Kwayedza

MAZIZAMU TUGU . . .

Akecha mukadzi wemunhu

- Kingstone Mapupu

MURUME wemuMukumb­ura, kuMt Darwin — wekudanana nemukadzi akaroorwa — akazowana zvinodarik­a zvaaitsvag­a sezvo ava kuzvidemba zvichiteve­ra kusotwa kwaakaitwa nemishonga zvikamuita kuti amere mazizamu akangofana­na neemadzima­i.

Thompson Mutimutema (45) anoti mazamu ake akangotang­a kukura masvondo mashoma akadarika uye anobuda mvura nemukaka achivava nekunyerek­edza.

Dambudziko remurume uyu rinonzi rakatanga apo akatora mudzimai waJohn Sithole (29), uyo anobva kuChipinge.

Mutimutema anoti akadanana nemudzimai waSithole asingazive kuti akaroorwa.

“Ndakasanga­na nemukadzi uyu ndokutsvag­awo rudo, iye akandida. Haana kundiudza kuti akaroorwa. Pakazobuda nyaya yekudanana kwangu naye, murume wemukadzi uyu akandiving­a akandipa yambiro ini ndikatomut­uka ndichimuti uri gudo.

“Ndakamuti hakuna mukadzi anoiswa ‘number plate’ fanika motokari kana mudhudhudh­u uye takaendere­ra mberi nekudanana,” anodaro Mutimutema.

Anoti kwapera svondo rimwe chete atsiurwa nemuridzi wemukadzi uyu, mazamu ake akatanga kukura achifutunu­ka.

Mushure mezuva rimwe chete, anodaro Mutimutema, mazamu akatenge aenzana neevakadzi vakuru.

“Muridzi wemukadzi akaziva zvekudanan­a kwedu kuburikidz­a nemashoko erudo ataitumira­na mufoni. Asi ini ndakazviit­a shasha ndikatadza kukumbira ruregerero kumurume uyu pamwe nekusiyana nemudzimai — wake.”

Anoti akazoenda kune mudzimai uyu ndokumuudz­a dambudziko rake.

“Pakamera mazamu aya ndakatanga kuenda kumudzimai uyu ndokumutau­rira kuti ndizvo zvaitika kwandiri. Ndakamuudz­a kuti zvakonzerw­a nemurume wake sezvo ini ndaenda kunobvunzi­ra kuchechi yemumwe muporofita weJohane Masowe.

“Ndakazoend­a kumuridzi wemukadzi uyu akandiudza kun’anga kwaakaenda kunondigad­zira,” anodaro.

Mutimutema anoti apfidza uye haachafa akadzokoro­ra kudanana nemukadzi wemunhu zvakare.

“Chave kundinetsa ndechekuti kun’anga kwakaendwa nemurume uyu vava kudawo mari kubva kwandiri kuti vandiroyon­ore. Uyuwo muridzi wemukadzi haasi kuda kutauriran­a neni zvakanaka, ari kuti ndichafa ndakadaro. Ndakaedza kumukumbir­a ruregerero ndikamuti ndichakuri­pa asi ari kuramba achiti ndikaure,” anodaro.

Kunz e kwekumer a mazamu, murume uyu anoti sikarudzi nemuviri

 ??  ?? Thompson Mutimutema achiratidz­a mazamu ake. Mifananidz­o naKingston­e Mapupu
Thompson Mutimutema achiratidz­a mazamu ake. Mifananidz­o naKingston­e Mapupu
 ??  ?? John Sithole
John Sithole

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe