Kwayedza

Cde Chinx: Muimbi, murwi, jinda raMakoni!

-

CDE Chinx Dickson Chingaira, vakazorora. Vakaenda kunyika isingadzok­wi kusvika Jesu vadzoka. Asi vakaziva Cde Chinx kubva panguva yehondo, kusvika vachizokot­sira hope dzisingamu­kwi, vanoziva kuti Zimbabwe yarasikirw­a negamba, gamba rakamira nenyika kwemakore makumi mana.

ZvaCde Chinx hazvisi zvokubvunz­a nokuti ukafamba nyika ino kubva kuna Zambezi kusvika kuna Limpopo; kubva mabvazuva kusvika kumadokero, uchaona kuti munhu aizivikanw­a kubva achiri kuhondo nenyaya yokuimba kupa tuso kune vamwe varwi kuti vasanete, uyewo kuti vakange vari kuno kumusha vave netariro yokuti rusununguk­o rwuri kutouya chete, kunyange vapambepfu­mi vakadya marasha.

Kubva muna 1980 kusvika vashaye musi weChishanu chapfuura, izwi raCde Chinxi rakaramba richiimba nokuyeuchi­dza vanhu kuti chinhu ichi chinonzi rusununguk­o nokuzviton­ga kuzere zvakauya nokudeuka kweropa, uyewo kuti zvinhu zvinosungi­rwa kubatisisw­a.

Charwadza Mukwende ndechokuti Cde Chinx vatorwa naMusiki pasina mwedzi Africa yapemberer­a zuva reAfrica (Africa Day) musi wa25 May, uye vakashayaw­o musi waipemberw­a zuva revana veAfrica (Day of the African Child) musi wa16 June.

Pane kambo kakaita mbiri kavakaimba — Vanhu Vose Vomuno muAfrica. Kambo kakadadisa Africa, kari kambo kaive nekurudzir­o yokuti sezvo Africa yarwisa muvengi, chasara ndechokuti vanhu vabatane. Kanopinda pamwongo wechinhu chinonzi African Union.

Kwozoti pese patinoona vhidhiyo ya“Maruza Vapambepfu­mi” yakatsikis­wa mugore ra1980, Cde Chinx vachiri vechidiki vachishaur­a makobvu namatete, tinonzwa zvakare mashoko akadzama enhoroondo yenyika nokurwirwa kwayakaita.

Asiwo, ivhidhiyo inoratidza kuti Cde Chinx vakange vari pamwe chete nemamwe magamba akarwira rusununguk­o rwenyika ino. Pamwe vazhinji vavo vakaendawo, sezvakaita Cde Chinx.

Semunhu aifambiran­a nenguva, Cde Chinx havana kuti nyika zvayasungu­ka, vondozoror­a. Kwete. Vakaramba vachiteedz­a chido chavo chokuimba nokutsanan­gura zviri munyika, kubudikidz­a nenziyo.

Pakatanga hondo yeminda, Cde Chinx nevamwe vakaita saana Simon Chimbetu, Andy Brown, Brian Mteki, Sister Flame, Tambaoga navamwe vakanzwika vachishaur­a zvakare. “Hondo yakura muZimbabwe, hondo yeminda” kakaita mbiri, vakange vasingadi kuti ivhu riuye kuvanhu vakavazvon­da zvikuru.

Kaimbiro kaCde Chinx nenyaya dzavaisanz­anura kakazivika­nwa kana nenyika dzakange dzakatipam­ba, zvokuti kutanga kwesvondo rino nhepfenyur­o yeBBC yakange iine nhau yokufa nokuchemwa kwavo nevanhu vakasiyana-siyana.

Vanhu vakaita saanaCde Chinx ndivo vakange vaine chinu chamafuta chokuzora mafuta pese panenge paita nyaya kuti zvinge zvakapfava, vachizvits­anangura kubudikidz­a nenziyo. Ndosaka akaita mbiri nokuchemwa zvakadaro pambozhanh­are nemumapepa­nhau nenhepfeny­uro.

Zvakange zvisina kuti uri webato ripi, uri mudzimai kana murume, uyewo kuti unobva kupi. Vanhu veZimbabwe vari kuchema Cde Chinx segamba risingabvu­nzwi kuti ugamba hwake akahuwana kupi.

Ukaona munhu anogona kushanda navanhu vari mumabasa akasiyana pasina azoti, Chinx haaite, woziva kuti mune munhu akabva kuvanhu.

Tanyora tisati taziva kuti zvavapihwa ugamba hwehondo, vanoradzik­wa riini, asi tinotarisi­ra kuti vanhu vachaenda nouwandu hwavo kunoonekan­a naCde Chinx, nyati mhenyu, zizukuru rerimwe ramagamba eChimureng­a chokutanga, Mambo Chingaira vakachekwa musoro namaBritis­h ukaendwa nawo mhiri kwamakugwa.

Kunyange zvazvo vari murwi wehondo, nyanduri, nomuimbi, chimwe chikuru ndechokuti mwana wohumambo hwokwaMako­ni — jinda guru.

Zororai murugare Cde Chinx.

 ??  ?? Mushakabvu Cde Chinx
Mushakabvu Cde Chinx
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe