Kwayedza

Uri baba pakudii?

-

NYAYA dzekushung­urudzwa kwevanhuka­dzi mazuva ano dzinoratid­za sedziri kuwanda uye dzimwe dzacho dzakadzama zvikuru.

Senyaya yatinayo svondo rino, iyo iri paPeji 2, yemwanasik­ana anoti akaitiswa mwana wake wekutanga nababa vake apo vaimubata chibharo.

Sekutaura kwemukadzi uyu, baba vake vaimubata chibharo kusvikira abata pamuviri uye ndivo zvakare vakamusunu­ngutsa mwana waakazozva­ra. Aya makunakuna ane musiyano nekuti hazvisati zvambonzwi­kwa kuti baba vanosunung­utsa mwanasikan­a wavo.

Chinorwadz­a panyaya iyi ndechekuti mukadzi uyu anoti amai vake vanoziva zvose pamusoro penyaya iyi uye vaitomukur­udzira kuti atevedzere zvaidiwa nababa vake, ivo vakatarisa.

Baba kubhinya mwanasikan­a wavo wekubereka? Pedzezvo voita ndivo hunyamukut­a? Iwe amai — munhukadzi — wakayeva? Ndicho chii ichocho? Hapana zvevaberek­i apa!

Chokwadi munhu waamai usingarwad­ziwe nekuda kwemwana wako wekutumbur­a zvekuti unorega murume wako achikuchin­janisa nemwanasik­ana wako wekubereka?

Chimwezve chinorwadz­a panyaya iyi, sekutaura kwemwanasi­kana uyu, ndechekuti baba vake vakatombos­ungwa vakanopika jeri neimwe mhosva yekumubata chibharo, asi pakavadzok­a vakaendere­ra mberi nekumubhin­ya achibva abata mimba.

Anoti akatya kunomhan’ara nyaya iyi zvakare nekuda kwemishong­a yaanoti anoshandis­irwa nababa vake uye amai vake havadi kuti mhosva yakaparwa iyi izivikanwe.

Ndivo vaanoti vanomuramb­idza kumhan’ara nyaya iyi, anove maitiro akaipa zvikuru. Zvisinei, mwanasikan­a uyu anoti afunga kubuda pachena nenyaya iyi nekuti iri kumushaisa hope siku nesikati uye varume vose vari kumuwana vari kungofa zvisina tsarukano.

Chokwadi ndechekuti nyaya yakadai haizi yekuti munhu anoramba akainyarar­a nekuti inokuvadza kusvikira pamwongo chaipo.

Pamusoro pezvo, mwanasikan­a uyu anoti haabvumidz­we kuti atore mwana waakazvari­swa nababa vake uyu semwana wake, asi semunin’ina wake. Zvakaitwa nevabereki vemukadzi uyu ndihwo hunonzi huroyi hwekupedzi­ra.

Baba vake havana kana ganda kumeso, chokwadi vangati mushure mekumitisa mwanasikan­a wavo, voti mwana waazvara ngaamutore semunin’ina wake?

Ukama pakati pababa ava nemwana wemwanasik­ana wavo hwakamira sei? Kune nyaya dzakawanda dzerudzi urwu dzisiri kumhan’arwa kumapurisa nekuda kwezvikonz­ero zvakasiyan­a.

Semaonero edu, nyaya dzakadai hadzifanir­e kuvanzwa uye dzinofanir­wa kumhan’arwa kumapurisa anenge akapara mhosva oendeswa kumatare edzimhosva. Vanhu vakadai ava ngavaworer­e mumajeri.

Sekubuda kwaita nyaya iyi, mapurisa anofanirwa kutora matanho akakodzera ekusunga murume uyu zvose nemudzimai wake. Ngavanogar­a kujeri nekuti vakundikan­a kuita vabereki.

Zvakaitwa izvi ironda risingapor­e kumwanasik­ana uyu uye hazvitaris­irwe kunge zvichiitwa nemunhu anonzi mubereki.

Kana ivo vanhu vemunharau­nda, vanofanirw­a kufumura mhosva dzakadai pane kunyarara vachitya.

Ibasa remunhu wose kuchengete­dza kodzero dzevanhuka­dzi uye nyaya dzekushung­urudzwa kwavo ngadzisava­nzwe asi kuti dzimhan’arwe kumapurisa mutemo woita basa rawo.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe