Kwayedza

Chabvondok­a kuTanganda Half Marathon

- Abel Ndooka

akabvuma kudzoka kuzorairid­za nhabvu kekutanga zvichiteve­ra kudzingwa kwaakaitwa basa neLeiceste­r City asi zvinogona kutadzika nekuda kwemakore ake.

Ranieri ndiye ari kutarisirw­a kugadzwa pachigaro chinopisa kuchikwata cheNantes chekuLigue 1, icho chiri kumirira kunzwa kubva kuFrench Football Federation (FFF) pamusoro penyaya iyi. Mitemo yeFFF inoti zvikwata zvenhabvu hazvikwani­se kugadza murairidzi anenge adarika makore 65 ekuberekwa pachigaro uye Ranieri akasvitsa makore aya gore radarika.

Mutungamir­i weNantes - Waldemar Kita - akaudza France Info kuti, “Ligi riri kubvumiran­a nazvo, asi ndinoziva kuti FFF ndiyo iri kunonoka kumugadza, handizive kuti sei.

“Chatiri kuda hunyanzvi hwaRanieri semurairid­zi wenhabvu nekuti tinoziva kuti akwanisa kurairidza zvikwata zvikuru muEurope.”

Ranieri akahwina mukombe wePremier League mumwaka wake wekutanga achirairid­za Leicester City, ndokutunga­mira chikwata ichi muChampion­s League kusvika chakwanisa kufambira mberi kubuda muboka racho gore radarika.

Asi akazodzing­wa basa muna Kurume zvichiteve­ra kudzikira kwainge kwave kuita matambiro echikwata ichi. Ranieri akamborair­idza zvikwata zvakawanda zviri muEurope zvinosanga­nisira Fiorentina, Valencia, Atletico Madrid, Chelsea, Juventus, Monaco nenyika yeGreece.

Ave kuda kudzokera kuzorairid­za kuFrance uye Nantes yakakumbir­a French FA kuti ibvise mutemo wavo wemakore unotarisir­wa pavarairid­zi kuti ikwanise kumugadza panyanga. Izvi zvakamboit­ika kare apo Lens yakagadza Guy Roux semurairid­zi wayo. - Daily Mail Football.

SHANGWITI dzemujaho wekumhanya dzemuno nekunze kwenyika dziri kutarisirw­a kukwikwidz­a mumakwishu eTanganda Half Marathon kwaMutare nemusi wa25 Chikumi.

Mujaho uyu - uyo unorongwa nekambani yeTanganda Tea Company - uchaona shasha dzekumhany­a dzichikwik­widza makiromita anosvika 21.

Nhengo yekomiti yeTanganda Tea Company, Tsitsi Kumadiro, anoti gore rino mujaho uyu wadzoka zvine mutsindo.

“Tanganda Half Marathon wagara uri mumwe wemijaho mikuru inozivikan­wa muno uye gore rino shasha dzemujaho uyu dzakawanda dzakanyore­sa kuti dziri kuuya kuzokwikwi­dza,” anodaro.

Anoenderer­a mber i achiti, “Gore rino, tiri kutarisira kuona musiyano kudarika rapfuura.

“Chinangwa chedu kuti yemarathon - Kelvin Pangiso - achakwanis­a kurwira kuchengete­dza mukombe wake here we21 km uyo waave nemakore maviri achihwina.

Pangiso wechikwata cheZimbabw­e Prisons and Correction­al Services akakwanisa kuhwina zvakare gore rino anobva anyora nhoroondo yekuve mutambi wekutanga kuhwapura mukombe uyu mumakore matatu akatevedza­na.

“P a ng i s o ma k o r e maviri adarika ndiye ange achihwina kurakidza kuti ishasha saka munhu wese anoda kumuona kuti gore rino anozvikwan­isa zvakare here,” anodaro Kumadiro.

Mumujaho wemadzimai, Patience Murove - uyo akahwina gore radarika - ari kutarisirw­a kuzokwikwi­dza zvakare.

Mimwe mijaho ichakwikwi­dzwa inosangani­sira yewirichey­a uyo wave nemakore mashanu uchihwiniw­a naElford Moyo.

ZPC Kariba vs FC Platinum

 ??  ?? CLAUDIO Ranieri
CLAUDIO Ranieri

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe