Kwayedza

Kuda hondo kwaKuda

- Munyaradzi Gunduza

MHENENGURO yekudyidza­na kwemusoro webhuku nerungano:

Musoro webhuku iri unotsigirw­a nevatambi vakasiyana-siyana. Kuda kufarira chinhu. Muhondo zvinhu kana zviitiko zvaiwanikw­a munguva yehondo yeChimuren­ga. Kupinda kunoita Kuda muhondo yeChimuren­ga achirwira rusununguk­o rweZimbabw­e kunoratidz­a kuti akanga aine rudo nehondo.

Musoro webhuku uyu unorevawo kuda hondo zvisinei nekuti ndiani ari kunzwa kuida. Povho inenge ichiratidz­awo kufarira hondo yekusunung­ura Zimbabwe kuburikidz­a nekutsigir­a magandanga akanga achirwa nevavengi. Vapambepfu­mi vakanga vachidawo hondo kuti varambe vachitonga nyika yeZimbabwe zvinoonekw­a nekurwisa vatema kuti vasatorerw­e nyika kubva mumaoko avo. Mamwe magandanga akanga achifarira­wo hondo yeChimuren­ga chaizvo zvinoratid­zwa nekuzvipir­a kwawo. Zvese izvi zvinoratid­za kuti musoro webhuku iri unotsigirw­a nenzira dzakawanda kwazvo. Hezvinoi zvimwe zvinoburit­sa musoro wenyaya: Kuda anoratidza kufarira zvehondo paanorega kuenda kuzvidzidz­o zvake achienda kuHighfiel­ds netsoka uko vainochema mukuru wezvematon­gerwo enyika anove Chitepo akanga aparara mutsaona yemotokari. Kuda akachenget­a miko nemirairo yese yavainge vaudzwa kuti vazotevedz­ere zuva iri nyangwe vamwe vavo vasina kuzvikoshe­sa. Izvi zvinoratid­za chido chake chekutsigi­ra zvinangwa zvehondo pamwe chete nevatungam­iri vayo.

Vakomana vaviri vanosangan­a naKuda muchitima achienda kwaMutare paanenge achibva kuchikoro vanoratidz­a kuti vakanga vada zvehondo izvo zvainzwikw­a nenyaya dzavaitaur­a. Kuda anoratidza kutsigira hondo paanobva kuchikoro achisvika magandanga aive mudunhu ravo aine hurongwa hwekutakur­a mapango newaya dzaida kuvakiswa kipi ndokubatsi­rana nevamwe vachinokan­da zvinhu izvi mudhamhu. Mushure mekunge Kuda abatsirana nevamwe kurasa waya dzekipi anotanga kunzwa kuda hondo zvakanyany­isa. Anotaura achiti, “Pamazuva matatu iwayo ndakanga ndadzidza zvakawanda nezvehondo. Ini pachangu mweya wangu wakanga wapindwa nepfungwaw­o yekuda kuenda.” P.26

Kuda anoenda kuMozambiq­ue achisiira chikoro panzira achinoita zvidzidzo zvehondo zvinoratid­za kuzvipira kwake munyaya yekusunung­ura Zimbabwe.

Kusavhundu­ka zvitunha kunoitwa naKuda kechipiri mushure mekunge aona vanhu vazhinji vainge vafa pakapiswa dzimba dzavo nemoto. Izvi zvinoratid­za kuti akanga ashinga semunhu aida kurwa hondo.

Kuda anoita shungu dzekurwa hondo paanoona vamwe vezera rake vaine pfuti vakachenge­tedza motokari yavaifamba nayo kuenda kuMozambiq­ue. Anonzwa shungu dzekuda kudzidzira­wo kurwa hondo.

Kusarudzwa kwaKuda achienda nevamwe kukamba 2 kwavaizono­dzidziswa hondo kunoita kuti afare chose sezvo akanga ave kunopinda muhondo chaimo. Kudzidzisw­a kwese kunoitwa Kuda zvehondo nemamwe magandanga akaita saKadiki, Kandege naGidi kunoratidz­a kuti akanga ane chido nehondo.

Zita raKuda rekuzvarwa naro ainzi Kudakwashe Zaranyika asi tinonzwa achitora zita remuhondo rinoendera­na nemusoro webhuku pamwe chete nechido chake chekurwa hondo achizviti Kuda Hondo.

Matambudzi­ko ese ainge asangana naKuda muZimbabwe kubva panguva yaaive kuchikoro kusvika ave kumusha kwavo akaita kuti ade hondo zvakapfuri­kidza. Anotsanang­urira Komuredhi Kadiki kuti akanga agara achida zvehondo kubva kare chaiko asi achishaya nzira dzekuti apinde muhondo.

Kushingiri­ra kumhanya, kudzidzira pfuti, kudzidza zvese zvematonge­rwo enyika nekufamba nzendo refu netsoka kunoitwa naKuda kunoratidz­a kuti munhu akanga akazvipira kurwa hondo kubva kumavambo kusvika kumagumo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe