MAZIZAMU TUGU . . .
Akecha mukadzi wemunhu
MURUME wemuMukumbura, kuMt Darwin — wekudanana nemukadzi akaroorwa — akazowana zvinodarika zvaaitsvaga sezvo ava kuzvidemba zvichitevera kusotwa kwaakaitwa nemishonga zvikamuita kuti amere mazizamu akangofanana neemadzimai.
Thompson Mutimutema (45) anoti mazamu ake akangotanga kukura masvondo mashoma akadarika uye anobuda mvura nemukaka achivava nekunyerekedza.
Dambudziko remurume uyu rinonzi rakatanga apo akatora mudzimai waJohn Sithole (29), uyo anobva kuChipinge.
Mutimutema anoti akadanana nemudzimai waSithole asingazive kuti akaroorwa.
“Ndakasangana nemukadzi uyu ndokutsvagawo rudo, iye akandida. Haana kundiudza kuti akaroorwa. Pakazobuda nyaya yekudanana kwangu naye, murume wemukadzi uyu akandivinga akandipa yambiro ini ndikatomutuka ndichimuti uri gudo.
“Ndakamuti hakuna mukadzi anoiswa ‘number plate’ fanika motokari kana mudhudhudhu uye takaenderera mberi nekudanana,” anodaro Mutimutema.
Anoti kwapera svondo rimwe chete atsiurwa nemuridzi wemukadzi uyu, mazamu ake akatanga kukura achifutunuka.
Mushure mezuva rimwe chete, anodaro Mutimutema, mazamu akatenge aenzana neevakadzi vakuru.
“Muridzi wemukadzi akaziva zvekudanana kwedu kuburikidza nemashoko erudo ataitumirana mufoni. Asi ini ndakazviita shasha ndikatadza kukumbira ruregerero kumurume uyu pamwe nekusiyana nemudzimai — wake.”
Anoti akazoenda kune mudzimai uyu ndokumuudza dambudziko rake.
“Pakamera mazamu aya ndakatanga kuenda kumudzimai uyu ndokumutaurira kuti ndizvo zvaitika kwandiri. Ndakamuudza kuti zvakonzerwa nemurume wake sezvo ini ndaenda kunobvunzira kuchechi yemumwe muporofita weJohane Masowe.
“Ndakazoenda kumuridzi wemukadzi uyu akandiudza kun’anga kwaakaenda kunondigadzira,” anodaro.
Mutimutema anoti apfidza uye haachafa akadzokorora kudanana nemukadzi wemunhu zvakare.
“Chave kundinetsa ndechekuti kun’anga kwakaendwa nemurume uyu vava kudawo mari kubva kwandiri kuti vandiroyonore. Uyuwo muridzi wemukadzi haasi kuda kutaurirana neni zvakanaka, ari kuti ndichafa ndakadaro. Ndakaedza kumukumbira ruregerero ndikamuti ndichakuripa asi ari kuramba achiti ndikaure,” anodaro.
Kunz e kwekumer a mazamu, murume uyu anoti sikarudzi nemuviri
◆