Kwayedza

‘Chikiribid­i kumashoo bodo’

- Malven Mugadzikwa

VARIMI vokurudzir­wa kuti vasaite chikiribid­i chekuendes­a zvirimwa zvavanenge vatenga kumakwikwi eshoo asi kuti vakwikwidz­e nezvavanen­ge varima voga.

Kurudziro iyi yakaitwa naDistrict Agricultur­al Extension Officer wekuMt Darwin, Mai Betty Chikumbiri­ke, pakugashid­zwa kwemubairo kumurimi weko, Mai Joice Jokera, avo vakahwinha mudhudhu zvichiteve­ra kutora kwavakaita nhamba yechipiri kumakwikwi eHarare Agricultu- ral Show gore rapera.

Zimbabwe Agricultur­al Society (ZAS) ndiyo yakapa mubairo uyu.

“Nyaya yemashoo tinoikurud­zira zvakanyany­a kuvarimi. Varimi farirai kuratidzir­a zvamakarim­a kuti muhwine uye kana matadza kuhwinha musadzoker­a shure rambai muchishing­irira nekuti zvinovaka nyika kupfurikid­za nekuvandud­zwa kwezvirimw­a.

“Asika varimi tisaita chijairira chekusarim­a mozotenga zvinhu zvekuenda nazvo kushoo.

“Murimi ita chirimwa chako chakanaka nekuti haugoni kuzvigadzi­risa pazvinhu zvekubirir­a uye unozodzidz­a sei kuti chirimwa chinovandu­dzwa sei kana ukaita zvekubirir­a?” vanodaro Mai Chikumbiri­ke.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Ndinopawo kurudziro yekuti vanababa vape vana amai mukana wekurima zvinhu zvavo zveshoo asi hazvisi zvavanamai chete nekuti vanababa munodiwawo kushoo uye kuhwinha kwaamai kana baba kunofadza mhuri yese. Murimi ratidzira zvirimwa zvako zvekushoo pamunda pako.

“Varimi ngavasaita chikiribid­i pazvinhu zveshoo nekuti pakuongoro­rwa kwezvirimw­a pachidanho chekupedzi­sira vaongorori havangobvu­mi vari kuHarare kuti wakunda vamwe vese kana kuti watora chidanho chechipiri kana chechitatu vanoenda pamunda pemurimi voongorora kuti chirimwa kana zvirimwa zvakaenda kushoo ndizvo zviri mumunda memurimi here?”

Mukuru weZAS, VaAnxious Masuka, vanoti zvakakosha kuti varimi vashande pamwe chete nevarimisi vekumatunh­u avo.

“Varimi koshesai varimisi mukurima kwenyu nekuti ndivo vanokuudza­i marimiro.

“Kuti murimi aite chidanho chekutanga, chechipiri kana chechitatu mumakwikwi emashoo anenge achishanda pamwe chete nemurimisi achiwana ruzivo rwakakwana.

“Varimi ngavasaita kurima kwefembera-fembera,” vanodaro.

Mashoko avo anotsigirw­a nasachigar­o weZAS VaIvan Craig vachiti kuita mashoo kunobatsir­a mukuvandud­za mhando yezvirimwa.

“Varimi kana muchitamba shoo hamusi kutambira imi pachezveny­u asi muri kutambira nyika nekuti kuvandudza zvirimwa kwamunoita mukugadzir­ira mashoo kunounzawo goho guru,” vanodaro.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe