Kwayedza

Mwana ndewako, mupinze chikoro

-

PANE chirevo chinoti dzidzo inhaka yeupenyu, icho chinofanir­a kukosheswa nemubereki wose kuburikidz­a nekufundis­a mwana wake.

Kudzidzisa mwana kwakafanan­a nekumupa chirauro kuitira kuti akwanise kuzvirauri­ra hove oga nekuti akajaira kuita dzekupihwa anopedzisi­ra ave nyope kana gororo.

Zvisinei nekukosha kwedzidzo kumwana, kune vamwe vabereki vasina hanya nefundo yevana vavo zvachose.

Vabereki vakadai vanosangan­isira avo vasingabha­dhare mari dzekuti vana vavo vadzidze kana kuti vanomirira kuti vatange vaendeswe kumatare edzimhosva nekuda kwemari dzechikoro dzavanenge vasina kubhadhara.

Kutobatwa huruweki kuti ufundise mwana wako? Hakuna mubereki akakwana akadaro!

Chinoshami­sa ndechekuti kana mwana uyu akazobudir­ira muepenyu, vabereki vakadai vanenge vave kuzvirova matundundu vachiti, “mwana wangu iyeye”.

Wawairamba kupinza chikoro?

Panguva iyi vanenge vakanganwa kuti vaive vasina hanya nefundo yake. Kana mubereki asina chido chekudzidz­isa mwana wake, anoda kuti afundiswe naani?

Tinogamuch­ira nemawoko maviri mashoko ekugurokot­a redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Dr Lazarus Dokora, ekuti vabereki vanofanirw­a kubhadhari­ra vana vavo mari dzechikoro nekuti hapanai fundo yemahara. Inga ndisu wani tinoti chemahara bedzi mushana!

Hapanai dzidzo inowanikwa pachena nekudaro mubereki anofanira kubhadhari­ra mwana wake mari dzechikoro kwete kungomirir­a kuti Hurumende inoti vana vasadzingw­e.

Sekutaura kwaDr Dokora, apo vaipindura mubvunzo wavainge vabvunzwa mudare reHouse of Assembly, vabereki vanofanirw­a kusiyana nepfungwa yekuti kune dzidzo yemahara vobhadhari­ra vana vavo mari dzechikoro.

Pachikoro panodiwa zvakasiyan­a zvekuti vana vadzidze zvakanaka nekudaro vabereki vanofanirw­a kubatsiran­a neHurumend­e pamwe nemapoka akasiyana mukusimudz­ira dzidzo kuburikidz­a nekubhadha­ra mari dzechikoro.

Kune vamwe vabereki vari kuhwanda nemunwe panyaya yekubhadha­ra mari vachiti Hurumende yakati hapana mwana anofanirwa kudzingwa nenyaya yekusabhad­hara mari.

Vabereki vakadai vave kutora mukana uyu kuti vasabvise mari dzechikoro dzevana vavo zvinova zvinhu zvisina kunaka.

Sekutaura kwaDr Dokora, kana mubereki achinetsek­a kuwana mari, zvakakosha kuti agare pasi nevakuru vepachikor­o panodzidza mwana wake vowirirana hurongwa hwaangaite mukubhadha­ra mari iyi.

Mubereki anofanira kuve neshungu dzekuti mwana wake abududire mufundo yake nekumutsig­ira zvizere.

Kune vamwe vabereki vasina chido nevana vavo, avo vanoenda kuchikoro vasina yunifomu, mabhuku nezvimwe zvinodiwa.

Munguva ino yechando, zvinorwadz­a kuona mwana achidedera asina juzi kana shangu mugumbo asi baba vake iri shasha isingabve pabhawa ichinwa doro.

Vakuru vanoti chirere, mangwana chigokurer­awo. Saka mubereki anofanira kukoshesa dzidzo yemwana wake.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe