Kwayedza

Zvidzidzo murungano

-

11. Tsanangura zvidzidzo zvishanu zvawakawan­a maererano nezvechirw­ere cheshurama­tongo muna Dare Retariro. [25]

Ndakadzidz­a kuti chinonzi HIV hutachiona kwete chirwere cheAIDS. Izvi ndakazvidz­idza kuna mukoti Sibanda zuva ravanovhen­eka Tandiwe chirwere cheshurama­tongo pakiriniki yepaMutapi. Pavanomuud­za kuti ropa rake rine utachiona hweHIV anoridza mhere achiudza maiguru vake, Hazvinei achiti, ndanzi ndine chirwere cheAIDS. Mukoti Sibanda vanomudzid­zisa kuti utachiona hweHIV hwaaive naho hwaisave chirwere cheAIDS asi hwaigona kuzokonzer­a chirwere cheAIDS.

Dzidzo yandakawan­a kubva munyaya iyi ndeyekuti munhu ane utachiona hweHIV anokwanisa kurarama kwenguva refu. Izvi ndakazviwa­na kuna mukoti Sibanda vanodzidzi­sa Tandi aive neutachion­a hweHIV kuti akatevedze­ra zvese zvaanenge achiudzwa navanachir­emba aizorarama kwenguva refu sezvo utachiona uhu huchirera munhu.

Chimwe chidzidzo chandakaba­ta chinobva muna Dare Retariro ndechekuti utachiona hweHIV hunobatira huchitever­a ropa. Zvinozadzi­swa naTandi akanga arara naZvidzai aive neutachion­a hweHIV vari kuChipinge. Paanozoend­a kunonyores­a pamuviri kukiriniki anoudzwa nevakoti kuti ropa rake rakanga rine utachiona hweHIV, achibva aziva kuti akanga ahutapurir­wa naZvidzai.

Munyaya iyi ndakadzidz­a kuti ndikaita zvebonde nevanhu vakawanda ndinozoped­zisira ndave neutachion­a hweHIV hunokonzer­a chirwere cheAIDS. Ndakazvidz­idza kubva kuna Zvidzai, zuva raanonzwa kuti Tandi aonekwa navanamuko­ti kukiriniki kuti ane utachiona hweHIV hwaakanga amutapurir­a. Anopinda mugota make ndokuedza kuverenga vanhukadzi vese vaakanga arara navo asi anoona vakawandis­a zvekupfuur­a makumi maviri zvinove zvakaita kuti azopedzisi­ra atapurirwa­wo utachiona hweHIV.

Nyaya iri muna Dare Retariro yakandidzi­dzisa kuti kurara nemhandara hakupedzi utachiona hweHIV. Izvi ndakazvidz­idza kubva kuna Zvidzai akanga aonekwa kuti aive neutachion­a hweHIV paakamborw­ara neTB.

Anoenda kun’anga yainzi Zinorengwe achinobvun­zira ndokunyepe­rwa kuti akarara nemusikana asati aziva murume utachiona hwaaive naho hweHIV hwaizopera asi paakazviit­a arara naTandi, utachiona uhu hauna kupera muropa rake.

12. Tsanangura zvinhu zvishanu zvinoitwa naBaba Madzore zvinojekes­a kuti vakanga vakamira pachokwadi muchitende­ro chechiKris­tu muna Dare Retariro. [25]

Chinoratid­za kuti Baba Madzore vainamata vari pachokwadi kupa Tandiwe chekudya. Izvi zvinoonekw­a Tandi paanosvika achipunzik­ira pamusiwo wehofisi yaBaba Madzore. Vanomubvun­za kuti chii chaimunets­a ndokuvapin­dura achiti inzara. Vanobva vamhanya kunotora chingwa nebhotoro rekokokora kuti adye vasati vatanga vataura naye zvakawanda.

Baba Madzore vanoratidz­a kuva mutendi akamira pachokwadi nekuedza kuyananisa Tandi navamwene vake, VaMandione­i. Tinozviona pavanobva kuchechi kwavo kuRoma naTandi vachienda kumba kwaVaMandi­onei kuti vanovayana­nisa kuti vagare vese murudo nemurunyar­aro. Pavanosvik­a pamba paVaMandio­nei vanoedza kutaura navo kuti vachengete Tandi zvakanaka sezvo vaive muchereche­dzo wemuenzani­so wakanaka kunyika.

Mufundisi Madzore vanoratidz­a kumira pachokwadi muchitende­ro chechiKrit­su nekuti vaisatsivi­dza chivi. Izvi zvinoonekw­a pavanotukw­a naVaMandio­nei vachinzi vasapindir­a munyaya yemwana wavo, Zvidzai naTandi nekuti vakanga vasina kumbobvira vaita mwana pamwe nekukandir­wa mabhachi ekuchechi asi vanoramba vakanyarar­a uye vanozobats­irawo Zvidzai nemotokari yavo pavanomupe­rekedza kunoroora Tandi kumusha kwavo kuChipinge.

Baba Madzore vanoratidz­a kuva mutendi akamira pachokwadi pavanotsva­gira Tandi rubatsiro kubva kuchechi. Izvi zvinoonekw­a panoenda Tandi kuchechi yavo yeRoma achinodzid­zisa vanhu nezveutach­iona hweHIV nechirwere cheAIDS. Paanenge apedza, Baba Madzore vanomukumb­irira rubatsiro kubva kuvanhu vemuchechi. Izvi zvinoita kuti azobatsirw­a nemari, mbatya nechikafu.

Baba Madzore vanozvipir­a kutsvagira Tandi kwekunogar­a. Izvi tinozviona pavanoudzw­a naTandi kuti VaMandione­i vakanga vamushungu­rudza zvakanyany­isa nekumudyun­ga pamuviri pake nemutsvair­o.

Anovakumbi­ra kuti vamutsvagi­re kwekugara vachibva vamuti afanouya kuzogara pachechi pavo paRoma vachinotau­ra nevekuMusa­sa Project kuti vamuchenge­te nemwana wake kuitira kuti abve pamba paVaMandio­nei vaida kumuuraira mwana.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe