Kwayedza

‘Regai maWarriors akadaro’

- Abel Ndooka

VATSIGIRI nevaongoro­ri venhabvu vanoti matambiro akaita chikwata chitsva chemaWarri­ors svondo rapera apo chakatamba neLiberia anotaridza kuti chinogona kubudirira kusvika pachidanho cheWorld Cup munguva inotevera, asi hunge kana chikasasan­durwa.

Izvi zvinotever­a kuhwinha kwakaitwa nemaWarrio­rs apo akakunda Liberia 3-0 mumutambo wavo wekutanga wekurwira kuenda kuAfrican Cup of Nations iyo ichatambir­wa kuCameroon mugore ra2019. Vatambi vakadadisa mumutambo uyu vanosangan­isira Knowledge Musona (26), Kudakwashe Mahachi (23), Teenage Hadebe (21), Danny Phiri (28) naMarvelou­s Nakamba (23).

Musona ndiye akanwiswa zvibodzwa zvose zviri zvitatu.

Zvakadai, vamwe vatsigiri nevaongoro­ri venhabvu vanoti chikwata chitsva chakaumbwa neakafanob­ata chigaro chemurairi­dzi wemaWarrio­rs - Norman Mapeza - chinogona kubudirira kuenda kumutambo weWorld mugore ra2022 kuQatar.

Shasha yakambonet­sa mumutambo wenhabvu ichitambir­a maWarriors, Alois Bunjira uyo ave muongorori wenhabvu paZiFM Stereo neSuperSpo­rt anoti mukana uripo mukuru wekuti maWarriors anogona kuenda kuWorld Cup 2022 asi hunge chikwata ichi chikaramba chakabatan­a.

Bunjira - uyo aizivikanw­a saZola panguva yaakatamba nhabvu - anoti matambiro akaita maWarriors anodadisa kunyangwe pakange pasina vamwe vatambi vanosangan­isira Costa Nhamoinesu, Khama Billiat, Willard Katsande naNyasha Mushekwi.

Anoti dambudziko rinozongoi­tika rekushandu­rwa kwevarairi­dzi ndiro rinogona kutadzisa chikwata ichi kusvika kure.

“Norman Mapeza basa raakabata rinonwisa mvura, chikwata ichi ndechake chaicho chaakatang­a nacho paakambora­iridza maWarriors pekutanga uye anochiziva.

“Vatambi ava vane mukana wekuenda kuWorld Cup 2022 asi hunge chikwata ichi chikaramba chakabatan­a. Murairidzi anouya ngaauye achishandi­sa vatambi varipo ivava kwete kushandura nekuti tinenge tave kutanga patsva saka hapana zvatinenge taita,” anodaro Bunjira.

Anoenderer­a mberi achiti, “Nhabvu yandakaona musi weSvondo yainwisa mvura, ndiyo vatsigiri vanoda kuona uye yavanenge vabhadhari­ra mari.”

Mutsigiri mukuru wenhabvu wemaWarrio­rs Chris ‘Romario’ Musekiwa anoti sangano reZimbabwe Football Associatio­n rinofanirw­a kuona zvekuita naMapeza romugadza panyanga kuti murairidzi uyu atange basa rake rekuronga remangwana remaWarrio­rs apo akatarisan­a nekurwira kuenda kuAfcon neWorld Cup 2022.

Romario anoti makore ekuberekwa evatambi vemaWarrio­rs vazhinji achiri akanaka zvikuru zvekuti mumakore mashanu ari kutevera vakawanda vavo vanenge vaibva vave kutamba nhabvu yepamusoro. “Mapeza akarakidza kuti ‘chibaba’ uye anoziva zvaanaoita. Nyaya yavepo kuti hutungamir­i hwenhabvu hwonyatsom­ugadza panyanga achitanga kuronga remangwana rechikwata ichi. Vatambi vedu vachiri nemakore akanaka chaizvo, mumakore mashanu vanenge vave kupisa zvekuti kana kuQatar tinenge takazara. Tiri kutanga nekuenda kuCameroon kuAfcon tozotevera neQatar 2022,” anodaro Romario.

Anoti dzimwe shamwari dzake dzekunze kwenyika dzakamufon­era

dzichimuud­za kuti matambiro ave kuita maWarriors achanetsa mukufamba kwenguva.

“Ndine shamwari dziri kunyika dzakaita seCameroon idzo ndinosanga­na nadzo patinotsig­ira nhabvu dzakandiud­za kuti maWarriors achavanets­a nekuti matambiro avave kuita haana kumira mushe,” anodaro Romario.

Zvisinei, imwe shasha yekuongoro­ra mitambo yakasiyana paSuperSpo­rt zvakare, Mike Madoda, anoti zvakakosha kuti maWarriors arakidze hunyanzvi hwavo apo paachasang­ana neDR Congo uye neCongo mumitambo yekurwira kuenda kuAfcon.

Anoti zvakaoma kutanga kutaura nezveWorld 2022 panguva

iyo chikwata chenyika ichi chakataris­ana nemitambo yeAfcon.

“Ngatimbomi­re kufunga zviri kure, isu tisati tapedza basa ratakatari­sana naro reAfcon 2019. Pamwe panguva yacho tichange tashandura tikashandu­razve varairidzi saka hatizive kuti chikwata chinenge chakamira sei,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti, “Tinofanirw­a kushandisa muenzaniso weDR Congo iyo isina kumbobvira yashandura chikwata chayo chakaenda kuAfcon kuGabon gore rino. Asi DR Congo neCongo pazvichauy­a muno ndipo patichaona kuti chikwata chedu chakamira papi. Liberia yatakarova haina kumbotityi­sa iya,” anodaro Madoda.

 ??  ??
 ??  ?? Chris Musekiwa
Chris Musekiwa
 ??  ?? Alois Bunjira
Alois Bunjira
 ??  ?? Mike Madoda
Mike Madoda

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe