Kwayedza

‘NDAKAITISW­A MWANA NABABA’

‘. . . ndivo futi vakandisun­ungutsa’ ‘. . . imhiko dzekuti vaite mazimari’

- Kingstone Mapupu

“NDIRI kurwadziwa manhi! Zvandakait­wa nababa — baba chaivo vekundiber­eka — zvinondirw­adza. Kundiitisa mwana here ini mwanasikan­a wavo? Apa ini ndonzi ndisazvita­ure, ndongombun­yikidzwa!”

Mashoko aya haakwanise kutsanangu­dza kushunguru­dzikana kuri kuita mukadzi wechidiki wekuGlen View, uyo anoti mwana wake wekutanga akamuita apo akabatwa chibharo nababa vake, nyaya yacho ndokusamha­n’arwa.

“Havana kungondibh­inya bedzi, asi kuti kana pandakasun­unguka mimba yacho, ivo baba ndivo vakandisun­ungutsa — vondibata chibharo, ndobata pamuviri, vobva vaita ndivo nyamukuta. Handife ndakavareg­erera baba vangu,” anodaro mukadzi watichango­doma saAnnah, uyo anoti zvose izvi zvakaitiki­ra kumusha kwavo kwaMambo Njelele, kuGokwe.

Mwana akabarwa atove nemakore 13 okuberekwa “plus baba havadi kuti ndimuti mwana wangu, asi kuti munin’ina wangu, gotwe remumba medu.”

Annah — uyo ari kuda kuti Kwayedza iburitse zita rake nemazita evabereki vake chaiwo akazara achiti anoda kuti chokwadi chaicho chizivikan­we neruzhinji — anorondedz­era zvatisinga­kwanise kuburitsa mubepanhau revanhu mabatirwo aakaitwa chibharo nababa vake, kwete kamwe chete, asi kamwe kacho vakatombon­opika jeri.

Mitemo yemuZimbab­we haitendere kuti munhu akabatwa chibharo ashambadzw­e zita rake.

Annah anoti baba vake vekumubere­ka vaimubata chibharo semhiko yavaive vapihwa nen’anga vachinzi vaizoita mari yakawanda uye ndivo vakaita nyamukuta paakamusun­unguka.

Anoti pakaitika nyaya iyi, akatsindid­zwa kuti asawane waanotauri­ra achinzi aifanirwa kutora mwanasikan­a waakamitis­wa uyu semunin’ina wake uye kunyangwe kumurume aizomuroor­a, aisafanirw­a kuzvitaura — kunze kwekungoti iye haasati ambozvara.

Annah (33), uyo ari kugara kuGlen View, muHarare, anoti nyaya iyi inomurwadz­a zvikuru.

Baba vake tichangova­doma saVaGilber­t (63) uye amai saJuliet (62) asi mazita avo azere tinawo.

“Kana ndisingaka­nganise, baba vakatanga kundibata chibharo ndiine makore matatu tichigara kumusha kuGokwe. Amai vangu Juliet vaiziva nyaya iyi asi hapana danho ravaitora sezvo vachinzi vakabvumir­ana nababa kuti vandishand­ise kuita mari. Zvinonzi baba vainge vatumwa nen’anga yekuChipin­ge kuita izvi vachinzi vaizoita mari zhinji,” anodaro Annah, chiso chake chizere nekusuwa sezvo paakaitwa naye hurukuro ino aitombosvi­mha misodzi.

“Zvinonzi baba vangu pavakaenda kuChipinge vakanopihw­a mishonga miviri nechikwamb­o zvekuti vaite mari. Mishonga iyi nechikwamb­o zvakazonzi zvave kuda ropa remunhu, asi vakaramba kuuraya. Ndipo pavanonzi vakanzi vachishinh­a neni, apa ndirini mwanasikan­a wavo dangwe pavanasika­na vapfumbamw­e.”

Annah anoti chikwambo ichi chinonzi chaivaunzi­ra mari iyo chaitora kuvanhu nemuzvitor­o.

A n o t i z ve ny a y a yekubhinyw­a kwake nababa akazoiburi­tsa kuchikoro apo akanyora rondedzero yeupenyu hwake achitsanan­gura zvaiitika kwaari, izvo zvakazoita kuti vadzidzisi vepachikor­o ichi vazvizive.

“Nyaya iyi yakaendesw­a kumapurisa epaGokwe Centre, baba vachibva vasungwa ndokuendes­wa kumatare edzimhosva vakapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore matanhatu apo vakanopiki­ra kujeri reWhaWha nekuChired­zi,” anodaro Annah.

Anoti pakaenda baba vake kujeri, akasara achioneswa moto naamai vake vachimupop­otera kuti ndiye aita kuti vasungwe.

Baba vake vakadzoka kujeri iye atova kusekondar­i asi vakasvikor­usimudzira nekumubata chibharo izvo Annah anoti zvaizivika­nwa naamai.

“Vakangoti vachidzoka kujeri, vakabva vatanga kundibata futi. Ndipo pandakabat­a pamuviri amai vachitoziv­a asi vose nababa vakati tizvivigir­idze kudzimara ndasunungu­ka mwana mugore ra2004. Mwana uyu asvitsa makore 13 izvozvi, atova muGrade 6 kumusha kwaanogara nasekuru naambuya vake — vabereki vangu,” anodaro.

Annah anoti sezvo nhumbu iyi yakanga isina kunyoreswa, baba vake ndivo vakaita nyamukuta, vakatomuch­eka nereza zvekusara akuvara apo mwana aive atadza kubuda zvakanaka.

“Pamuviri pakwana, baba vakati ndivo vanondisun­ungutsa. Vakatora reza ndokundich­eka sezvo mwana airamba kubuda. Vakandiche­ka amai vakatarisa, mwana ndokuzobud­a vakamusung­a rukuvhute voga nekubvisa chevakuru, izvo zvandisina kuziva kwavakazvi­isa.

“Asi dambudziko rakazoitik­a pakucheka kwavakandi­ita, vakandikuv­adza musiwo unobuda netsvina ndokusanga­nisa nekusikaru­dzi rinova dambudziko randinaro nanhasi. Dai ndawana vanondigad­zirisa nekuti weti netsvina ndinoburit­sa nepamwe chete.”

Annah anoti baba vake ndivo vakabva vatumidza mwana akazvarwa zita uye vanonzi ndiye wavanotora segotwe ravo, kwete semuzukuru.

“Nyaya iyi handina kukwanisa kuimhan’ara kumapurisa kechipiri aka sezvo amai vairamba kuti ndiite izvi vachiti vaisada kuti murume wavo adzokere kujeri.

‘‘Iniwo ndakanga ndave kutyawo nyaya dzemishong­a yezvikwamb­o sezvo baba vakazvitau­ra kumapurisa kekutanga apo vakasungwa. Nyaya yandiri kukudzai iyi inozivikan­wa neni nevabereki vangu bedzi, vanin’ina vangu hapana zvavanoziv­a,” anodaro Annah.

Anot i akazoroorw­a kuMudzi mugore ra2008 ndokuita vana vaviri nemurume wake, asi akangofa mushure mekurwara kwemazuva mana chete.

“Murume wekutanga akafa tichigara kuMufakose, ndakazoroo­rwa zvakare mugore ra2013 nemumwe murume uyo ndakaita naye mwana. Murume uyu akangorwar­awo nemudumbu kwemazuva mana achibva afa. Zvikwambo zvababa ndizvo zvinonzi zvinouraya varume vangu sezvo zvichinzi hazvidi kuti ndiroorwe.”

Anoti hama dzevarume vakamuroor­a vachifa ava dzakafamba dzikazviba­ta kuti chikwambo chababa vake ndicho chakavaura­ya, nekudaro havachada kumuona.

“Hama dzevarume ava hadzidi kundiona dzichiti ndini ndakaurais­a hama dzavo. Iniwo ndaona zvakakodze­ra kuti ndimbomira zvekuroorw­a nekuti ndiri kuuraisa vana vevaridzi vasina mhosva.

“Asi ndinoda kubatsirwa kuti zvinhu izvi zvibviswe pandiri, ndiri kuitwa mukadzi nezvidhoma zvababa. Uyewo nyaya iyi ndainyarar­a kwenguva yakareba apo ichindirwa­dza. Saka ndava kuda kuti zvichibuda pachena, ndakaitisw­a mwana nababa vangu vekundiber­eka. Buritsai nyaya iyi nemazita edu tose — rangu, rababa naamai — kuitira kuti zvifumuke. Kana zvichireva kuti baba vanodzoker­a kujeri haisi mhaka yangu, ngavasungw­e.”

Mukadzi uyu pari zvino ari kugara pamba pemunhu paari kuchengeta.

“Handina chekudya nevana vatatu vandinavo pano uye kudya chaiko ndinopihwa kunenge kwasiiwa nevanhu kuTake Away iri kwaMakomva. Vana vangu havaende kuchikoro, mweya wezvikwamb­o uyu uri kunditever­a. Ndinotoona baba vachiuya ndakarara kuno kuHarare vachirara neni. Dzimwe nguva ndinovaona ndakasvinu­ra,” anodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nababa pamwe naamai vaAnnah.

Asi Mambo Njelele, VaMisheck Njelele (51), mushure mekuudzwa nezvenyaya, vanoti aya makunakuna ari pachena uye vachatsvag­a mhuri yaAnnah voiunza kudare ravo kuti vanzwe zvizere.

Mutaur i r i wemapurisa munyika, Chief Superitend­ent Paul Nyathi, vanoti nyaya iyi inofanirwa kumhan’arwa kumapurisa igoferefet­wa zvizere sezvo mhosva isingarovi.

Mbuya Marita Ried (55) vekuChitun­gwiza vanoti dambudziko raAnnah rinoda kugadziris­wa nenguva kuti zvikwambo izvi zvisarambe zvichimuit­a mukadzi.

 ??  ?? Annah
Annah
 ??  ?? Mbuya Marita Ried
Mbuya Marita Ried
 ??  ?? Chief Supt Nyathi
Chief Supt Nyathi
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe