Kwayedza

Votemwa nematombo anopisa

- Samuel Kadungure ari kuBUHERA

MUNYAYA inoita kunge bhaisikopu, imwe mhuri yekwaManje­ngwa, kuBuhera, inoti iri kugara ichitemwa nematombo anenge achipisa seari kubva muhovhoni asi vanhu vanoita izvi vasingaone­kwe.

Vamwe vemhuri iyi — iyo igere kwaSadunhu Marume, kwaMambo Makumbe — vanotova nemaronda manyoro nemavanga ekutemwa uku.

D z imb a nemi d - ziyo yemhuri iyi zviri kutemwawo.

Chiitiko ichi chaita kuti shirikadzi Lydia Manjengwa — nevana vake vasere — vashaye pekugara.

Vatori venhau vakashanyi­ra mhuri iyi nemusi weChipiri svondo rino vakaiwana yakasuwa zvikuru.

Kwayedza yakagashir­wa naFuture Mashiri (35) nemuroora wake Tafadzwa Matevera (19).

Pakasvika vatori venhau, vakawana migoro yemvura, mandiro, mapoto nemimwe midziyo zvakapwany­wa zviri hungwanda-ngwanda pachivanze.

Chinoshami­sa ndechekuti matombo ari kukandwa aya akakura zvekuti haakwanise kunge achikandwa pasina munhu anenge achionekwa.

Mamwe ematombo aya anonzi anopinda nepachidzi­ro chemba asi asingasiye kana buri uye kana pamba apa pakasvika munhu asingagare­po, anobva amira kukandwa.

“Tinotiza nekuti tinotemwa nematombo anenge achipisa. Pano hapachagar­ika. Tave chiseko chemuno, hapana anoda kutipa pekugara kana zvekudya. Zvakatanga musi wa9 Chivabvu gore rino uye tashaya zano rekuita. Matombo aya anotitever­a kwose kwatinoend­a uye tinodzingw­a kudzimba dzevanhu kwatinenge tapotera apo tinenge tichitemwa,” anodaro Future.

Anoti matombo aya akambovate­vera apo vakaenda kunopotera kumisha iri kwaMazorod­ze, kwaMasunga nekwaChaka.

“Tafamba kumaporofi­ta manomwe nekun’anga imwe chete tichitsvag­a rubatsiro asi hapana chiri kubuda. Tose tapera kukuvadzwa uye midziyo yedu yaparadzwa. Matombo aya anenge achipisa sezvinoita mapfihwa ari pamoto.”

Future anoenderer­a mberi: “Hatirare zvachose, tinopedza husiku hwose tiri mumakomo nevana. Amai vedu (Lydia Manjengwa) vaenda kuMakumbe Mission kunotsvaga mumwe muporofita.”

Mashoko ake anotsinhir­wa naTafadzwa achiti vari panguva yakaoma zvikuru.

“Izvi zvinoda ropa revanhu. Zvi ri kuda mutumbi wemunhu. Ngavafambe semhuri,” anodaro Tafadzwa.

Lydia, akatanga kugara nemhuri yake yekwaManje­ngwa mugore 1996 apo akatadza kuwirirana zvachose neaiva murume wake Madhimbe Mutondondo Mashiri, uyo akazoshaya muna 2001.

Mhuri yeManjengw­a — iyo ine husabhuku — yakazomupa pekugara.

Zvakadai, mhuri iyi haizi kuwirirana nekuda kwezviri kuitika apo vamwe vaine fungidziro yekuti panofanira kunge paine mumwe ane zvidhoma.

Izvi zvinonzi zvakatsinh­irwa nemumwe muporofita anozikanwa nekuti Madzibaba Washy, uyo akambotorw­a nevemhuri iyi.

VaTedious Manjengwa ( 70), avo vanogara vachibasti­rana naLydia kutsvaga nzira dzekupedza dambudziko iri, vanoti zvinonyadz­isa kuti havazi kubatana semhuri mukugadzir­isa maminimini aya.

“Uyu musha wedu uye ihanzvadzi yedu ( Lydia), sevekwaMan­jengwa. Zviri kuitika izvi zvanditamb­udza, ndiri kushaya hope nazvo. Handina rugare uye

◆ ndiri kutsvaga anokwanisa kuzvipedza, kudzosera matombo anopisa ari kukandwa aya kumuridzi wawo,” vanodaro. Vanoendere­ra mberi vachiti: “Ndine fungidziro yekuti mumwe mumhuri medu ndiye ari kukonzeres­a izvi. Ini chete naLydia ndisu tiri kushunguru­dzwa nazvo. Ngazviite yowe-yowe kumuridzi wazvo.”

Mudzimai wavo, Mai Viola Kobe, vanoti pane mumwe wemumhuri ari kushandisa mishonga yakaipa mukutsvaga kupfuma.

“Chitarisai, zvamuri kuita mumusha muno, kushandisa mishonga kuti upfume?” vanodaro.

Vanoti pane muporofita akatodoma munhu ari kukonzeres­a izvi.

Mumwe mudzimai wechikuru wemunharau­nda iyi, uyo akaramba nezita rake, anoti vemhuri yekwa- Manjengwa vanoziva zviri kuitika.

VaJealous Mapingire, avo vanova hama yekwaManje­ngwa, vanoti pakutanga havana kubvuma zvaitaurwa kusvikira mumwe musi vakaona matombo achikandwa pamusha wavaive vapotera uyu.

 ??  ??
 ??  ?? VaFarai Mashiri vachiratid­za mamwe ematombo ari kutemeswa mhuri yekwaManje­ngwa
VaFarai Mashiri vachiratid­za mamwe ematombo ari kutemeswa mhuri yekwaManje­ngwa
 ??  ?? VaJulius Mapingire vachiratid­za rimwe remazitomb­o ari kutemeswa mhuri yekwaManje­ngwa.
VaJulius Mapingire vachiratid­za rimwe remazitomb­o ari kutemeswa mhuri yekwaManje­ngwa.
 ??  ?? VaTedious Manjengwa vachiratid­za dzimwe nzvimbo dzemumba yekubikira dzakatemwa nematombo anopisa.
“Ndakazvion­a nemaziso angu aya, dombo hombe richikandw­a pamba painge papotera vemhuri yekwaManje­ngwa.
‘‘Pandakabat­a dombo iri, raipisa seraibva...
VaTedious Manjengwa vachiratid­za dzimwe nzvimbo dzemumba yekubikira dzakatemwa nematombo anopisa. “Ndakazvion­a nemaziso angu aya, dombo hombe richikandw­a pamba painge papotera vemhuri yekwaManje­ngwa. ‘‘Pandakabat­a dombo iri, raipisa seraibva...

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe