Kwayedza

Chakachaya muPSL

- Abel Ndooka

KUNOTSVA demo kugosara mupinyu vhiki rino neMugovera neSvondo apo zvikwata zvemuCastl­e Lager Premiershi­p zvichange zvichikwik­widza kuti zviende pamusoro pelog.

Mwaka uno zvikwata zvakaita seBlack Rhinos zviri kutamba nhabvu inonwisa mvura uye chimwe chezvikwat­a zviri kumusoro palog rePSL.

Svondo rino Rhinos iri kunanga kuMaglass Stadium uko ichasangan­a neShabanie Mine.

Chikwata chaStanfor­d ‘Stix’ Mutizwa ichi chikaramba chichatamb­a nhabvu yepamusoro chine mukana mukuru wekupedza mwaka chiri pakanaka.

Chapungu vs Dynamos FC

Uyu mutambo uchange uchisuwi s a zv i kuru kuchikwata cheDynamos FC sezvo pachakaped­zisira kuenda kuAscot Stadium gore radarika ndipo pakaitika njodzi iyo yakauraya vamwe vatsigiri vayo.

Asi DeMbare, iyo yave kutanga kusimuka palog, ichaedza nepainogon­a kuti ihwine mutambo uyu kuti idzokere pamusoro apo inonyatsoz­ivisisa.

Ngezi Platinum vs Bantu Rovers

Tonderai Ndiraya ari kubata basa rinodakadz­a kuNgezi Platinum izvo zviri kuona chikwata chake chichimbog­ara panyanga muPSL palog.

Svondo rino chikwata ichi chikakwani­sa kukunda Bantu Rovers kuBaobab chinogona kuramba chiri pamusoro pelog.

Sunday ‘ Mhofu’ Chidzambwa akabuda pachena kuti mwaka uno ari kuda kuhwinawo mukombe wePSL kozoti FC Platinum iri kutarisira kuti murairidzi wayo - Norman Mapeza - ahwine mukombe sezvo ave nemakore akawanda achingokun­dikana panguva yekupedzis­ira.

ZPC ndiyo yakagara pechitatu palog ichitevera mumashure meNgezi Platinum neBlack Rhinos.

 ??  ??
 ??  ?? Kelvin Pangiso mujaho ukure tisvike padanho rekukoka dzimwe shasha dzemaratho­n kubva kunyika dziri kuEurope, Asia uye nekuAmeric­a. Hapana chinotikun­disa kuzviita sezvo isu zita redu rekuti Tanganda iguru.”
Anoti gore rino vari kutarisira kuona kuti...
Kelvin Pangiso mujaho ukure tisvike padanho rekukoka dzimwe shasha dzemaratho­n kubva kunyika dziri kuEurope, Asia uye nekuAmeric­a. Hapana chinotikun­disa kuzviita sezvo isu zita redu rekuti Tanganda iguru.” Anoti gore rino vari kutarisira kuona kuti...

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe