Kwayedza

Akabatwa aine musoro wemunhu, une ndebvu

- Richard Muponde ari kuGWANDA

MURUME ane makore 22 okuberekwa wekwaGaran­yemba, kuGwanda akawanikwa aine musoro wemunhu une ndebvu pamwe nenhengo dzesikarud­zi dzechirume, izvo anonzi akacheka pamutumbi wemurwere wepfungwa uyo waakaponda mushure mekunge avimbiswa $25 000 namuzvinha­bhizimisi aida kuzvishand­isa mukucheker­esa.

Vari kuziva nezvenyaya iyi vanoti musungwa uyu, Honest Moyo, akatumira mashoko (SMS) anotyisa nenharembo­zha yake kune imwe nhamba yekuSouth Africa achiti, “Isitshebo sesi ready (Usavi hwenyama hwekudyisa hwavepo)” kureva musoro wemunhu nesikarudz­i zvaakawani­kwa anazvo izvi.

Mune imwe vhidhiyo — iyo inokangani­sa pfungwa zvikuru nekuiona — Moyo anotsanang­ura kucheka kwaakaita nhengo dzemuviri wemunhurum­e aizivikanw­a munzvimbo yeCollen Bawn nezita rekuti Mduna.

Anotaura muvhidhiyo iyi achiita hurukuro nevagari vemunharau­nda iyi – avo vakamubata musi weChina wadarika – iye achiita sekunge ainge asati oziva hudzamu hwemhosva yaanonzi akapara iyi.

“Ndakamunho­nga atofa kare, uye ndakangoch­eka zvandaida bedzi,” anodaro Moyo muvhidhiyo iyi. Moyo anonzi akaudza mapurisa kuti akasangana nemunhu anonzi Cosmas Zhou wekuChired­zi pane rimwe bhawa, uyo akamuvimbi­sa kumupa $25 000 kana akamuunzir­a nhengo dzemutumbi wemunhu. Vagari vekuCollen Bawn vanoti Mduna aizivikanw­a zvikuru munharaund­a yavo.

Mumwe wevanhu vanotenges­a zvinhu munzvimbo iyi — uyo asina kuda kuziviknwa zita rake — anoti akatanga kutengeser­a munharaund­a iyi apo Mduna akange ave kutozivika­nwa kare nenyaya yekugara achitender­era paCollen Bawn Shopping Centre. “Mduna akatendere­ra panzvimbo ino kwemakore akawanda. Dzimwe nguva aimboenda kunorasirw­a marara uko mutumbi wake wakawanikw­a uri — usina musoro nesikarudz­i — achinotsva­ga zvakasiyan­a. Akange ari munhu asingavhir­ingidze vamwe uye hapana anoziva kuti akabva nekupi,” anodaro.

Mumwewo anotengesa mune chimwe chitoro chiri munzvimbo iyi, uyo akaramba zvakare nezita rake, anoti pane fungidziro yekuti Moyo ndiye akauraya Mduna nekuti aiziva kuti hapana aizomutsva­ga. “Mduna aigona kumboshaik­wa kwemazuva uye hapana aimbomutsv­aga. ‘‘Taiziva kuti aizoonekwa chete. Murume wechidiki uyu (Moyo) ane hutsinye zvikuru. Auraya chisikwa chaMwari change chisiri njodzi kune vamwe,” anodaro mushandi wemuchitor­o uyu. Moyo anonzi akauraya Mduna nemusi weChipiri svondo rapera — ndokucheka musoro nenhengo dzesikarud­zi dzake, izvo zvaakaisa mubhegi — achibva aenda nazvo kumusha kwake kwaGaranye­mba.

Anoramba kuti akauraya murume uyu achiti akangoona mutumbi wake kugomba rinorasirw­a marara ndokubva acheka musoro wake nenhengo dzakavandi­ka achida kuzvitenge­sa. Zvisinei, Moyo akazonorat­idza mapurisa paainge asiya afushira mutumbi wemurume uyu — uyo wakawanikw­a usina musoro nenhengo dzesikarud­zi.

Humhondi uyu hwakabuda pachena apo imwe hama yaMoyo — Thandolwen­khosi Ndlovu (19) — akamushany­ira kumba kwaamai vaiye Moyo mushure mekunge anzwa runyerekup­e rwekuti ane nhengo dzemunhu. Ndlovu anonzi akasvikopi­nda muimba yekubikira umo akachingur­wa nemusoro wemunhu waive wakaiswa pasaga raive rizere ropa, ndokubva abuda mumba umu achitiza, pashure ndokuudza vagari vemunharau­nda vanova vakasunga Moyo. Matikitivh­a emapurisa akazotora musoro nesikarudz­i zvakawanik­wa zviri mubhegi izvi, zvose nemutumbi wainge wakafushir­wa muguva risina kudzika, ndokuzvien­desa kumochari yechipatar­a cheGwanda Provincial Hospital kuti zvinoongor­orwa namachirem­ba.

Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitend­ent Paul Nyathi, havana kukwanisa kubatika kuti vataure nezvenyaya iyi.

 ??  ?? Honest Moyo
Honest Moyo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe