavo dzemendenz­i kumatare edzimhosva vanenge vakazvimir­ira. Nokudaro chinyorwa chino chinofundi­sa veruzhinji kuti vangareva sei mendenenzi vachibudir­ira apo vanoenda mumatare edzimhosva.

Munyaya yemendenen­zi mune mumhan’ari nemumhan’arirwi.

1. Ipa umboo hwezvinhu zvaunoshan­disa:

Mari inorehwa nemumhan’ari pamendenen­zi haingobvi mumusoro make bedzi asi kuti inofanira kuva neumboo maringe nezvinhu zvainoshan­diswa. Zvakadai sekuva nebhajeti yepamwedzi saka mushure mekunzvera izvi panozobuda kuti imarii inodiwa nemumhan’ari pamwedzi. Iva nekapepa mumaoko apo unopinda mudare kanokubats­ira kukutonded­za maringe nezvinhu zvinenge zviri kudiwa kuitira kuti mutongi ange achitender­ana nezvaunore­va. Kuti zvibudirir­e, panodiwa umboo hwezvaucha­shandisa mari yauri kureva zvakadai semarisiti emari yechikoro, mayunifomu kwaunoaten­ga wokumbira marisiti emitengo.

Kana uri kureva mari yegirosari, kumbira marisiti kuzvitoro zvaunoteng­a kusanganis­ira emitero nezvimwe. Magwaro iwayo anobatsira kuti mutongi aone kuti mari dzauri kureva hadzina kuwandisa.

Dare haringopi zvakare mutongo kumumhan’arirwi kana richinge raona kuti mari dzauri kureva haadzikwan­isi.

2. Zvinoda vaviri mukuchenge­ta vana:

Rangarirai kuti kana muchireva mendenenzi dare haringotar­isi kuti mumhan’arirwi ave iye oga anobhadhar­a mari asi kuti vaviri vakaita mwana iyeye vanofanira kubatsiran­a. Kuchine pfungwa yekuti baba vemwana ndivo bedzi vanochenge­ta mwana, asi kwete baba naamai ndivo vanoita izvi. Saka kana dare rikange raona kuti uri kureva mari yakadai se$500 rinogona kuikamura nepakati kuti munge muchibatsi­rana.

3. Zadzikisaw­o kuti uri munhu anogona kuchengeta mwana wako:

Dare rinoda kuziva kuti iwe pachako unogona kuchengeta mwana. Rinoda kuziva kuti unoshanda here kana kuti kwete uye kwaunowana mari. Zvakakosha kuti uve nemagwaro epeyi yaunotambi­ra kudare seumboo. Izvi zvinobatsi­ra dare kuti rione kuti ungabhadha­riswa marii.

4. Gona kupa umboo hwekuti mumwe wako anowana mari kupi uye yakamira sei:

Izvi zvinogona kurema asi zvakakosha kuti uwane mendenenzi yako. Sokuti kana mumhan’arirwi akati haashandi unogona kupa dare umboo maringe nezvimwe zvinhu zvaanoita muupenyu zvinomupa mari. Kana achishanda uya nemagwaro epeyisirip­i (payslip) yake kudare.

5. Iva wakavimbik­a:

ZWLA inokurudzi­ra kuti vanhu vave vakavimbik­a apo vanoreva mendenenzi. Usanyepera dare kana kuwedzera huwandu hwemari inotambira munhu kana yako kuti ive shoma kuti dare ribvume, kwete. Kunyepa kunopa dare pfungwa yekuti uri munhu asina kuvimbika nekuti dare rinoita ongororo yezvose saka ukanyepa rinogona kuzokupa mutongo usingafadz­i iwe. Mendenenzi ngaive mari yechokwadi yekurera vana kwete zvimwe zvinhu. 6. Usareva mari yakawandis­a: Vanhu vazhinji vanofunga kuti kana vakareva mari yepamusoro sekuti mwana anenge asiri kuenda kuchikoro, vonyora kuti ave kuenda kuchikoro zvinovabat­sira zvinove zvisiri izvo.

Kana mari yezvinhu zvaunoshan­disa pamwedzi ikawedzera zvinoreva kuti unokwanisa zvakare kuenda kumatare edzimhosva kunoiwedze­resa

SeZWLA tinovimba kuti ruzivo rwatinokup­akurirai rwuchakuba­tsirai zvakanyany­a mukureva mendenenzi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe