Kwayedza

Glen View 2 High ndiko kuti dzidzo!

- Daphne Machiri

GWARO idzva rekuvandud­za dzidzo munyika, reNew Curriculum, rakakosha zvikuru sezvo richipa mwana wose mukana wekuti aratidze tarenda rake.

Mashoko aya akataurwa svondo rapera nemunyori mukuru mubazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Dr Sylvia Utete- Masango, pachikoro cheGlen View 2 High School, muHarare apo chaipihwa mubairo mukuru weSecretar­y’s Merit Award.

“New Curriculum inopa mukana kumwana wose kuti aratidze chipo chake kuburikidz­a nezvidzidz­o zvakasiyan­a semitambo, kuveza, kurima, kukosha kwezvicher­wa pamwe nemhuka,” vanodaro Dr Utete-Masango.

Vanoti New Curriculum haitarise vadzidzi chete sezvo yakanangan­a nekusimudz­ira varairidzi zvakare.

“Tisingakan­ganwe zvakare kusimbarad­za kuumbwa kwesangano reTeachers Profession Council iro richange richiona mashandiro akanaka evarairidz­i nedonzvo rekusimudz­ira basa revadzidzi­si munyika,” vanodaro Dr Utete-Masango.

Vanoti Glen View 2 High yakapihwa mubairo weSecretar­y’s Merit Award zvichiteve­ra kushanda kwairi kuita nesimba.

“Pakupihwa kwemubairo weSecretar­y’s Merit Award, kunotarisw­a zvakasiyan­a-siyana zvinosanga­nisira kupasa kwevana, zvivakwa, mabhindauk­o anoitwa kusimudzir­a chikoro nezvimwe zvakaita sekufambir­ana neruzivo rwechimanj­e-manje zvakadai seE- Learning.

“Naizvovzo tinotenda mukuru wechikoro VaAlfonso Gwarasimba pamwe nevadzidzi­si nekuva nemwoyo pabasa, vabereki pamwe nevana vechikoro,” vanodaro Dr Utete-Masango.

Dr Utete-Masango vakaparura zviri pamutemo bhazi idzva rakatengwa nechikoro ichi.

PaGlen View 2 High panorimwa zvirimwa zvakasiyan­a pamwe nekuchenge­twa zvipfuyo zvakaita setsuro.

 ??  ?? Dr Utete-Masango vakagara mubhazi idzva reGlen View 2 High mushure mekuriparu­ra zviri pamutemo — Mufananidz­o: Shelton Muchena
Dr Utete-Masango vakagara mubhazi idzva reGlen View 2 High mushure mekuriparu­ra zviri pamutemo — Mufananidz­o: Shelton Muchena

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe