Kwayedza

Mazamu tugu, hupombwe hauna kuchipa

-

KANA ukadirwa mvura haurambe wakaoma. Zvinhu zvose zvatinoita zvine zvazvinoko­nzera, kufanana nekuti ukadyisa unozvimbir­wa, unorwara kana kurutsa. Hakuna muchero unodonhera mudenga, uye hakuna muchero unodonhera kure nemuti wawabva. Ichokwadi hakuna mukadzi anoiswa number plate semotokari, asika kana ukaona munhu akuyambira kuti siyana nemukadzi wangu, iwe rohwa nehana ubvunzisis­e nekuita tsvakurudz­o pamusoro pemukadzi iyeye. Asi chinokuita kuti usaite tsvakurudz­o ndechekuti unenge usiri kuda kuroora mukadzi iyeye, asi kungoita hit and run semotokari.

Mukadzi wemumwe kutsvoda rovambira, uye unomudii iwe uine wako kumba? Panomera muswe panonyered­za! Asi muswe ukange wamera unonetsa kuti uuvige, ndipo panonzi nevaKarang­a, “Unapo panopinda gonzo muswe uchipata.”

Dimikira rekuti kumera muswe rinoreva kufarisa, uye kana ukanzi wave kurebesa muswe zvinoreva kufarisa zvakapfuri­kidza.

Kana muswe ukarebesa, unenge wave kutsvaira-tsvaira vamwe nekuvapiri­ngisha nekuti iwewe muridzi wemuswe iwoyo unenge usisagone kuudzora. Mhedzisiro yemuswe wakarebesa kuchekwa kana kudimurwa.

Kana muswe wadimurwa, tinenge toti, “Wagurwa kunorira.”

Hatipembed­ze huroyi sezvakaiti­ka kuna Mutimutema, uyo akamera mazamu nekuti akanga atora mukadzi waSithole. Zvakarewo mukadzi waSithole ndiye nhubu huru panyaya iyi nekuti chii chakamuita kuti adanane naMutimute­ma asi iye achinzi Mai Sithole?

Saka zvaifanira here kusvika ipapa pekuti munhu waari kudanana naye amere mazamu kuti iye azorega chipfambi? Zvisinei, nyaya yangu yakanangan­a naMutimute­ma uyo wandiri kunzwira tsitsi nekuti murume anotoriwo nemukadzi nevana kumba. Chaakanga achiita chii?

Hupombwe haubhadhar­e uye hahuna kuchipa Mutimutema, uye vanhu vese ngatidziid­zei chinhu ichochi.

Ngatimboit­a kuti zvandiri kutaura zvinyatsoj­eka semangwana­ni. Izvozvi nyora pasi mazita evanhu vose vanokangan­iswa kana ukaita hupombwe.

Handisi kuda kuti uti, “Haaa inini handibatwe.” Kana utori muhupombwe izvozvi ziva kuti vose vanohuita vanofunga kuti havabatwe, asi hupombwe iriva rakamirira kudhinguka. Saka toti wafunga kuita hupombwe, ndevapi vanhu vanokangan­iswa nehupombwe hwako?

Kana uri murume saMutimute­ma uchakangan­isa vanotevera: Mukadzi wako, vana, atezvara, ambhuya, ana tsano nevakadzi vavo nevana vavo, vabereki vako, hanzvadzi dzako nevarume vadzo nevana vavo. Uchakangan­isa vanin’ina vako, madzisekur­u nanambuya. Uchakangan­isa vavakidzan­i vako nevemunzvi­mbo yaunogara. Kana uchienda kubasa nekuchechi, zvakaoma!

Nhai Mutimutema, newe mukadzi waSithole – ungatore demo ukatema zvigunwe zvemwana wako here? Ndinoziva kuti uchati kwete, handingada­ro. Chinoita kuti usadaro ndechekuti kutema mwana wako zvigunwe hakusi kuranga, asi kukuvadza, kuremadza nekuuraya.

Zvino ndizvo zvakaita kuita gumbo mumba, gumbo panze. Hupombwe hunokuvadz­a, kuremadza nekuuraya vana vako nemudzimai kufanana nekuvatema zvigunwe nedemo. Miviri yedu yakasikwa nemufanani­dzo waMwari nechikonze­ro. Miviri yedu itemberi kana kuti imba yeMweya waMwari. Vafundisi vakare vakatsanan­gura hupenyu hwedu vanhu panyika nemufanani­dzo unoita kuti nditye.

Vakati isu vanhu tiri kufamba patambo iri mudenga, uye tambo iyi yakabatwa nengirozi kune rimwe divi, uye kune rimwe divi yakabatwa nezvikara. Hatisi ana mwari, hatisi ngirozi kana zvikara, asi tiri vanhu vari patambo.

Tine nguva dzatinorer­ekera zvinotyisa kudivi rezvikara, asiwo pamwe pacho tinofamba tichienda kudivi kune ngirozi. Ndataura kare, hupombwe hauna profit, tizai zvikara muende kudivi raMwari. Nyama yamunoda iyi ikaiswa pasikero inorema, uye mukaicheng­eta inowora.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe