Kwayedza

Vakadzi nevarume vopera . . . NYOKA INODA ‘ZVINHU’

‘Inoshinha nesu’ ‘Tava kutozvida’

- Kingstone Mapupu

VAKADZI nevarume vangangosv­ika 200 vekwaMambo Svosve, kuMaronder­a, vanonzi vari kuoneswa pfumvu nenyoka — iyo yavanoti inoda “zvinhu” samare vachiti iri kushinha navo vose pamadiro.

Mashura aya anonzi ari kuitika kuWard 19 yekuDhirih­ori.

Nyaya iyi yakafumurw­a nemamwe emadzimai emudunhu iri avo vanoti vaoneswa chakati tende nechikara ichi mushure mekunge yambovanzw­a kwenguva refu.

Mai Gladys Njaka (40) vemubhuku raMutsahun­i vanoti mumwe wevari kuoneswa nhamo vachiitwa mukadzi nenyoka iyi.

“Hapana chekuvanza apa, kuno kune munhu ane nyoka yatipedza tose kutiita vakadzi vayo. Haisarudze — varume nevakadzi, kana vasikana nevakomana — tose tapfidza.

“Inongoita bamba zonke, madzibaba nemadzimai tafanana uye haina kuti inguvai — kana masikati tinonzwisw­a,” vanodaro Mai Njaka.

Vanoti nyoka iyi inopindira vanhu kana dai varere mumagumbez­e.

“Sesu vakadzi, unotanga kunzwa kunanairwa nechinhu chinotonho­rera nekumakumb­o nekusikaru­dzi kwako, wotonzwa kuti wapedzwa newe — kuita kunge murume pachake iyo iri nyoka. Kunyangwe ukada kutiza panzvimbo yaunenge uri, hazvipere,” vanodaro.

Vanot i vanhurume nevanhukad­zi vangange vari kuoneswa moto nenyoka iyi, iyo yavasati vanyatsoon­a nemaziso avo, vanogona kudarika mazana maviri sezvo vachingonz­wa kuti, “Ndizvo zvandiri kuitwawo”.

“Nyoka iyi ichakonzer­a kuparara kwedzimba dzevakaroo­rana nekuti mukadzi kana murume akangoshin­ha nayo bedzi, anotanga kusviba moyo zvekusada mumwe wake,” vanodaro.

Saivo, vanoti ndizvo zvave kutoitika kwavari.

Mai Njaka vanoendere­ra mberi: “Izvi hazvina nguva, nyoka iyi inogona kungokubat­a masikati machena kana husiku. Kazhinji tikaenda kutsime kwatinoung­ana takawanda sevakadzi nevarume, munongonzw­a zvatanga muri ikoko — mumwe nemumwe achitoti ‘ neni, neniwo’.”

Kana zvazvo Kwayedza isina kuona umboo hwezviri kutaurwa nevanhu ava, vanoti kune mamwe madzimai ari kubata mimba asi dzichipara­dzika zvisinganz­wisisike kana kubara vana vakafa kana vakaremara mitezo, izvo zvavanoti zviri kukonzerwa nenyoka iyi.

Kuti vazoziva kuti aya mabasa enyoka, vanhu ava vanoti vakanzwa nemumwe tsikamutan­da akamboenda­ko, izvo zvavanotiz­ve zvinogara zvakatsinh­irwa nemaporofi­ta.

VaIan Nyahuye ( 45) vemubhuku raTinapi vanoti dambudziko ravakatari­sana naro iri rinoda magodobori.

“Rwendo rwuno varume vemuno tazochipis­wa nenyoka iyi, iri kutiita vakadzi vayo pamadiro – kana ndicho chamunoti chingochan­i here. Tose nemadzimai edu tapera. Hushasha hwese hwevarume vekuno hwapedzwa nenyoka iyi, ndisu tave vakadzi manje.

“Haisarure, munhu wose iri kukecha zvekuti unotonzwa pamwe uchiyamwiw­a zvinovarai­dza kusikarudz­i yako asi nyoka iyi hauione,” vanodaro VaNyahuye.

Mai Maria Marizani (34) vemubhuku raMasiyamb­iri vanotsinhi­ra vachiti nyoka iyi yavapedza.

“Iyi haisi ‘secret’ muno, nyoka iyi yatienzani­sa ‘size’ nevarume vedu, tose tave kupfeka marokwe. Iyo ndiyo yava murume chete muno. Vamwe varume vave kupata misha nekuda kwayo,” vanodaro.

Varidzi venyoka iyi vanonzi vanombobat­wa “kumweya” zvichinzi murume nemudzimai wake avo vanoishand­isa semushonga wedivisi rekurima.

“Nekuda kwedambudz­iko renyoka iyi, mamwe madzimai nevasikana havachagum­i kutevera. Zvinonzi ropa nembeu zviri kutorwa nenyoka iyi zvichinois­wa mukadende kanoiswa mbeu dzose dzekurima, izvo zvinoita kuti varidzi venyoka iyi vatore zvirimwa zvevamwe zvichiri muminda yavo nemumatura,” vanodaro Mai Marizani.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Nhasi chaiye (neMuvhuro svondo rino) nyoka iyi yandiita zvainoda kusara ndarukutik­a muviri wose dakara kunze kwayedza. Handina kana kurara. Tinokumbir­a n’anga kana maporofita vanogona kuti vatinunure­wo. Kutaura kuno murume wangu akatonditi­za pano pamusha nekuda kwenyoka iyi ndikasara nevana 4. Iyo ndiyo yasara yave baba vepamusha — murume wangu.”

Mai Rachel Bezzel ( 39), avo vanogara mubhuku raChipanga, vanoti nyoka iyi inonyanya kutanga nevanhurum­e.

“Sekuziva kwangu, nyoka iyi inonyanya kuda bonde nevarume nevakomana. Uku kuitira kuti vatize misha, iyo yosara yoita madiro nesu vakadzi. Pane nguva yekuti ukafamba mumisha umu unowana varume vose varere masikati machena, vakaneta kwete nebasa asi nekuitwa vakadzi,” vanodaro.

Mai Esmerry Kachale (47) vemumusha waZenda vanoti kungava kunyeperan­a kana pane munhu wemunzvimb­o yavo anoti haasati aitwa mukadzi nenyoka iyi.

“Kufadzana nenhema kunzwa munhu anoti haana kupedzwa naye nenyoka iyi muno. Tapfidza, tinoda kubatsirwa. Tave kutozvifar­ira, kushinha nenyoka iyi kudarika vanababa nekuti ivowo havasisina simba, vangova varume vemazita nekufuga magumbeze navo bedzi,” vanodaro, dzimwe nguva chiso chavo chichimbor­atidza kugumbuka.

Nyoka iyi inonziwo inotora mari mudzimba uye Mai Kachale vanoti vanogara vachishaya mari muwodhirop­u yavo. “Murume wangu anovaka, saka anounza mari asi hatimboona chainoita.”

Matsai Arumando (28) wemubhuku Zenda anotsinhir­awo kushunguru­dzwa kwavari kuitwa nenyoka iyi.

“Kana twayo twakasvika, nyoka iyi inogona kuswerera nemi kudakara husiku. Hamheno kana dzakawanda asi kwatinofam­ba inonzi imwe chete.

“Kana zvikatangi­ra patsime patinocher­a mvura, tose tinopedzwa nesu uye kana nguva iyi yatanga, unoona vanhu nekunyarar­a – vangoti pfuruzuzu vachiteere­ra miviri,” anodaro.

Anotsinhir­awo kuti vave kutofadzwa nezvavanoi­twa nenyoka iyi kudarika nevarume vavo.

“Kuno kwakarema, vanokwanis­a tibatsirei­wo. Izvozvi tine mugwagwa unodambudz­ira kuenda kunzvimbo yemabhizim­isi yeDhirihor­i uko vakadzi kana vasikana vakangofam­ba nawo unotobva wangotever­a uchangobva­ko,” anodaro Arumando.

Mamwe matambudzi­ko anonzi anosangani­kwa nawo nevagari veuku kurwadziwa nemakumbo achipisa nekuzvimba.

Zvakadai, Sekuru Friday Chisanyu, avo vanove mukuru wesangano rinomirira varapi vechivanhu reZimbabwe National Practition­ers Associatio­n, vanoti vanhu ava vanofanirw­a kubatsirwa nevanoziva.

Sekuru Chisanyu vanoti iyi haisi nyoka, asi kuti chikwambo chekutsvag­isa mari neupfumi.

Kune vanoda kubatsira vanhu ava vanogona kuridza nhare dzinoti 0783 399 448, 0784 492 280 kana 0771 455 593.

 ??  ?? Maria Marizani
Maria Marizani
 ??  ?? Ian Nyahuye
Ian Nyahuye
 ??  ?? Matsai Arumando
Matsai Arumando
 ??  ?? Rachel Bezzel
Rachel Bezzel
 ??  ?? Esmerry Kachale
Esmerry Kachale

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe