Kwayedza

Kuva nepamuviri uine HIV

-

Kuna Chiremba Ndakaenda kukiriniki nekuti ndave nepamuviri pane mwedzi miviri. Ndasvika kukiriniki ndakavhene­kwa ropa rangu ndikaonekw­a ndiine utachiona hweHIV. Murume wangu akaonekwa zvakare aine utachiona humwe chetehwo.

Tiri kutyiswa nazvo asi tinoda kurarama zvakanaka.

Tingazvigo­na sei? Pane here zvimwe zvatingaon­gororwe uye zvii zvatingady­e? Chii chichaitik­a kumwana wedu? Tichiri vadiki kwazvo kuti tirasikirw­e neupenyu. Tiri kudisa kwazvo kurarama.

Ndini ari kunetseka.

Kune ari kunetseka Hauna chikonzero chekunetse­ka.

Chekutanga ndinoda kukutenda nedanho rakanaka rekuenda kukiriniki kunotarisw­a pamuviri pako nenguva. Zvinokurud­zirwa kuti madzimai akazvitaku­ra ange achinotari­swa kanokwana kana kana kudarika, zvikuru sei apo pamuviri pavo panenge paine masvondo masere kana gumi nemaviri.

Kutariswa kwepamuvir­i kwakakosha kuti unge uchipihwa mishonga yakakodzer­a mukudzivir­ira zvirwere zvakadai setetenus, malaria nekuona zvimwe zvigozhero zvinogona kuita kuti pamuviri ipapo pasakura zvakanaka zvakadai seBP, zvirwere zvepabonde zvakaita seHIV, Syphilis nezvimwe zvinotapur­iranwa.

Nekuda kwekuti wakaona kuti iwe nemurume wako muri kurarama neutachion­a hweHIV uye kuti uine pamuviri,

zvinogona kukuremera asi unogona kubatsirik­ana senzira yekudzivir­ira kutapurira utachiona uhwu kumwana kuburikidz­a nekutora mishonga yako yemaAnti-Retroviral Drugs (ARVs) zvakanaka kana kupinda muchirongw­a cheOption B+ chinoreva kutanga kutora mishonga yemaARVs paunongoon­ekwa kuti une pamuviri uye une utachiona hweHIV.

Masoja emuviri aya anofanira kugara achivhenek­wa mwedzi mitanhatu yega-yega uye izvi zvinobatsi­ra kuti paonekwe kuti mishonga yemaARVs iri kushanda zvakadii mumuviri mako.

Mishonga yemaARVs inobatsira kuti CD4 count isaderera zvakanyany­a zvichibats­ira kuti paonekwe kuti utachiona huri mumuviri hwakawanda sei.

Ona kuti iwe nemurume wako maonekwa nguva nenguva nachiremba kana mukoti wepakirini­ki iri pedyo nemi.

Kana uri kurarama neutachion­a hweHIV uchiwana kudya kunovaka muviri zvinobatsi­ra mukusimudz­ira utano hwako.

Kudya chikafu chinovaka muviri chakadai semichero, bhinzi, miriwo isina mafuta akawanda nekuderedz­a zvinhu zvinonyany­a kutapira zvakadai sezvihwits­i, zvinwiwa zvine shuga nezvimwe kunobatsir­a.

Kutapurirw­a kweutachio­na hweHIV kubva kuna amai huchienda kumwana kunokwanis­a kuderedzwa kana uchinge uchitora mishonga yako yemaARVs zvakanaka.

Kusunungut­swa kwakanaka kunoderedz­a mikana yekutapuri­rwa kweHIV kumwana zvakare, zvikuru sei kudzivirir­wa kwekutsemu­ka kwemadziro echibereko (rupturing membranes).

Deredza zvakare nhau dzekushung­urudzika mupfungwa nekuti zvinomutsa zvirwere.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe