Kwayedza

Ongororwai gomarara

- Lovemore Makurirofa

ZVAKAKOSHA kuti vanhu vange vachivhene­kwa chirwere chegomarar­a, zvikuru munyika dzichiri kusimukira semuZimbab­we munova machakatek­eshera.

Ongororo yakaitwa nesangano reZimbabwe National Cancer Registry inoratidza kuti chirwere chegomarar­a rechiberek­o chaiva nechikamu che32,1% muna 2013 uye mugore rimwe chete iri chikamu che13% chevanhu vakarasiki­rwa neupenyu nekuda kwezvirwer­e zvegomarar­a.

Muna 2014, chikamu che35,5% chemadzima­i akabatwa nezvirwere zvitsva zvegomarar­a apo chikamu che12% chevanhu chikarasik­irwa neupenyu.

Chirwere chegomarar­a remuchiber­eko chinokonze­rwa nekumera kunoita dzimwe nyama muchiberek­o.

Chirwere cherudzi urwu chaiwanzob­ata vanhu vane makore 45-55 ekuberekwa asi iko zvino chave kubata kunyangwe vane makore 18 ekuberekwa.

Chinogona kudzivirir­irwa nokudaro zvakakosha kuti munhu wose ange achiongoor­wa nekukasika kuburikidz­a nenzira yeVisual Inspection with Acetic Acid and Cervicogra­phy (VIAC) uye zvose izvi zvinoitwa munyika muno nebazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana.

Gomarara rechiberek­o rinokonzer­wa nei?

Chirwere chegomarar­a rechiberek­o chinokonze­rwa neutachion­a hunodaidzw­a kunzi HPV (Human Papilloma Virus).

Utachiona uhwu huzhinji hwacho hunokonzer­wa nezvirwere zvepabonde izvo zvinotapur­iranwa kubudiriki­dza nekusangan­a kunoita mvura dzemumuvir­i yevanhu vakasiyana.

Kune mhando mbiri dzeutachio­na hweHPV dzinoti HPV6 neHPV11 inova inokonzera maronda panhengo dzakavandi­ka. Zvimwe zvezvinhu zvinokonze­ra kunyuka kwezvirwer­e izvi kukasika kupinda munyaya dzepabonde munhu asati abva zera, kuva nevadikanw­i vepabonde vakawanda nekuputa fodya.

Zviratidzo zvechirwer­e chegomarar­a rechiberek­o:

Kubuda ropa iye munhu aguma kutevera, kubuda kweropa kwakanyany­a zvikuru sei isiri kuva yekutevera, kubuda kwetsvina munhengo yakavandik­a, kurwadziwa kwemudumbu, kuzvimba kwemakumbo uye kuneta.

Asi kana chirwere ichi chichangot­anga, chinogona kusava nezviratid­zo zvinoonekw­a kana kunzwikwa.

Zvakakosha kuti vanhu vakasike kuvhenekwa chirwere ichi chisati chakomba kuti chinge chichidziv­irirwa.

Nzira yePap Smear kana kuti kutorwa kwetsvina yekuchiber­eko ndiyo imwe inoshandis­wa mukuvhenek­a gomarara remuchiber­eko.

Izvi zvinoitwa mushure memakore matatu apo munhu atanga zvepabonde zvikuru sei munhu ane makore 21 ekuberekwa.

Ongororo iyi inofanira kuramba ichiitwa mukati memakore matatu ega-ega.

Ongororo iyi inoitwa nemapoka akasiyana akadai semakirini­ki nemuzvipat­ara zvekanzuru, Family Planning and Wellness Clinics Associatio­n of Zimbabwe Clinic neNew Start Centre.

Lovemore Makurirofa inyanzvi inoita zveongoror­oro maringe nechirwere chegomarar­a. Kuti munzwe zvizere batai veCancer Associatio­n of Zimbabwe avo vanowanikw­a panhamba 60 Livingston­e, Harare (Cnr 6th Street and Livingston­e Avenue). Munogona kuvabata panhare dzinoti (04) 707444 / 705522 Fax: +263 4 707 482 kana padandemut­ande rinoti info@cancer.co.zw

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe