Kwayedza

Chichemo chekuvandu­dzwa kwemitemo

Yemidziyo nedzimba muwanano

- Fourie Revai

NYAYA yekodzero yemidziyo yewanano yave nenguva yakareba ichitaurik­a.

MuZimbabwe, wanano dzose dzinoonekw­a sedziri pasi pebandiko re”out of community of property” zvichireva kuti midziyo yose inenge yakawanikw­a munguva yewanano muridzi wayo ndouyo anenge aine zita rakanyores­wa midziyo iyoyo.

Zvisinei, vanenge vari muwanano vanokwanis­a kunyoreran­a pasi chibvumira­no chinozivik­anwa nekuti “ante-nuptial contract” apo vanotsanan­gura zvakajeka maringe nemidziyo yavo.

Asi, pane dambudziko pamidziyo yakaita semasitend­i nedzimba.

Nguva yakawanda midziyo inenge yakawanikw­a panguva yewanano inonyoresw­a muzita remunhu mumwe chete, zvikuru muzita remurume.

Izvi zvinoitika kunyangwe vaviri vari muwanano vakabatsir­a mukutengwa kwemidziyo iyi. Pamutemo, kuve mwene wemudziyo wakaita semba kunoonekwa nezita rinenge rakanyores­wa. Pane nyaya dzakawanda dzapinda mumatare edzimhosva dziri pamusoro pekuti mumwe ari muwanano anenge atengesa imba kana kuiita chibatiso chezvikwer­eti mumwe waakaroora­na naye akashandir­awo imba iyi asina ruzivo nezvazvo.

Vanoona nezvekuton­gwa kwemhosva kumatare vagara vachiti mutemo uyu unofanirwa kuvandudzw­a izvo zvatinotsi­nhira zvakare.

Bumbiro remutemo weZimbabwe rinokurudz­ira kuenzanisw­a kwevanhuru­me nevanhukad­zi (Section 56) pane zvose.

Pasi pechikamu cheSection 26 chebumbiro remutemo wenyika, Hurumende ine basa rekuona kuti pane kuenzanisw­a kwemurume nemukadzi vari muwanano uye nepanguva yavanenge vorambana. Izvi zvinofambi­rawo kusvika panyaya yemidziyo inenge yawanikwa munguva yewanano.

Asi izvi handizvo chaizvo zviri kuitika mukurarama kwevanhu.

Mutemo wedu unochenget­edza kodzero yekuve nemudziyo nekudaro kana pasina kunyoreswa kwemazita evaviri vari muwanano panyaya yemidziyo, uyo ane zita riri pamudziyo uyu anokwanisa kuutengesa zviri pamutemo pasina kuzivisa mumwe muwanano.

Kubatsirwa kunenge kwakaitwa nemumwe ari muwanano mukutenga kana kuvakwa kwemudziyo uyu hakutarisw­i uye hakukwanis­i kumisa kutengeswa kwawo.

Mune imwe nyaya ichangopin­da mudare guru reHigh Court of Zimbabwe (Madzara vs Stanbic Bank Zimbabwe Limited and 4 others), mumwe mudzimai akazoziva kuti murume wake akatora chikwereti kubhanga uye ndokushand­isa imba yavo sechibatis­o (mortgage bond). Murume uyu akazotadza kubhadhara mari yechikwere­ti iyi ndokuendes­wa kumatare nebhanga iri iro rakange rave kuda kutengesa imba iyi kuitira kuti riwane mari yaro.

Mudzimai uyu akazoenda kumatare achida kumisa kutengeswa kwemba iyi achiti ndiye muridzi wayo chaiye.

Magweta aimirira mudzimai uyu akapa zvikonzero zvakasimba zvinosanga­nisira kuchengete­dzwa kwekodzero yemidziyo yewanano pamwe netsika nemagariro echivanhu anotadzisa kuti vamwe vanhukadzi vanyorese midziyo yavo mumazita avo. Nerimwewo divi, bhanga iri raiti pasi pemutemo muridzi wemudziyo ndouyo anenge aine zita rinenge rakanyores­wa uye hapana chaitadzis­a mudzimai uyu kuti anyorese imba iyi muzita rake kana ichinge iri yake.

Dare rakaratidz­a kushushika­na nemamiriro akaita mitemo inochenget­edza kodzero dzemidziyo yewanano ndokuti inofanirwa kuvandudzw­a. Ichokwadi kuti mitemo iyi inofanira kuvandudzw­a nekukasika kuitira kuchengete­dza kodzero dzemidziyo yewanano.

Bumbiro remutemo wenyika rinotaura zvakajeka pamusoro pekuenzani­swa kwekodzero dzevanhuka­dzi nevanhurum­e panyaya yemidziyo yewanano saka kwasara kuti vanoona nezvekudzi­kwa kwemutemo vaite basa ravo rekuvandud­za mitemo iyi. Kune dzimwe nyika dzakaita seCanada, imba yewanano haikwanise kutengeswa kana kuitwa chibatiso pasina kuwirirana kwevaviri vanenge vari muwanano.

Tinodawo kuti mitemo yemuno munyika inge yakadaro. Matare emuZimbabw­e ari kuona kuti pane kuperevera kuri pamitemo yekuchenge­tedza kodzero dzewanano.

Mutemo unofanira kuchengete­dza zvakajeka kodzero yemidziyo inenge yakanyores­wa mumazita evaviri vari muwanano. Dare reParamend­e rinokurudz­irwa kuti rione zvekuita pamusoro penyaya yekuvandud­za mitemo iyi.

Ichokwadi kuti kana mitemo iyi ikavandudz­wa, madzimai akawanda achave nemufaro sezvo nguva zhinji vari kusara vachigunun’una nekuda kwenyaya yekugovewa kwemidziyo yewanano. ◆ Makasunung­uka kutumira mhinduro dzenyu kana mibvunzo padandemut­ande rinoti zwla@ zwla. co. zw < mailto:zwla@zwla.co.zw> kana kuridza nhare panhamba dzehotline dzinoti 0776 736 873 ne0782 900 900 uye panhamba yeToll free zvakare inoti 08080131.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe