Kwayedza

Kudya kune utano

- Ticha Danga

MISHONGA yose yotowana muzvipatar­a mazuva ano inobva mumakwenzi ari mumatunhu atinogara kunyanya mumaruva. Nokudaro kurwararwa­ra kwaiva kushoma nekuti vanhu vakare vaigara vadzivirir­a zvirwere nekuda kwezvavaid­ya.

Mimwe miriwo kana usavi hwaiwanikw­a zvaiita kuti utano hugare hwakaringa­na. Kubva mukuwana ruzivo rwakakosha kudai pamusoro pekudya kwedu kunotibats­ira pakuchenge­tedza utano hwedu.

Makarekare kwaisadyiw­a chingwa nesvutugad­zike rungwanani asi kuti vanhu vaidya manhanga kana kuti matikiti pamwe nemapudzi voswera matumbu akati shaku kuzara. Manhanga iwaya nhanhasi achiri kunwiswa svutugadzi­ke kunyanya mumaruwa uye anowanikwa ari mumhando dzakasiyan­a.

Kune nhanga rinonaka samare riine mavara mavara. Nhanga irori rinenge rakaomarar­a uye richiita zvekumepfu­ka pakuridya. Nhanga iri rinonzi nzunzu kana kuti ndodo. Kunewo nhanga rinonzi ditimanga rinova jena risina ruvara. Nhanga iri rinokura kuita mutumba chaiwo kana rawana pakaorerer­a.

Mangachena imwe mhando zvakare yemanhanga inoita mukati muchena nemhodzi huru richiita munyepfu mushoma pane ditimanga. Kunowanikw­awo mapudzi ayo anoda kudyiwa asati akomba. Ndiwo aya anoti kana akomba ogadzirisw­a hosho,mikombe nemagavhu.

Mashamba kana kuti mafere anoda kufanana nemanwiwa asi asingadyik­i kunze kwekunge chete aitwa nhopi.

Muchikamu chakapfuur­a takambotau­ra nezvekurim­wa kwemupunga mumatoro. Mumatoro imomo zvakare munorimwa tsenza. Tsenza idzi dzinogona kudyiwa dzakabikwa kana dzisina. Kutsenza tinowana sasamwe negombwa dziri idzo dzine mukurumbir­a kupfuura dzimwe dzese. Kunowanikw­awo zvakare mvumvu, ndurwe, nziye nezananda. Tsenza dzinoparwa makanda adzo nekuti anovava. Dzinozivik­anwa zvakare nekutindiv­adza mazino.

Mumasango imomo mhando dzeusavi dzaisaziva­na.

Kwaimerawo derere remhando dzakasiyan­a, nhasi uno rimwe derere tava kuita rekurima asi rimwe rinongomer­a rega musango souswa. Mhando yederere ine mukurumbir­a inonzi chipudzi kana kuti nyanhanda. Ndiro derere riri kurimwa mumakandiw­a nepazvuru mumaruwa. Iri derere rinodyiwa zvana zvaro zvine mhodzi dzinoputir­wa muganda rechipudzi. Rinogona zvakare kunanikwa rozodyiwa semufushwa.

Derere rechijonga rinocherwa midzi yacho yozotswiwa yobikwa. Derere rechijonga rinoita dzvuku kana rabikwa. Hambakache­re rinongoche­rwa midzi yobikwa pasina kutswiwa.

Nyenje iderere rinomera roga mumakura uye rinotanhwa mashizha aro obikwa. Samwenda rinotekesh­era musango marinomera roga. Mashizha aro ndiwo anotemwa nokubikwa. Vazhinji vanoziva derere sezvuva mukonde nekuti panopazwa mikonde wesadza nekuda kwaro. Derere harina zvakawanda zvarinoda pakubikwa kunze kwekukwati­swa mumvura ine munyu nemuchorwa.

Muchorwa ingava hundi inobva mukupiswa kwemaguri kana kuti madota chaiwo ehuni. Imwe mhando yemuchorwa isoda yava muzvitoro mazuva ano. Nekuuya kwakaita mafuta ekubikisa, mazuva ano tava kuona vamwe vachiisa derere mumafuta richitoche­kererwa mapuno nehanyanis­i.

Mumasango imomo zvikomana zvaiswerop­utitsana nechokochi­yana nenhunguru apo zvaifudza mombe. Asiwo mukutsvaga michero iyi maiva nemibairo nekuti kurumwa nemago kwaisava kwenhamo. Zvikomana zvaibva zvati zvapedza kukavira michero mumatumbu zvaibva zvaenda mujecha kunonwa mvura yemumufuku swerei matumbu akati kan’an’a.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe