Kwayedza

Zim-Asset ngaive ndiyo jakwara

-

VARI kumaruwa, kana vanoshanya kumaruwa, yasvika nguva yemajakwar­a, nguva yemukombe wehwomusun­gwa kana hwematanda.

Vasingadi zvokurarad­za vanoita zvemahewu. Vanenge vachidya namambo.

Makare-kare, nguva yatasvika iyi inguva yaitarisir­wa nevakuru, pamwe chete nepwere nokuti gore remaguta rinounza mufaro.

Asi, mufaro wegore rino wakapamhid­zirwa nokuti pane huwandu hwavanhu vakarima mbesa dzakasiyan­asiyana vakakohwa pakuru. Vamwe vari pakati pokukohwa, asi kune dzimwe nzvimbo kupura vakatotang­a. Kwese kwauri kufamba, unongonzwa pembedzo yechirongw­a cheCommand Agricultur­e.

Gore rino raburitsaw­o hurudza dzakawanda mumatunhu ese gumi enyika, zvokuti dai zvaigoneka, taioona pave kubuda mabhuku ehurudza, nokuwana kwavakaita, sezvinongo­itwawo vaya vanhu vane mari.

Tichiri pakupura, tinogona kutadza kunzwanana pamutauro, asi vanoziva nezvokupur­a vanoziva kuti mhunga, rukweza (njera kana zviyo) nemapfunde ndidzo mbesa dzinopurwa. Pamusana pokuti vanhu vakawanda vave kurimawo chibage, uyewo kuti havasati vave nemichina yokutonong­oresa, vanochipur­awo.

Nzungu nenyemba zvinogonaw­o kupurwa, asi vamwe havazvikur­udziri nokuti zvinobandi­ka, zvozoshaya basa. Kukanga nzungu dzakabandi­ka dzinosara dzatsva, kunyange wange usina chinangwa chokupisa. Mupunga wakabandik­a haunakidze kuona zvakare.

Nguva yatiri ino unonzwa vana sorojena vachiti, “Chihwerure hachiendi kumba,” nokuti kutsvinyir­ana nokufumura­na kunoitwa kuburiro kana kuruware kunopurwa zviyo, hazvifanir­wi kuendwa nazvo kumba, vanhu vonoita bopoto.

Chihwerure chokujakwa­ra hachisungi­rwe zvakare kuti chinotadzi­sa vakarooran­a kugara zvakanaka, vopedzisir­a vati aziva kwake, aziva kwake. Kana muri vemhuri, hamunopumh­ani huroyi kana kuchekana hukama nokuti pane gure rataurwa kujakwara. Kana mipuro yasara kuburiro, ko mashoko anoteveraw­o pamusana pei?

Kuti chihwerure hachiendi kumba inenge iri yeuchidzo yokuti zvauriwe, uchati zvawanzwa kuburiro vanhu vachibatsi­rana basa wofundumwa­ra, uchitadza kunodzikis­a mashoko nehwahwa kana maheu zvepachena. Tsvaga chakowo chihwerure, woenda nacho kujakwara rinotevera, sezvinoita vemapepanh­au vanoti kana munhu afumurwa, iye anozoburit­sa ake makobvu nematete, achifumura vakamufura, nevamwewo, nokuti upenyu ivhiri rinotender­era.

Kune dzimwe nzvimbo vachiri kuimba nziyo dzatainzwa pamajakwar­a makore apfuura: Yakarira muchereche­re-e Ha-a, woye muchereche­re-e

Haiye iye woye iye! Yakarira ndiri kwaGutu Ha-a, woye muchereche­re-e

Haiye iye woye iye! Makunun’unu kuwa kwedamba

Ha- a, woye kuwa kwedamba

Haiye iye woye iye!

Mukwende anotarisir­a kuti mufaro unounzwa nejakwara uchiriko, kunyange zvazvo kubatwa kwamabasa okurima kwasanduka zvikuru. Asiwo anotarisir­a kuti kunyange jakwara iri tsika yakanaka inoita kuti vanhu vabatsiran­e mabasa vanhu vakohwa, patave nhasi uno pave kuda mafungiro matsva, kunyanya Hurumende yakaunza chirongwa chekuvandu­dza upfumi hwenyika, chirongwa cheZimbabw­e Agenda for Sustainabl­e Socio-Economic Transforma­tion (Zim-Asset).

Chirongwa cheZimAsse­t ngachipind­ewo mumajakwar­a vanhu vaone kuti vanogona kuwana chouviri kubva mumabasa amawoko avo. Dai vanhu vanoenda pajakwara vaiziva kuti zviyo, mhunga kana mapfunde zvavari kupura vachiita chihwerure zviri kuita marii muzvitoro, vaiimba dzimbo dzisiri dzokutsvin­yirana, asi dzokupanan­a mazano eraramo.

Panze pokutenges­era vanobva kumadhorob­ha nemari shoma shoma, vanogona kukurudzir­ana kutenga chigayo nemimwe michina inoita kuti vagone kugaisa upfu hwemhunga, zviyo, mapfunde pamwe nechimera.

Ngavazive ku t i vanomhanyi­ra kuzvitenga vakaona kuti zvine mari refu kwazvo. Chitsama che2 kg chehupfu hwezviyo mazuva apfuura chaiita madhora masere, kutodarika 10kg yehupfu hwechibage.

Vanozivawo kuti kwave nekurudzir­o yokudya chikafu chinopa utano hwakanaka, kwete zvinorimwa nenzira dzamazuvan­o dzine maGenetic Modified Organisms (GMOs) zvinobva kunze, saka vakatanga mabhizines­i anobva nepamaburi­ro avo, vanowana vatengi vakawanda.

Kana va n h u vachimhany­ira huku dzinocheng­etwa kumamisha nokuti hadzidye chikafu chemuzvito­ro, zvimwe chetewo kuti hupfu hunobva kumaruwa hune chivimbo chakazara nokuti zvese kudzvura, kupepeta nokukanga zvinoitwa nemazvo, nemoto wehuni. Haunzwe sadza rezviyo rokumusha richirumir­a ivhu nokuti zviyo hazvina kupepetwa nokukangwa zvakanaka. Mabasa ari kutsvagwa anogona kubva pakuti chihwerure hachiendi kumba, asi chozove chinoenda kumba yave mari nebudiriro.

Muongororo yakaitwa naMukwende, zvinoratid­zawo kuti vanhu vokumaruwa nemapurazi vane nzwisiso yapamusoro nezveZim-Asset kupinda mumadhorob­ha. KwaChivi tinogarove­renga kuti mukuru wekanzuru yeko Dr Killer Zivhu, vanoitisa zvidzidzo zvokuti Zim-Asset ibve kumusoro- soro, asi kuti chive chirongwa chemhuri.

Masvondo apfuura pane varimi vechidiki (murume nomudzimai wake) vokudunhu rokuMudzi, kuMashonal­and East vakaburits­wa paZTV vachiratid­za kufambisa kwavaita chirongwa cheZim-Asset kwemakore apfuura.

Vari kurima nekuchenge­ta huku nemombe, asi unoona kuti pavasvika ndepokuti vanhu vakanzwisi­sa nezvekuvan­dudzwa kwezvigadz­irwa panzvimbo zvozotenge­swa (value addition and beneficiat­ion). Panze paizvozvo, gore rese papurazi pavo panenge pachishand­wa. Mhuri dzakawanda dzomunzvim­bo mavo dzinovaten­da nokuti vane mabasa aita kuti upenyu hwavo husanduke.

Kudada kwavari mugomo kukumbira vari pasi mapfihwa, uchinzwa varimi ava vachiti, kudhorobha vanongoend­a zvavo kuti vambondouy­awo nechingwa chakachekw­achekwa (sliced bread), asi chokwadi ndechokuti hapana chavanoshu­va nokuti zvese zvavanoda vanazvo.

Ijakwara rakanaka iri! Ngaritende­rere nyika yose.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe