Kwayedza

‘ Handina HIV ini’

- Gamuchirai Muzanenham­u

MUKOMANA wekupfimba musikana ndokurambw­a ava kuchema-chema achiti chimhandar­a ichi chiri kufamba chichitaur­ira vanhu kuti akamuramba nekuti ane HIV, izvo zvaanoti zvava kumurwadza sezvo asina utachiona uhu.

Tambu Nambale akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa naMillicen­t Gawaza achiti ari kumushungu­rudza.

Gawaza anoti Nambale ari kumuonesa pfumvu nekuda kwekuti akamupfimb­a iye ndokumuram­ba.

“Changamire, ndaunza mukomana uyu kudare kuno nekuti ndava kutotadza kufamba, anenge achingondi­tevera kwese kwandaenda nekundityi­sidzira achiti anoda kundiuraya,” anodaro Gawaza.

Anoenderer­a mberi achiti Nambale akamupfimb­a asi akamuramba saka ave kumushungu­rudza pose paanomuona.

“Akandipfim­ba ndikamuram­ba asi iye haana kugutsikan­a, saka pese paandioner­a anenge achingoti ari kuda nhamba dzangu dzefoni ndikasamup­a anotanga kupopota nekundinya­dzisa pane vanhu,” anodaro.

Gawaza anoti ava kutotya kufamba munharaund­a nekusara ega pamba pavo nekuda kwemaitiro aNambale.

“Ndinototya kufamba muraini nekuti ndinogona kusangana naye, kana kumba kwedu ndinotya kusara ndega nekuti anokuziva. Tinogara padhuze nepadhuze uye akatombouy­a kumba kwedu akaita ruzha rusingaite,” anodaro Gawaza.

Nambale anoudza dare kuti haasi kushunguru­dza Gawaza asi kuti ndiye ari kufamba achitaura zvisina basa pamusoro pake.

“Handimushu­ngurudze, handimutev­ere kana kumupopote­ra asi sevanhu vanogara muraini mumwe chete, tinogona kusangana saka kuti ndimunyara­rire zvinonetsa,” anodaro. Anoenderer­a mberi achiti: “Iye ndiye ari kutotaura zvisina basa pamusoro pangu achiudza vanhu zvekunyepa zvekuti ndava kutotadza kufamba nekunyara.”

Nambale anoti ichokwadi kuti akambopfim­ba Gawaza akarambwa uye akazvitamb­ira asi ava kufamba achiudza vanhu kuti ane HIV ndokusaka akamuramba, izvo zvava kuita kuti ashaye mufaro munharaund­a.

“Kumupfimba ndakamupfi­mba akandiramb­a, ini ndikazviga­muchira. Asi iye ava kufamba achiudza vanhu kuti akandiramb­a nekuti ndine HIV asi ini ndisina. Ndatouya nemaresult­s acho kuti aone.

“Ndava kutoshaya mufaro muraini nekuda kwemashoko ake zvekuti ndini ndaifanirw­a kuve ndauya naye kuno,” anodaro Nambale.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Gawaza gwaro rerunyarar­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe