Kwayedza

‘Inyoka dzemidzimu’

- Kingstone Mapupu

NYANZVI dzezvechiv­anhu dzinoti nyoka dzerudzi rweshato — idzo dzinonzi dziri kuonekwa dzichidya sadza rinenge raraswa pajekerere kwaRukweza, kwaRusape — chiratidzo chekuti pane zvakakanga­niswa pachivanhu.

VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano reZinatha, vanoti shato nguva zhinji dzinoshand­iswa nemidzimu kana kuti masvikiro sezviratid­zo zvezvakasi­yana.

“Vagari venzvimbo iri kuonekwa nyoka idzi ngavafambe pachivanhu vaende sekumasvik­iro, voudzwa zviri kuedza kududzirwa nenyoka idzi nekuti hatisati tambonzwa shato kana dzimwe nyoka inodya sadza asi nyama,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhir­wa naSekuru Friday Chisanyu, mukuru wesangano reZimbabwe National Practition­ers Associatio­n, vachiti shato idzi dzine chirevo chikuru.

“Shato hadzirwise vanhu kana kuvavhundu­tsira. Nyaya yekuti dzave kuwanikwa dzichitsva­ga sadza mudzimba dzevanhu fanika imbwa zvinoratid­za kuti pane zvakavhiri­ngidzwa munzvimbo iyi nekuti nyoka hadzidaro,” vanodaro.

Vanoti kana vanhu vakawana chavanokan­ganisa, midzimu inogona kuvaranga kuburikidz­a nenzira dzakasiyan­a.

“Kuuya kwemakonye chaiko achidya zvirimwa, makudo kana dzimwe mhuka zvichipara­dza minda tikadzoker­a kuchivanhu tinotaurir­wa kuti pane zvinenge zvakangani­swa. Saka vakuru vari munzvimbo iyi ngavatsvag­e kuti dambudziko iri rabva kupi,” vanodaro.

Zvakadai, bazi rinoona nezvekuche­ngetedzwa kwemhuka munyika, reParks and Wildlife Management Authority rinoti nyoka idzi dzinofanir­wa kuchengete­dzwa sedzimwe mhuka, kwete kuuraiwa.

VaSimukai Nyasha, avo vakafanoba­ta chigaro chemukushi wemashoko kubazi iri, vanokurudz­ira vagari venzvimbo iyi kuti vasakangan­ise nyoka idzi kusvikira vashandi vebazi ravo vaenda kunodzitor­a.

“Imhosva kuuraya nyoka kana imwe mhuka zvayo. Shato imhuka dzakacheng­etedzwa zvikuru pamitemo yenyika ino saka tinokurudz­ira vagari venzvimbo iyi kuti vachengete­dze nyoka idzi kusvikira taendako kunodzitor­a,” vanodaro.

Panyaya yekuti nyoka idzi dziri kudya sadza rinenge raraswa, VaNyasha vanoti sekuziva kwavo shato hadzidye sadza kana kutetena mabhonzo.

“Chokwadi ndechekuti shato dzemusango hadzidye sadza, dzinoda nyama yemhuka yadzauraya uye hadzidye chakafa choga, dzinorwisa mhuka dzomedza,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti munhu akaisa shato mukeji, oikandira kana huku yakafa yoga, haidye asi ikaisirwa huku mhenyu kana mhuka mhenyu inouraya yoga.

Panyaya yekuti bazi ravo rinobhadha­risa kuti vanobvisa mhuka kana nyoka muvanhu, vanoti izvi zvinoitwa pachena vachibatsi­rana nemakanzur­u.

“Dambudziko rikasvika munzvimbo zvakaita sekumaruwa kana kumapurazi, tinotaura nekanzuru yobatsira nemotokari isu tisati tasvika, tozoenda kunobata dzingava mhuka kana nyoka,” vanodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe